Eksodho
4 Zvisinei, Mosesi akapindura kuti: “Ko kana vakasanditenda uye vakasateerera inzwi rangu,+ nokuti vachati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri.’” 2 Jehovha akabva ati kwaari: “Chii icho chiri muruoko rwako?” iye akati: “Itsvimbo.”+ 3 Iye achibva ati: “Ikande pasi.” Naizvozvo akaikanda pasi, ikava nyoka;+ Mosesi akatanga kuitiza. 4 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Tambanudza ruoko rwako uibate muswe.” Naizvozvo akatambanudza ruoko rwake akaibata, ikava tsvimbo muchanza chake. 5 “Kuitira kuti,” sokutaura kwaakaita, “vatende kuti Jehovha Mwari wemadzitateguru avo,+ Mwari waAbrahamu,+ Mwari waIsaka+ naMwari waJakobho,+ akazviratidza kwauri.”+
6 Zvino Jehovha akabva atizve kwaari: “Ndapota, isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Naizvozvo akaisa ruoko rwake muchipfuva chake. Paakarubudisa, akaona ruoko rwake rwava nemaperembudzi akaita sechando!+ 7 Apedza izvozvo akati: “Dzorera ruoko rwako muchipfuva chako.” Naizvozvo akadzorera ruoko rwake muchipfuva chake. Paakarubudisa muchipfuva chake, akaona rwaita seimwe nyama yake yose!+ 8 Iye akati: “Kana vasingazokutendi uye vasingazoteereri inzwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda inzwi rechiratidzo chinotevera.+ 9 Zvino kana vasingazotendi kunyange zviratidzo zviviri izvi uye vasingazoteereri inzwi rako,+ utore mvura muRwizi rwaNire woidururira paivhu rakaoma; mvura yauchatora muRwizi rwaNire ichava, chokwadi ichava ropa paivhu rakaoma.”+
10 Zvino Mosesi akati kuna Jehovha: “Pamusoroi, Jehovha, asi ini handisi munhu anogona kutaura zvakanaka, kubvira nezuro kana kubvira kare kana kubvira pamakataura nomushumiri wenyu, nokuti ndinondandamira uye ndine chirimi.”+ 11 Jehovha akati kwaari: “Ndiani akaita muromo womunhu, ndiani anoita mbeveve kana matsi kana anoona zvakanaka kana bofu? Handisi ini Jehovha here?+ 12 Naizvozvo zvino chienda, uye ini ndichava nomuromo wako uye ndichakudzidzisa zvaunofanira kutaura.”+ 13 Asi iye akati: “Pamusoroi, Jehovha, ndapota, asi tumai henyu mumwe, chero wamuchatuma.” 14 Jehovha akabva atsamwira Mosesi kwazvo, akati: “Aroni muRevhi haasi mukoma wako here?+ Ndinoziva kuti anogona kutaura zvakanaka. Uyezve, tarira ari kuuya kuzokuchingura. Paachakuona, achafara kwazvo mumwoyo make.+ 15 Utaure naye woisa mashoko acho mumuromo make;+ ini ndichava nomuromo wako nomuromo wake,+ uye ndichakudzidzisai zvamunofanira kuita.+ 16 Iye achataura nevanhu achikumiririra; achava muromo wako,+ uye iwe uchava saMwari kwaari.+ 17 Uende netsvimbo iyi iri muruoko rwako kuti uite zviratidzo nayo.”+
18 Naizvozvo Mosesi akaenda, akadzokera kuna Jetro vatezvara vake, akati kwavari:+ “Ndapota, ndinoda kuenda, ndidzokere kuhama dzangu dziri muIjipiti kuti ndione kana dzichiri kurarama.”+ Naizvozvo Jetro akati kuna Mosesi: “Enda norugare.”+ 19 Izvozvo zvapera, Jehovha akati kuna Mosesi ari muMidhiyani: “Enda, dzokera kuIjipiti, nokuti varume vose vakanga vachivhima mweya wako vakafa.”+
20 Mosesi akabva atora mudzimai wake nevanakomana vake, akavakwidza pambongoro, akadzokera kunyika yeIjipiti. Mosesi akaendawo netsvimbo yaMwari wechokwadi iri muruoko rwake.+ 21 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Kana waenda uye wadzokera kuIjipiti, uve nechokwadi chokunoita zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako pamberi paFarao.+ Asi ini ndicharega mwoyo wake uchioma;+ uye haazoregi vanhu vachienda.+ 22 Unoti kuna Farao, ‘Zvanzi naJehovha: “Israeri ndiye mwanakomana wangu, dangwe rangu.+ 23 Ndinoti kwauri: Rega mwanakomana wangu aende kuti andishumire. Asi kana ukasamubvumira kuenda, tarira ndichauraya mwanakomana wako, iro dangwe rako.”’”+
24 Zvino vari mumugwagwa panzvimbo yokurara,+ Jehovha akasangana naye,+ akaramba achitsvaka nzira yokumuuraya nayo.+ 25 Zipora+ akazotora dombo rakaoma kwazvo akacheka chikanda chepamberi chomwanakomana wake,+ akachigunzvisa tsoka dzake, akati: “Nokuti uri muroori weropa kwandiri.” 26 Naizvozvo akamurega. Panguva iyoyo akati: “Uri muroori weropa,” nokuda kwokudzingiswa kwacho.
27 Zvino Jehovha akati kuna Aroni: “Enda unochingura Mosesi kurenje.”+ Naizvozvo akaenda, akanomuchingura mugomo raMwari wechokwadi,+ akamutsvoda. 28 Mosesi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, uyo akanga amutuma,+ nezviratidzo zvose zvaakanga amurayira kuti aite.+ 29 Pashure paizvozvo Mosesi naAroni vakaenda, vakaunganidza varume vakuru vose vevanakomana vaIsraeri.+ 30 Aroni akabva ataura mashoko ose akanga audzwa Mosesi naJehovha,+ uye akaita zviratidzo+ vanhu vakatarira. 31 Vanhu vakabva vatenda.+ Pavakanzwa kuti Jehovha akanga afunga+ nezvevanakomana vaIsraeri uye kuti akanga aona kutambudzika kwavo,+ vakabva vakotama, vakagwadama.+