Isaya
37 Zvino Mambo Hezekiya paakangozvinzwa, akabva abvarura nguo dzake, akapfeka masaga,+ akapinda mumba maJehovha.+ 2 Akatumawo Eriyakimu,+ aitarisira imba, naShebna munyori+ nevarume vakuru vevapristi+ vakapfeka masaga kumuprofita+ Isaya+ mwanakomana waAmozi. 3 Zvino vakati kwaari: “Zvanzi naHezekiya, ‘Nhasi izuva rokutambudzika+ nerokutukwa nerokuvirimirwa,+ nokuti vanakomana vasvika pamuromo wechibereko, asi hapana simba rokusununguka.+ 4 Zvichida Jehovha Mwari wenyu achanzwa mashoko aRabhisheki,+ akatumwa naishe wake mambo weAsiriya kuti ashore+ Mwari mupenyu, uye achaita kuti azvidavirire nokuda kwemashoko anzwiwa naJehovha Mwari wenyu.+ Nyengetererai+ vaya vakasara varipo.’”+
5 Naizvozvo vashandi vaMambo Hezekiya vakapinda maiva naIsaya.+ 6 Isaya akabva ati kwavari: “Muti kuna ishe wenyu, ‘Zvanzi naJehovha:+ “Usatya+ mashoko awanzwa andatukwa nawo nevashandi+ vamambo weAsiriya. 7 Tarira ndichaita kuti anetseke,+ achanzwa mashoko+ odzokera kunyika yake; uye ndichaita kuti aurayiwe nebakatwa ari munyika yake.”’”+
8 Pashure paizvozvo Rabhisheki+ akadzoka, akawana mambo weAsiriya achirwa neRibna,+ nokuti akanga anzwa kuti akanga abva kuRakishi.+ 9 Zvino akanzwa zvichinzi nezvaTihaka+ mambo weItiopiya: “Iye auya kuzorwa newe.” Paakazvinzwa, akabva atuma nhume+ kuna Hezekiya, achiti: 10 “Muti kuna Hezekiya mambo waJudha, ‘Mwari wako wauri kuvimba naye ngaarege kukunyengera,+ achiti: “Jerusarema harizoiswi muruoko rwamambo weAsiriya.”+ 11 Tarira! Iwe wakanzwa zvakaitwa nemadzimambo eAsiriya kunyika dzose nokudziparadza chose,+ zvino iwe uchanunurwa here?+ 12 Vanamwari+ vemamwe marudzi akaparadzwa nemadzitateguru angu vakaanunura here,+ Gozani+ neHarani+ neRezefi nevanakomana vokuEdheni+ vaiva muTeri-asari? 13 Mambo weHamati+ ari kupi namambo weApadhi+ namambo weguta reSefavhaimu+—weHena neweIvha?’”+
14 Hezekiya akabva atora tsamba yacho muruoko rwenhume, akaiverenga,+ Hezekiya achibva aenda kuimba yaJehovha, akaibhedhenura pamberi paJehovha.+ 15 Hezekiya akatanga kunyengetera kuna Jehovha,+ achiti: 16 “Haiwa Jehovha wemauto, Mwari waIsraeri,+ agere pamusoro pemakerubhi, imi moga ndimi Mwari wechokwadi paumambo hwose hwenyika.+ Ndimi makaita matenga nenyika.+ 17 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu, munzwe.+ Haiwa Jehovha, svinudzai maziso enyu,+ muone, uye inzwai mashoko ose aSaniheribhi+ aatumira kuti ashore Mwari mupenyu.+ 18 Haiwa Jehovha, ichokwadi kuti madzimambo eAsiriya akaparadza nyika dzose, nenyika yawo pachawo.+ 19 Vanamwari vawo vakakandwa mumoto,+ nokuti vakanga vasiri vanamwari,+ asi zvinhu zvakagadzirwa nemaoko omunhu,+ danda nedombo, zvokuti akavaparadza.+ 20 Asi zvino, haiwa Jehovha Mwari wedu,+ tiponesei paruoko rwake,+ kuti umambo hwose hwenyika huzive kuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Mwari moga.”+
21 Zvino Isaya mwanakomana waAmozi akatumira shoko kuna Hezekiya, achiti: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri, ‘Nokuti wanyengetera kwandiri pamusoro paSaniheribhi mambo weAsiriya,+ 22 izvi ndizvo zvataurwa naJehovha pamusoro pake:
“Mhandara yeZiyoni yakuzvidza, yakunyomba.+
Mwanasikana weJerusarema adzungudza musoro wake ari shure kwako.+
23 Ndiani wawakashora+ uye wawakatuka?+
Wakashevedzera kuna ani+
Uye unotarira kumusoro nemaziso ako here?+
Wakazviitira Mutsvene waIsraeri!+
24 Wakashora Jehovha uchishandisa vashandi vako ukati,+
‘Nengoro dzangu zhinji dzehondo ini+—
Ndichakwira pamusoro penzvimbo dzine makomo,+
Iwo mativi ari kure kwazvo eRebhanoni;+
Ndichatema misidhari yaro mirefu, mijunipa yaro yakanaka kwazvo.+
Ndichapinda kumusorosoro kwaro, iro sango romunda waro wemichero.+
25 Ndichachera tsime ndonwa mvura,
Ndichaomesa migero yose yeIjipiti+ yorwizi rwaNire+ netsoka dzangu.’
