Jeremiya
52 Zedhekiya+ akanga aine makore makumi maviri nerimwe chete paakatanga kutonga,+ uye akatonga kwemakore gumi nerimwe chete ari muJerusarema.+ Amai vake vainzi Hamutari+ mwanasikana waJeremiya wokuRibna.+ 2 Iye akaramba achiita zvakaipa pamberi paJehovha,+ maererano nezvose zvakanga zvaitwa naJehoyakimu.+ 3 Izvi zvakaitika muJerusarema nomuJudha nokuda kwokutsamwa kwaJehovha, kusvikira avabvisa pamberi pake.+ Zedhekiya akapandukira mambo weBhabhironi.+ 4 Mugore rechipfumbamwe iye ava mambo,+ mumwedzi wechigumi, pazuva rechigumi romwedzi wacho, Nebhukadrezari mambo weBhabhironi akasvika kuzorwisa Jerusarema,+ iye neuto rake rose rehondo, vakadzika musasa pakatarisana naro, vakavaka rusvingo kumativi ose kuti varirwise.+ 5 Naizvozvo guta racho rakakombwa kusvikira mugore rechigumi nerimwe chete raMambo Zedhekiya.+
6 Mumwedzi wechina, pazuva rechipfumbamwe romwedzi wacho,+ nzara yakanyanya muguta uye makanga musina zvokudya nokuda kwevanhu vomunyika yacho.+ 7 Guta racho rakazoputswa;+ uye varume vose vehondo vakatanga kutiza,+ vakabuda muguta usiku nenzira yokugedhi raiva pakati pemasvingo maviri aiva pedyo nomunda wamambo,+ vaKadheya pavakanga vakakomba guta; uye vakaramba vachienda nenzira yokuArabha.+ 8 Uto rehondo revaKadheya rakatevera mambo,+ vakabata Zedhekiya+ mumapani erenje eJeriko; uye uto rake rehondo rose rakapararira richimusiya.+ 9 Vakabva vabata mambo, vakaenda naye kwaiva namambo weBhabhironi+ kuRibra+ munyika yeHamati,+ kuti amutonge.+ 10 Mambo weBhabhironi akauraya vanakomana vaZedhekiya iye achizviona,+ akaurayawo machinda ose aJudha muRibra.+ 11 Akapofumadza maziso aZedhekiya,+ mambo weBhabhironi achibva azomusunga nezvisungo zvomumakumbo zvemhangura, akaenda naye kuBhabhironi,+ akamuisa muchitokisi kusvikira pazuva raakafa.
12 Mumwedzi wechishanu, pazuva rechigumi romwedzi wacho, kureva mugore rechigumi nemapfumbamwe raMambo Nebhukadrezari,+ mambo weBhabhironi, Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi, uya akanga achimira pamberi pamambo weBhabhironi, akasvika muJerusarema. 13 Akapisa imba yaJehovha+ neimba yamambo nedzimba dzose dzomuJerusarema;+ uye akapisawo dzimba dzose huru nomoto.+ 14 Mauto ose ehondo evaKadheya aiva nomukuru wevarindi akaputsa masvingo ose eJerusarema, kumativi ose.+
15 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vamwe vanhu vakaderera nevamwe vanhu vose vakanga vasiyiwa muguta+ nevakanga vatiza, vaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi nedzimwe mhizha dzose.+ 16 Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akasiya vamwe vanhu vomunyika yacho vakanga vakaderera kuti vave vatarisiri vemizambiringa uye kuti vave vashandi vaiita zvokumanikidzwa.+
