Zvirevo
16 Zvinorongwa nomwoyo ndezvomunhu wepanyika,+ asi mhinduro yorurimi inobva kuna Jehovha.+
2 Nzira dzomunhu dzose dzakarurama mukuona kwake,+ asi Jehovha ndiye anoona zvakaita mafungiro ake.+
3 Isa mabasa ako kuna Jehovha+ uye zvirongwa zvako zvichasimbiswa kwazvo.+
4 Jehovha akaita zvinhu zvose nokuda kwechinangwa chake,+ chokwadi, kunyange munhu akaipa nokuda kwezuva rakaipa.+
5 Munhu wose ane mwoyo unozvikudza anosemesa Jehovha.+ Maoko angabatana, asi munhu haazoregi kurangwa.+
6 Kukanganisa kunoyananisirwa nomutsa worudo nechokwadi,+ uye munhu anobva pane zvakaipa nokuda kwokutya Jehovha.+
7 Jehovha paanofarira nzira dzomunhu,+ anoita kuti kunyange vavengi vake vave norugare naye.+
8 Zviri nani kuva nezvishoma paine kururama+ pane kuva nezvibereko zvizhinji pasina kururamisira.+
9 Mwoyo womunhu wepanyika ungafunga nzira yake,+ asi Jehovha ndiye anotungamirira nhanho dzake.+
10 Kutonga kwakafuridzirwa kunofanira kuva pamiromo yamambo;+ muromo wake haufaniri kuva usina kutendeka pakutonga.+
11 Chiyereso chakarurama pamwe chete nechikero ndezvaJehovha;+ zvokuyeresa zvose zvematombo zvehomwe ibasa rake.+
12 Kuita zvakaipa chinhu chinosemesa madzimambo,+ nokuti chigaro choumambo chinosimbiswa nokururama.+
13 Miromo yakarurama inofadza mambo mukuru;+ uye iye anoda munhu anotaura zvakarurama.+
14 Hasha dzamambo dzakaita senhume dzorufu,+ asi munhu akachenjera anodzinyaradza.+
15 Muchiedza chechiso chamambo mune upenyu,+ uye kufarira kwaanoita kwakaita segore remvura yokupedzisira.+
16 Haiwa kuwana uchenjeri kuri nani sei pane kuwana ndarama!+ Uye kuwana kunzwisisa kunofanira kusarudzwa pane kuwana sirivha.+
17 Mugwagwa mukuru wevakarurama ndiko kubva pane zvakaipa.+ Munhu anochengetedza nzira yake anochengeta mweya wake.+
18 Kudada kunotangira kuparara,+ uye kuzvikudza kunotangira kugumburwa.+
19 Zviri nani kuzvininipisa pamwe chete nevanyoro+ pane kugovana zvakapambwa nevanozvikwidziridza.+
20 Munhu anoratidza kuti ane njere panyaya achawana zvakanaka,+ uye munhu anovimba naJehovha anofara.+
21 Munhu ane mwoyo wakachenjera achanzi anonzwisisa,+ uye ane miromo inotapira anowedzera kunyengetedza.+
22 Njere itsime roupenyu+ kuvaridzi vadzo; asi kurangwa kwemapenzi upenzi.+
23 Mwoyo womunhu akachenjera unoita kuti muromo wake uratidze njere,+ uye unowedzera kunyengetedza pamiromo yake.+
24 Mashoko anofadza izinga rouchi,+ anotapira kumweya uye anoporesa mapfupa.+
25 Kune nzira yakarurama mukuona kwomunhu,+ asi kuguma kwayo inzira dzorufu.+
26 Mweya womunhu anoshanda nesimba unomushandira nesimba,+ nokuti muromo wake unomukurudzira kwazvo.+
27 Murume pasina anochera zvakaipa,+ uye pamiromo yake panoita sokuti pane moto unopisa.+
28 Munhu anonyengera anoramba achibudisa kukakavara,+ uye munhu anochera vamwe anoparadzanisa vaya vanoshamwaridzana.+
29 Munhu anoita zvechisimba achanyengera mumwe wake,+ uye achaita kuti aende nenzira isina kunaka.+ 30 Anochonya maziso ake kuti aronge kunyengera.+ Achiruma miromo yake, iye anopedza kuita zvakaipa.
31 Kuchena musoro ikorona yorunako+ pakunowanikwa munzira yokururama.+
32 Munhu anononoka kutsamwa ari nani pane murume ane simba,+ uye anodzora hasha dzake ari nani pane anokunda guta.+
33 Mujenya unokandirwa panguo nechepamakumbo,+ asi zvisarudzo zvose zvaunoita zvinobva kuna Jehovha.+