26 Hauna kunzwa here?+ Kubvira kunguva yekare ndizvo zvandichaita.+
Ndakatozvironga kubvira pamazuva akapfuura.+ Zvino ndichazviita.+
Uchaita kuti maguta akavakirirwa ave matongo semirwi yezvakaparadzwa.+
27 Maoko evagari vawo achashayiwa simba;+
Vachavhundutswa uye vachanyadziswa.+
Vachafanana nezvinomera zvomusango nouswa huchiri huduku hwakasvibirira,+
Souswa hwepamatenga edzimba+ nohwepakatenuka-tenuka pahunopiswa nemhepo yokumabvazuva.+
28 Ndinonyatsoziva kugara kwako wakanyarara, kubuda+ kwako nokupinda kwako,+
Uye kunditsamwira kwako,+
29 Nokuti kunditsamwira kwako+ nokudzvova kwako zvasvika munzeve dzangu.+
Ndichaisa chokukochekera nacho changu mumhino mako nematomu angu pakati pemiromo yako,+
Ndichakudzorera nenzira yawakauya nayo.”+
30 “‘Ichi ndicho chichava chiratidzo kwauri: Gore rino muchadya zvinongomera zvoga,+ mugore rechipiri muchadya mahoko; asi mugore rechitatu dyarai mbeu, mukohwe, uye dyarai minda yemizambiringa mudye zvibereko zvayo.+ 31 Zvino vaya veimba yaJudha vachapukunyuka, vaya vachasara,+ vachadzika midzi pasi vobereka zvibereko kumusoro.+ 32 Nokuti vachasara vachabuda+ muJerusarema uye vaya vachapukunyuka vachabuda muGomo reZiyoni.+ Kushingaira kwaJehovha wemauto kuchazviita.+
33 “‘Naizvozvo zvanzi naJehovha pamusoro pamambo weAsiriya:+ “Haazopindi muguta rino,+ uyewo haazopfuri nomuseve imomo, kana kunangana naro nenhoo, kana kurigadzirira rusvingo rwokurikomba narwo.”’+
34 “‘Achadzokera nenzira yaakauya nayo, uye haazopindi muguta rino,’ ndizvo zvinotaura Jehovha.+ 35 ‘Ndichadzivirira+ guta rino kuti ndiriponese nokuda kwangu+ uye nokuda kwomushumiri wangu Dhavhidhi.’”+
36 Zvino ngirozi+ yaJehovha yakaenda, ikauraya zviuru zana nemakumi masere nezvishanu mumusasa wevaAsiriya.+ Vanhu pavakafumomuka, vakaona vose vava zvitunha.+ 37 Nokudaro Saniheribhi+ mambo weAsiriya akabva, akaenda, akadzokera,+ akanogara kuNinivhi.+ 38 Zvino zvaakanga achikotama ari muimba yaNisroki+ mwari wake,+ Adramereki naSharezeri, vanakomana vake, vakamuuraya nebakatwa,+ ivo vakatizira kunyika yeArarati.+ Mwanakomana wake Esari-hadhoni+ akatanga kutonga panzvimbo pake.