Jeremiya
43 Zvino Jeremiya paakangopedza kutaura nevanhu vose mashoko ose aJehovha Mwari wavo aakanga atumwa nawo kwavari naJehovha Mwari wavo, iwo mashoko ose aya,+ 2 Azariya mwanakomana waHoshaya+ naJohanani+ mwanakomana waKareya nevarume vose vaizvikudza+ vakati kuna Jeremiya: “Uri kureva nhema.+ Jehovha Mwari wedu haana kukutuma, achiti, ‘Musapinda muIjipiti kuti mugare imomo muri vatorwa.’+ 3 Asi Bharuki+ mwanakomana waNeriya ndiye ari kukufurira kuti urwisane nesu kuti tiiswe mumaoko evaKadheya, kuti vatiuraye kana kuti kutitapa vachitiendesa kuBhabhironi.”+
4 Zvino Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vose vemauto ehondo nevanhu vose havana kuteerera inzwi raJehovha,+ kuti varambe vachigara munyika yaJudha.+ 5 Naizvozvo Johanani mwanakomana waKareya nevakuru vose vemauto ehondo vakatora vakanga vasara vose vaJudha vakanga vadzoka vachibva kune mamwe marudzi kwavakanga vapararira, kuti vanogara kwenguva duku munyika yaJudha,+ 6 varume nemadzimai nevana vaduku nevanasikana vamambo+ nemweya yose yakanga yasiyiwa naNebhuzaradhani+ mukuru wevarindi, iina Gedhariya+ mwanakomana waAhikamu+ mwanakomana waShafani,+ nomuprofita Jeremiya naBharuki+ mwanakomana waNeriya. 7 Ivo vakazosvika munyika yeIjipiti,+ nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha; uye zvishoma nezvishoma vakasvika kuTapanhesi.+
8 Zvino shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jeremiya ari muTapanhesi, richiti: 9 “Tora matombo makuru noruoko rwako, uavige mumadhaka ari pamasitepisi ezvidhinha ari panopindwa napo muimba yaFarao iri muTapanhesi varume vechiJudha vachizviona.+ 10 Uti kwavari, ‘Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri: “Tarirai ndiri kutumira shoko uye ndichatora Nebhukadrezari mambo weBhabhironi,+ mushumiri wangu,+ ndichaisa chigaro chake choumambo pamusoro chaipo pematombo aya andaviga, uye achatambanudzira tende rake rakanaka kwazvo pamusoro pawo. 11 Achauya orwisa nyika yeIjipiti.+ Munhu wose akafanirwa nedenda rinouraya achafa nedenda rinouraya, munhu wose akafanirwa nokutapwa achatapwa, munhu wose akafanirwa nebakatwa achaurayiwa nebakatwa.+ 12 Ndichabatidza moto mudzimba dzavanamwari veIjipiti;+ uye iye achadzipisa, ovatapa, ozviputira munyika yeIjipiti, sokuzviputira kunoita mufudzi nenguo yake,+ uye chokwadi achabuda imomo norugare. 13 Achaputsa mbiru dzeBheti-shemeshi, riri munyika yeIjipiti; uye achapisa dzimba dzavanamwari veIjipiti nomoto.”’”