Jeremiya
16 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 2 “Usawana mudzimai, uye usava nevanakomana nevanasikana munzvimbo ino.+ 3 Nokuti zvanzi naJehovha pamusoro pevanakomana uye pamusoro pevanasikana vanoberekerwa munzvimbo ino, uye pamusoro pavanaamai vavo vari kuvabereka uye pamusoro pavanababa vavo vari kuita kuti vaberekwe munyika ino,+ 4 ‘Vachafa nenzufu dzinokonzerwa nematenda.+ Havazochemwi,+ uye havazovigwi.+ Vachava somupfudze panyika;+ uye vachapera nebakatwa uye nenzara,+ zvitunha zvavo zvichava zvokudya zvezvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nezvemhuka dzepanyika.’+
5 “Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Usapinda muimba yomutambo wevanochema, usaenda kunochema uye usavanzwira tsitsi.’+
“‘Nokuti ndabvisa rugare rwangu pavanhu ava,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘kunyange mutsa worudo netsitsi.+ 6 Vachafa, vakuru nevaduku, munyika ino. Havazovigwi,+ uyewo vanhu havazozvirovi vachivachema, hapana chero upi zvake achazvicheka-cheka+ kana kuzvigera muparavara nokuda kwavo.+ 7 Havazovapi chero zvokudya zvipi zvazvo nokuda kwokuchema kuti vanyaradze mumwe munhu pamusoro pevakafa;+ uyewo havazopi munhu anochema baba vake kana anochema amai vake kapu yokunyaradza kuti anwe.+ 8 Usambopinda muimba yokuitira mabiko kuti ugare pasi navo kuti udye uye kuti unwe.’+
9 “Nokuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Tarira ndichagumisa inzwi rokupembera nomufaro nenzwi rokufara, inzwi romuroori nenzwi romwenga munzvimbo ino, imi muchizviona uye mumazuva enyu.’+
10 “Zvino paunoudza vanhu ava mashoko ose aya, ivo vakati kwauri, ‘Jehovha ataurirei dambudziko guru rose iri kwatiri, takakanganisei uye chivi chedu chatakatadzira Jehovha Mwari wedu nacho ndechipi?’+ 11 utiwo kwavari, ‘“Nokuti madzibaba enyu akandisiya,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “akaramba achitevera vamwe vanamwari, achivashumira nokuvakotamira.+ Asi akandisiya, uye haana kuchengeta mutemo wangu.+ 12 Imi makaita zvakaipa kwazvo kupfuura madzibaba enyu,+ tarirai mumwe nomumwe ari kutevera kuoma+ kwomwoyo wake wakaipa nokusanditeerera.+ 13 Ndichakukandai kunze kwenyika ino+ muchipinda munyika iyo imi musina kuziva,+ kunyange madzibaba enyu, uye ikoko muchashumira vamwe vanamwari+ masikati nousiku, nokuti handingakunzwirii nyasha.”’
14 “‘Naizvozvo, tarira! mazuva ari kuuya,’+ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘pazvisingazonzizve: “NaJehovha mupenyu akabudisa vanakomana vaIsraeri munyika yeIjipiti!”+ 15 asi: “NaJehovha mupenyu akabudisa vanakomana vaIsraeri munyika yokuchamhembe nomunyika dzose dzaakanga avaparadzira kwadziri!” uye ndichavadzosa kunyika yavo, yandakapa madzitateguru avo.’+
16 “‘Tarirai ndichashevedza vabati vehove vazhinji,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, ‘uye vachavatsvaka kuti vavabate; uye pashure ndichashevedza vavhimi vazhinji,+ vachavavhima mumakomo ose nomuzvikomo zvose nomumikaha yemabwe.+ 17 Nokuti maziso angu ari kuona nzira dzavo dzose. Havana kuvanzika pamberi pangu, uyewo kukanganisa kwavo hakuna kuvanzwa pamberi pangu.+ 18 Kutanga, ndichatsiva zvakaenzanirana nokukanganisa kwavo+ nechivi chavo, nokuti vakasvibisa nyika yangu.+ Vakanga vazadza nhaka yangu nezvitunha zvezvinhu zvavo zvinonyangadza uye nezvinhu zvavo zvinosemesa.’”+
19 Haiwa Jehovha, simba rangu nenhare yangu, nzvimbo yangu yokutizira muzuva rokutambudzika,+ marudzi achauya kwamuri achibva kumigumo yenyika,+ uye achati: “Chokwadi madzitateguru edu akagara nhaka nhemawo zvadzo,+ zvinhu pasina uye zvinhu zvakanga zvisina zvazvinobatsira.”+ 20 Munhu wepanyika angazviitira vanamwari ivo vasiri vanamwari here?+
21 “Naizvozvo tarirai ndiri kuita kuti vazive; panguva ino chete ndichaita kuti vazive ruoko rwangu uye kuva nesimba kwangu,+ uye vachaziva kuti ndinonzi Jehovha.”+