Isaya
41 “Nditeererei makanyarara, imi zvitsuwa;+ uye mapoka emarudzi+ ngaawanezve simba. Ngaaswedere pedyo.+ Ngaataure panguva iyoyo. Ngatiunganei kuti kutonga+ kuitwe.
2 “Ndiani akamutsa mumwe munhu kuti abve kunobuda zuva?+ Ndiani akamushevedza kuti auye patsoka Dzake mukururama, kuti amupe marudzi pamberi pake, uye kuita kuti aende achikunda madzimambo?+ Ndiani akaramba achiatema-tema nebakatwa rake kuti ave seguruva, zvokuti apeperetswa-peperetswa nouta hwake semashangawo zvawo?+ 3 Ndiani akaramba achiatevera, akaramba achipfuura norugare netsoka dzake pagwara raasina kuuya naro? 4 Ndiani ave achishanda+ uye aita izvi, achishevedza zvizvarwa kubvira pakutanga?+
“Ndini, Jehovha, Wokutanga;+ uye ndini iye mumwe chete kune vokupedzisira.”+
5 Zvitsuwa+ zvakaona zvikatya. Migumo yenyika yakadedera.+ Yakaswedera pedyo ikaramba ichiuya. 6 Mumwe nomumwe akabatsira shamwari yake, uye mumwe aiti kuhama yake: “Iwe simba.”+ 7 Naizvozvo mhizha yakasimbisa mupfuri wesimbi;+ munhu anokwenenzvera nenyundo akasimbisa anopfura pachipfuriro, achiti pamusoro pokunamatidza: “Zvakanaka.” Mumwe akazoubatanidza nezvipikiri kuti urege kuzununguswa.+
8 “Asi iwe, haiwa Israeri, uri mushumiri wangu,+ iwe, haiwa Jakobho, wandakasarudza,+ vana vaAbrahamu+ shamwari yangu;+ 9 iwe, wandakatora kumigumo yenyika,+ uye iwe, wandakashevedza kubva kumativi ayo ari kure.+ Naizvozvo ndakati kwauri, ‘Uri mushumiri wangu;+ ndakusarudza,+ uye handina kukuramba.+ 10 Usatya, nokuti ndinewe.+ Usatarira-tarira, nokuti ndiri Mwari wako.+ Ndichakusimbisa.+ Chokwadi ndichakubatsira.+ Chokwadi ndicharamba ndakakubata zvakasimba noruoko rwangu rworudyi+ rwokururama.’+
11 “Tarirai! Vose vari kukutsamwira vachanyadziswa voninipiswa.+ Varume vari kupopotedzana newe vachava vasingabatsiri uye vachaparara.+ 12 Uchatsvaka varume vaya vari kurwa newe, asi hauzovawani.+ Varume vaya vari kurwa newe, vachava sechinhu chisipo uye vasingabatsiri.+ 13 Nokuti ini, Jehovha Mwari wako, ndakabata ruoko rwako rworudyi,+ Ndini ndiri kuti kwauri, ‘Usatya.+ Ini ndichakubatsira.’+
14 “Usatya, iwe Jakobho honye+ zvayo, imi vanhu vaIsraeri.+ Ini ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, iye Mudzikinuri+ wako, Mutsvene waIsraeri. 15 “Tarira! Ndakuita chirei chinoshandiswa kupura,+ chokupurisa chitsva chine mazino anocheka nekwose. Uchatsika-tsika makomo woaputsa; uye uchaita kuti zvikomo zvive sehundi.+ 16 Uchazviurutsa,+ mhepo ichazvitakura,+ uye dutu richazviendesa kwose kwose.+ Uchafara pamusoro paJehovha.+ Uchazvirumbidza pamusoro poMutsvene waIsraeri.”+
17 “Vanotambudzika nevarombo vari kutsvaka mvura,+ asi hapana. Rurimi rwavo rwaoma nenyota.+ Ini, Jehovha, ndichavapindura.+ Ini, Mwari waIsraeri, handizovasiyi.+ 18 Ndichazarura nzizi pamusoro pezvikomo zvisina chinhu, nezvitubu pakati pemapani emipata.+ Ndichaita kuti renje rive dziva remvura rine tsanga zhinji, uye kuti nyika isina mvura ive matsime emvura.+ 19 Ndichasima musidhari, mubayamhondoro nomukute nomuti wemafuta murenje.+ Ndichaisa mujunipa, mupfuri nomusaipresi panguva imwe chete mubani rerenje;+ 20 kuti vanhu vaone, vazive, vateerere uye vave nenjere panguva imwe chete, kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi, uye kuti iye Mutsvene waIsraeri akazvisika.”+
21 “Taurai mhosva yenyu yamunokakavara pamusoro payo,”+ anodaro Jehovha. “Ipai uchapupu hwenyu,”+ anodaro Mambo waJakobho.+ 22 “Tipei uye tiudzei zvinhu zvichazoitika. Taurai zvinhu zvokutanga—kuti zvaiva zvipi—kuti tiise mwoyo yedu pazviri uye tizive zvichaitika kwazviri. Kana kuti itai kuti tinzwe zvinhu zviri kuuya.+ 23 Taurai zvinhu zvichazouya, kuti tizive kuti muri vanamwari.+ Chokwadi itai zvakanaka kana kuti kuita zvakaipa, kuti titarire-tarire tizvione panguva imwe chete.+ 24 Tarirai! Muri chinhu chisipo, uye zvamakaita hazvibatsiri.+ Ani naani anokusarudzai chinhu chinosemesa.+
25 “Ndamutsa mumwe munhu wokuchamhembe, uye iye achauya.+ Achashevedza zita rangu ari kumabvazuva.+ Achatsika vatevedzeri vevatongi sokunge kuti ivhu+ uye sezvinoita muumbi anotsika-tsika ivhu nyoro.
26 “Ndiani akambotaura kubvira pakutanga, kuti tizive, kana kuti kubvira panguva yakapfuura, kuti titi, ‘Iye akarurama’ here?+ Chokwadi hapana kana mumwe chete anotaura. Chokwadi hapana kana mumwe chete anoita kuti mumwe anzwe. Chokwadi hapana kana mumwe chete anonzwa mashoko enyu chero api zvawo.”+
27 Kune wokutanga, anoti kuZiyoni: “Tarirai! Hevano!”+ uye ndichapa Jerusarema munhu anounza mashoko akanaka.+
28 Ndakaramba ndichiona, asi kwakanga kusina kana munhu; uye pakati paivava pakanga pasinawo kana munhu akanga achipa mazano.+ Ndakaramba ndichivabvunza, kuti vapindure. 29 Tarirai! Ivo vose chinhu chisipo. Mabasa avo haabatsiri. Mifananidzo yavo yakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa imhepo uye haisi yechokwadi.+