Eksodho
7 Naizvozvo Jehovha akati kuna Mosesi: “Tarira, ndakuita kuti uve Mwari kuna Farao,+ uye Aroni mukoma wako achava muprofita wako.+ 2 Iwe—uchataura zvose zvandichakurayira;+ uye Aroni mukoma wako ndiye achataura naFarao,+ uye iye acharega vanakomana vaIsraeri vachibuda munyika yake.+ 3 Asi ini, ndicharega mwoyo+ waFarao uchioma, ndichaita kuti zviratidzo zvangu nezvishamiso zvangu zviwande munyika yeIjipiti.+ 4 Asi Farao haazokuteererii;+ uye ndicharwisa Ijipiti noruoko rwangu, ndobudisa mauto angu,+ vanhu vangu,+ ivo vanakomana vaIsraeri,+ munyika yeIjipiti nokutonga kukuru.+ 5 VaIjipiti vachaziva kuti ndini Jehovha pandichatambanudzira Ijipiti+ ruoko rwangu, uye ndichabudisa vanakomana vaIsraeri pakati pavo.”+ 6 Mosesi naAroni vakaita sezvavakanga varayirwa naJehovha.+ Vakaita izvozvo chaizvo.+ 7 Mosesi akanga ava nemakore makumi masere uye Aroni akanga ava nemakore makumi masere nematatu panguva yavakataura naFarao.+
8 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi naAroni: 9 “Kana Farao akataura nemi, achiti, ‘Itai chishamiso chenyu,’+ ibva wati kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo+ yako uikande pasi pamberi paFarao.’ Iyo ichava nyoka huru.”+ 10 Naizvozvo Mosesi naAroni vakapinda maiva naFarao vakaita chaizvo zvavakanga varayirwa naJehovha. Naizvozvo Aroni akakanda tsvimbo yake pasi pamberi paFarao nevashandi vake, ikava nyoka huru. 11 Zvisinei, Farao akashevedzawo vanhu vakachenjera nen’anga;+ uye vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo.+ 12 Naizvozvo mumwe nomumwe wavo akakanda tsvimbo yake pasi, dzikava nyoka huru; asi tsvimbo yaAroni yakamedza tsvimbo dzavo. 13 Zvisinei, mwoyo waFarao wakava wakaoma,+ uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.
14 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Mwoyo waFarao wakaoma.+ Aramba kuti vanhu vaende.+ 15 Enda kuna Farao mangwanani. Tarira! Iye achange achienda kumvura!+ Iwe umire paunokwanisa kusangana naye pamhenderekedzo yoRwizi rwaNire,+ uye uende uine tsvimbo muruoko rwako, iya yakachinja kuva nyoka.+ 16 Uti kwaari, ‘Jehovha, Mwari wevaHebheru andituma kwauri,+ achiti: “Rega vanhu vangu vaende kurenje kuti vanondishumira,”+ asi tarira hauna kuteerera kusvikira zvino. 17 Zvanzi naJehovha:+ “Uchaziva kuti ndini Jehovha neizvi.+ Tarira ndicharova mvura iri muRwizi rwaNire+ netsvimbo iri muruoko rwangu, uye ichachinja kuva ropa.+ 18 Hove dziri muRwizi rwaNire dzichafa,+ Rwizi rwaNire ruchanhuhwa,+ vaIjipiti havazombodi kunwa mvura yomuRwizi rwaNire.”’”+
19 Naizvozvo Jehovha akati kuna Mosesi: “Iti kuna Aroni, ‘Tora tsvimbo yako utambanudzire ruoko rwako+ pamusoro pemvura yeIjipiti, pamusoro penzizi dzavo, pamusoro pemigero yaNire nepamusoro pemadziva avo ane tsanga+ zhinji nepamusoro pemvura yezvidziva zvavo zvavakagadzira, kuti ive ropa.’ Munyika yose yeIjipiti muchava neropa uye mumidziyo yose yematanda nomumidziyo yematombo.” 20 Mosesi naAroni vakabva vaita saizvozvo,+ sezvakanga zvarayirwa naJehovha,+ uye iye akasimudza tsvimbo yacho, akarova mvura yakanga iri muRwizi rwaNire Farao nevashandi vake vakatarira,+ mvura yose yaiva muRwizi rwaNire ikachinja kuva ropa.+ 21 Hove dzaiva muRwizi rwaNire dzakafa,+ Rwizi rwaNire rukatanga kunhuhwa; uye vaIjipiti havana kukwanisa kunwa mvura yomuRwizi rwaNire;+ uye ropa rakava munyika yose yeIjipiti.
22 Zvisinei, vapristi vaiita zvemashiripiti veIjipiti vakaitawo saizvozvo nemashiripiti avo akavanzika;+ zvokuti mwoyo waFarao wakaramba wakaoma,+ uye haana kuvateerera, sezvakanga zvataurwa naJehovha.+ 23 Nokudaro Farao akatendeuka akanopinda mumba make, haana kuvawo nehanya nazvo kuti afunge nezvazvo.+ 24 VaIjipiti vose vakachera kumativi ose oRwizi rwaNire kuti vawane mvura yokunwa, nokuti vakanga vasingakwanisi kunwa mvura yoRwizi rwaNire.+ 25 Zvino mazuva manomwe akapera kubvira Jehovha paakarova Rwizi rwaNire.