Isaya
19 Chirevo pamusoro peIjipiti:+ Tarira! Jehovha akatasva gore rinomhanya kwazvo+ uye ari kupinda muIjipiti. Vanamwari veIjipiti vasina zvavanobatsira vachamudedera,+ uye mwoyo yevaIjipiti ichatya ivo vari pakati payo.+
2 “Ndichakusvudzira vaIjipiti kuti varwisane nevaIjipiti, mumwe nomumwe acharwisana nehama yake, mumwe nomumwe neshamwari yake, guta neguta, umambo noumambo.+ 3 Vaya vari muIjipiti vachashamisika vari pakati payo,+ uye ndichavhiringidza zvavakaronga.+ Vachabvunza vanamwari vasina zvavanobatsira+ nevanoita zvemashiripiti nemasvikiro nevafemberi.+ 4 Ndichaisa Ijipiti muruoko rwatenzi akaoma, uye mambo ane simba achavatonga,”+ ndizvo zvinotaura Ishe wechokwadi, Jehovha wemauto.
5 Zvino mvura ichaoma mugungwa, uye rwizi ruchapwa rwooma.+ 6 Nzizi dzichanhuhwa; migero yorwizi rwaNire rweIjipiti ichaderera yopwa.+ Tsanga+ nenhokwe zvichaparara. 7 Zvinomera munzvimbo dzisina chinhu dziri pedyo nemhenderekedzo dzoRwizi rwaNire, kumuromo kwoRwizi rwaNire, nomuminda yose yoRwizi rwaNire zvichaoma.+ Zvichapeperetswa, uye hazvizovipozve. 8 Vabati vehove vachachema, nevaya vose vanokanda zvirauro muRwizi rwaNire vachasuruvara, kunyange vaya vanotambanudza mambure okubatisa hove pamusoro pemvura vachapera.+ 9 Vanoshandisa tambo dzakagadzirwa nomufurakisi+ vachanyara; nevayawo vanoruka machira machena. 10 Varuki+ vayo vachaodzwa mwoyo, vose vanoshandira mubayiro vachava nemweya inoshungurudzika.
11 Chokwadi machinda eZoani+ mapenzi. Zano remakurukota akachenjera aFarao chinhu choupenzi.+ Muchataura sei kuna Farao kuti: “Ndiri mwanakomana wevakachenjera, mwanakomana wemadzimambo enguva yekare”? 12 Saka zvino, varipi—ivo vanhu vako vakachenjera+—kuti vakuudze uye kuti vazive zvakasarudzirwa Ijipiti naJehovha wemauto?+ 13 Machinda eZoani akaita zvoupenzi,+ machinda eNofi+ akanyengerwa, varume vanokosha+ vemadzinza aro vakadzungairisa Ijipiti. 14 Jehovha akaita kuti ivhiringidzike;+ uye vakadzungairisa Ijipiti mubasa rayo rose, somunhu adhakwa anodzedzereka mumarutsi ake.+ 15 Ijipiti haizovi nebasa chero ripi zvaro ringaitwa nomusoro kana nomuswe,+ nenhungirwa kana nenhokwe.
16 Pazuva iroro Ijipiti ichava sevakadzi,+ uye ichadedera, yotya kusimudzwa kworuoko rwaJehovha wemauto rwaanoisimudzira.+ 17 Nyika yaJudha ichava chinhu chinoita kuti Ijipiti idzedzereke.+ Munhu wose anoudzwa nezvayo achatya nokuda kwezvakasarudzwa naJehovha wemauto zvaari kumusarudzira.+
18 Pazuva iroro pachava nemaguta mashanu munyika yeIjipiti+ anotaura mutauro weKenani+ achipika+ kuna Jehovha wemauto. Rimwe guta richanzi Guta roKuputsa.
19 Pazuva iroro pakati penyika yeIjipiti pachava neatari kuna Jehovha,+ pamuganhu wayo pachava nembiru kuna Jehovha. 20 Ichava chiratidzo uye chapupu kuna Jehovha wemauto munyika yeIjipiti;+ nokuti vachashevedzera kuna Jehovha nemhosva yevadzvinyiriri,+ iye achavatumira muponesi, uyo anotova mukuru, uyo achavanunura.+ 21 Jehovha achazivikanwa nevaIjipiti;+ vaIjipiti vachaziva Jehovha pazuva iroro, vachapa chibayiro nechipo+ uye vachapika kuna Jehovha vozviita.+ 22 Jehovha acharova Ijipiti.+ Acharova uye achaporesa;+ uye ivo vachadzokera kuna Jehovha,+ iye achabvuma kutetererwa navo uye achavaporesa.+
23 Pazuva iroro pachava nomugwagwa mukuru+ unobva muIjipiti uchienda kuAsiriya, Asiriya ichaenda kuIjipiti, Ijipiti ichaenda kuAsiriya; uye Ijipiti neAsiriya dzichaita basa. 24 Pazuva iroro rudzi rwaIsraeri ruchava rwechitatu ruchitevera Ijipiti neAsiriya,+ ruchava chikomborero pakati penyika,+ 25 nokuti Jehovha wemauto achange aikomborera,+ achiti: “Vanhu vangu, iyo Ijipiti, nebasa remaoko angu, iyo Asiriya,+ nenhaka yangu, iye Israeri, ngavakomborerwe.”+