Isaya
1 Zvakaratidzwa+ Isaya+ mwanakomana waAmozi, zvaakaona pamusoro peJudha neJerusarema mumazuva aUziya,+ Jotamu,+ Ahazi+ naHezekiya,+ madzimambo eJudha:+
2 Inzwai,+ haiwa imi matenga, uye teerera, haiwa iwe nyika, nokuti Jehovha akataura kuti: “Ndakarera ndikakudza vanakomana,+ asi ivo vakandimukira.+ 3 Nzombe inonyatsoziva munhu akaitenga, mbongoro inoziva chidyiro chezvipfuwo chomuridzi wayo; asi vaIsraeri havana kuziva,+ vanhu vangu havana kunzwisisa.”+
4 Rune nhamo rudzi runotadza,+ vanhu vakaremerwa nokukanganisa, vana vanoita zvakaipa,+ vanakomana vanoparadza!+ Vakasiya Jehovha,+ havana kuremekedza Mutsvene waIsraeri,+ vakadzokera shure.+ 5 Ndepapi pamwe pamucharohwazve,+ zvamunowedzera kumukira?+ Musoro wose unorwadza, uye mwoyo wose hauna simba.+ 6 Kubvira pasi petsoka kusvikira kumusoro hapana pari nani.+ Maronda nemakakuvara nembonje itsva—hazvina kusvinwa kana kusungwa, kana kupfaviswa nemafuta.+ 7 Nyika yenyu yava dongo,+ maguta enyu apiswa nomoto;+ nyika yenyu yapedzwa+ nevanhu vamusingazivi+ vari pamberi penyu chaipo, uye kuva dongo kwacho kwakaita sokuparadza kwevanhu vamusingazivi.+ 8 Mwanasikana weZiyoni+ asiyiwa sedumba riri mumunda wemizambiringa, sekamba kokurindira kari mumunda wemagaka, seguta rakavharidzirwa.+ 9 Kudai Jehovha wemauto asina kutisiyira vakapona vashomanana chete,+ tingadai takava seSodhoma, tingadai takafanana neGomora.+
10 Inzwai shoko raJehovha,+ imi vatungamiriri+ veSodhoma.+ Teererai mutemo waMwari wedu, imi vanhu veGomora. 11 Zvanzi naJehovha: “Kuwanda kwezvibayiro zvenyu kunondibatsirei? Ndakwana nezvinopiwa zvose zvinopiswa+ zvemakondohwe+ nemafuta emhuka dzakakodzwa zvakanaka;+ uye handifariri+ ropa+ renzombe duku nemakwayana makono nenhongo.+ 12 Pamunoramba muchipinda kuzoona chiso changu,+ kuti mutsike-tsike zvivanze zvangu,+ ndiani akakumbira izvi pamaoko enyu? 13 Chiregai kuunzazve zvinopiwa zvezviyo+ zvisina zvazvinobatsira. Rusenzi—chinhu chinondisemesa.+ Kugara kwomwedzi+ uye sabata,+ kukokera kuungana+—handingashiviriri kushandiswa kwesimba remashiripiti+ pamwe chete nokuungana kukuru. 14 Mweya wangu unovenga kugara kwenyu kwemwedzi nemwaka yenyu yemitambo.+ Zvava mutoro+ kwandiri; ndaneta nokuzvitakura.+ 15 Pamunotambanudza zvanza zvenyu,+ ndinokuvanzirai maziso angu.+ Kunyange mukaita minyengetero mizhinji,+ handizoteereri;+ maoko enyu azere neropa.+ 16 Zvigezei;+ zvichenesei;+ bvisai zvakaipa zvemabasa enyu pamberi pangu;+ regai kuita zvakaipa.+ 17 Dzidzai kuita zvakanaka;+ tsvakai kururamisira;+ ruramisai anodzvinyirira;+ tongerai nherera;+ rwirai mhosva yechirikadzi.”+
18 “Chiuyai zvino, tiruramise zvinhu,” anodaro Jehovha.+ “Kunyange zvivi zvenyu zvikava somucheka wakati piriviri, zvichacheneswa sechando;+ kunyange zvikava somucheka mutsvuku, zvichava semvere dzemakwai. 19 Kana muchida uye mukateerera, muchadya zvakanaka zvenyika yacho.+ 20 Asi kana mukaramba,+ mukapandukira, muchaparadzwa nebakatwa; nokuti muromo waJehovha wazvitaura.”+
21 Haiwa taundi riya rakatendeka+ rava pfambi+ sei! Rakanga rizere nokururamisira;+ kururama kwaimbogara mariri,+ asi zvino mava nemhondi.+ 22 Sirivha yako yava tsvina yakaita furo.+ Doro rako regorosi rakasanganiswa nemvura.+ 23 Machinda ako akasindimara uye ishamwari dzembavha.+ Mumwe nomumwe wavo anoda pfumbamuromo+ uye anodzingirira zvipo.+ Havatongi mhosva nokuda kwenherera; uye havagamuchiri mhosva inouya nechirikadzi.+
24 Naizvozvo zvanzi naIshe wechokwadi, Jehovha wemauto, Ane Simba waIsraeri:+ “Hekani! Ndichazvibvisira vavengi vangu, uye ndichatsiva+ vavengi vangu.+ 25 Ndichadzosa ruoko rwangu pauri, ndichabvisa tsvina yako yakaita furo sezvinoitwa nesipo, uye ndichabvisa marara ako ose.+ 26 Ndichakudzorerazve vatongi sezvazvakanga zvakaita pakutanga, nevanopa mazano sezvazvakanga zvakaita pakutanga.+ Pashure peizvi uchanzi Guta roKururama, Taundi Rakatendeka.+ 27 Ziyoni richadzikinurwa+ nokururamisira, uye vanodzoka varo vachadzikinurwa nokururama.+ 28 Vanomukira nevanotadza vachaparara panguva imwe chete,+ uye vaya vanosiya Jehovha vachapera.+ 29 Nokuti vachanyara pamusoro pemiti mikuru yamaida,+ uye muchatsverudzwa nokuda kweminda yamakasarudza.+ 30 Nokuti muchava somuti mukuru une mashizha ari kuoma,+ uye somunda usina mvura. 31 Munhu ane simba achava setambo yokukwevesa,+ zvinobva pabasa rake sepfarivari; uye zviri zviviri zvichatsva panguva imwe chete, zvisina anodzima.”+