Isaya
65 “Ndakabvuma kutsvakwa+ nevaya vakanga vasina kundibvunza.+ Ndakabvuma kuwanikwa nevaya vakanga vasina kunditsvaka.+ Ndakati, ‘Ndiri pano, ndiri pano!’+ kurudzi rwakanga rusiri kudana zita rangu.+
2 “Ndakatambanudzira vanhu vakasindimara+ maoko angu zuva rose, vaya vanofamba munzira isina kunaka,+ vachiita zvavanofunga;+ 3 vanhu vaya vanogara vachindigumbura,+ vanobayira zvibayiro vari muminda+ vachikwidzira utsi hwezvibayiro+ pazvidhinha, 4 vanogara kumakuva,+ vanopedza usiku vari mumatumba, vachidya nyama yenguruve,+ kunyange muto wezvinhu zvisina kuchena+ uri mumidziyo yavo; 5 vaya vari kuti, ‘Gara woga. Usaswedera kwandiri, nokuti ndingakupa utsvene.’+ Ava utsi huri mumhino dzangu,+ moto uri kubvira zuva rose.+
6 “Tarirai! Zvakanyorwa pamberi pangu.+ Handizonyarari,+ asi ndichapa mubayiro;+ ndichatopa mubayiro pachipfuva chavo,+ 7 nokuda kwokukanganisa kwavo nokukanganisa kwemadzitateguru avo panguva imwe chete,”+ Jehovha adaro. “Nokuti vakakwidzira utsi hwezvibayiro pamakomo, uye vakandizvidza pazvikomo,+ ndichatanga ndayerawo mubayiro wavo pachipfuva chavo.”+
8 Zvanzi naJehovha: “Waini itsva+ zvainowanikwa musumbu, mumwe munhu achizoti, ‘Usariparadza,+ nokuti mariri mune chikomborero,’+ ndichaitirawo vashumiri vangu saizvozvo kuti ndirege kuparadza vanhu vose.+ 9 Ndichaita kuti kuna Jakobho kubve mwana+ uye kuti kuna Judha kubve mugari wenhaka yemakomo angu;+ uye vaya vandakasarudza vachaita kuti ive yavo,+ uye vashumiri vangu vachagara imomo.+ 10 Sharoni+ richava mafuro emakwai+ uye bani reAkori+ nzvimbo yokuzororera yemombe, nokuda kwevanhu vangu vachange vanditsvaka.+
11 “Asi imi muri vaya vanosiya Jehovha,+ vaya vanokanganwa gomo rangu dzvene,+ vaya vanogadzirira mwari weMhanza Yakanaka+ tafura yezvokudya uye vaya vanodirira waini yakavhenganiswa mwari Anofanosarudza Zvichaitika.+ 12 Ndichafanokutemerai kuti muparadzwe nebakatwa,+ uye mose zvenyu muchakotama kuti muurayiwe;+ nokuti ndakashevedza,+ asi hamuna kupindura; ndakataura, asi hamuna kuteerera;+ makaramba muchiita zvakaipa pamberi pangu,+ uye makasarudza chinhu chandisina kufarira.”+
13 Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarirai! Vashumiri vangu vachadya,+ asi imi muchava nenzara.+ Tarirai! Vashumiri vangu vachanwa,+ asi imi muchava nenyota.+ Tarirai! Vashumiri vangu vachafara,+ asi imi muchanyara.+ 14 Tarirai! Vashumiri vangu vachashevedzera vachifara nokuda kwokufara kwomwoyo,+ asi imi muchashevedzera nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo uye muchaungudza nokuda kwokurwadziwa mwoyo kwazvo.+ 15 Muchachengetera zita renyu mhiko inoitwa nevandakasarudza, uye Changamire Ishe Jehovha achakuurayai somunhu mumwe nomumwe,+ asi achashevedza vashumiri vake nerimwe zita;+ 16 kuti ani naani anozvikomborera panyika achazvikomborera naMwari wokutenda,+ uye ani naani anopika panyika achapika naMwari wokutenda;+ nokuti kutambudzika kwekare kuchakanganwika, uye nokuti kuchavanzwa pamberi pangu.+
17 “Nokuti tarirai ndiri kusika matenga matsva+ nenyika itsva;+ zvinhu zvekare hazvizoyeukwi,+ uyewo hazvizouyi mumwoyo.+ 18 Asi pemberai nomufaro,+ uye farirai zvandiri kusika nokusingaperi.+ Nokuti tarirai ndiri kusika Jerusarema kuti rive chikonzero chokufara uye vanhu varo vave chikonzero chokupemberera nomufaro.+ 19 Ndichafarira Jerusarema ndopemberera vanhu vangu nomufaro;+ uye mariri hamuzonzwikizve inzwi rokuchema kana kuti inzwi rokuchema kwokutambura.”+
20 “Munzvimbo iyoyo hamuzovizve neanoyamwa ane mazuva mashomanana,+ kana akwegura asingazosvitsi mazuva ake;+ nokuti munhu achafa achiri mukomana, kunyange ava nemakore zana; uye mutadzi achatukwa kunyange ava nemakore zana.+ 21 Vachavaka dzimba vogaramo;+ vachadyara minda yemizambiringa vodya zvibereko zvayo.+ 22 Havazovaki mumwe ogaramo; havazodyari mumwe odya. Nokuti mazuva evanhu vangu achaita semazuva omuti;+ uye vanhu vandakasarudza vachafarira basa remaoko avo zvizere.+ 23 Havazoshandi zvakaoma pasina,+ uyewo havazobereki vana vachakurumidza kufa;+ nokuti ivo nevazukuru+ vavo ndivo vana vevakakomborerwa naJehovha.+ 24 Ndichapindura vasati vashevedzera;+ ndichanzwa pavanenge vachiri kutaura.+
25 “Mhumhi+ negwayana zvichafura pamwe chete,+ shumba ichadya uswa senzombe;+ uye nyoka ichadya guruva.+ Hazvizokuvadzi+ kana kuparadza mugomo rangu rose dzvene,”+ Jehovha adaro.