17 VaKadheya vakaputsa-putsa mbiru dzemhangura+ dzeimba yaJehovha nezvingoro+ nedziva+ remhangura raiva muimba yaJehovha, vakaenda nemhangura yacho yose kuBhabhironi.+ 18 Vakatora makeni nemafoshoro+ nezvokudzimisa moto+ nendiro+ nemakapu nemidziyo yose yemhangura yavaishandisa kushumira.+ 19 Mukuru wevarindi akatora+ mabheseni+ nemidziyo yokuisira moto nendiro+ nemakeni nezvigadziko zvemarambi+ nemakapu nendiro zvaiva zvendarama chaiyo,+ nezviya zvaiva zvesirivha chaiyo.+ 20 Akatorawo mbiru mbiri,+ dziva rimwe chete,+ nzombe dzemhangura gumi nembiri+ dzaiva pasi pedziva racho, nezvingoro, zvakanga zvagadzirirwa imba yaJehovha naMambo Soromoni.+ Mhangura yazvo haina kuyerwa—izvo zvinhu zvose izvi.+
21 Kana dziri mbiru, mbiru imwe neimwe yakanga yakareba makubhiti gumi nemasere,+ shinda yakareba makubhiti gumi nemaviri yaiitenderera;+ uye ukobvu hwayo hwaiva upamhi hweminwe mina, iyo iine mhango. 22 Musoro waiva pairi waiva wemhangura,+ musoro mumwe chete wakanga wakareba makubhiti mashanu;+ uye mambure nemapomegraneti zvaiva pamusoro wacho, kumativi ose,+ zvose zvaiva zvemhangura; uye mbiru yechipiri yaiva nezvakafanana neizvi, uyewo mapomegraneti acho.+ 23 Mapomegraneti aiva makumi mapfumbamwe nematanhatu, kumativi acho, mapomegraneti acho ose aiva zana pamusoro pemambure kumativi ose.+
24 Mukuru wevarindi akatorawo mupristi mukuru Seraya+ nomupristi wechipiri Zefaniya+ nevachengeti vemasuo vatatu,+ 25 uye muguta akatora jinda rimwe chete raiva murayiri wevarume vehondo, nevarume vanomwe pane vaya vaibvumirwa kupinda maiva namambo,+ vaiva muguta, nomunyori womukuru weuto, uya aiunganidza vanhu vomunyika yacho, nevarume makumi matanhatu pavanhu vomunyika yacho, vaiva muguta racho.+ 26 Naizvozvo Nebhuzaradhani+ mukuru wevarindi akatora ivava akaenda navo kwaiva namambo weBhabhironi kuRibra.+ 27 Mambo weBhabhironi akavabaya,+ akavaurayira muRibra+ munyika yeHamati.+ Nokudaro vaJudha vakatapwa vachibva panyika yavo.+
28 Ava ndivo vanhu vakatapwa naNebhukadrezari: mugore rechinomwe, vaJudha zviuru zvitatu nemakumi maviri nevatatu.+
29 Mugore rechigumi nemasere raNebhukadrezari,+ mweya mazana masere nemakumi matatu nemiviri yakatapwa muJerusarema.
30 Mugore rechimakumi maviri nematatu raNebhukadrezari, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi akatapa vaJudha, mweya mazana manomwe nemakumi mana nemishanu.+
Mweya yacho yose yaiva zviuru zvina nemazana matanhatu.
31 Mugore rechimakumi matatu nemanomwe Jehoyakini+ mambo waJudha atapwa, mumwedzi wechigumi nemiviri, pazuva rechimakumi maviri nemashanu romwedzi wacho, Evhiri-merodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakava mambo, akasimudza musoro+ waJehoyakini mambo waJudha, akamubudisa mujeri. 32 Akatanga kutaura naye zvinhu zvakanaka, akakwidziridza chigaro chake choumambo kupfuura zvigaro zvoumambo zvemamwe madzimambo aaiva nawo muBhabhironi.+ 33 Akabvisa nguo dzake dzomujeri,+ uye nguva dzose aidya zvokudya+ pamberi pake mazuva ose oupenyu hwake.+ 34 Kana uri mugove wake wezvokudya, aipiwa mugove wake wezvokudya nguva dzose namambo weBhabhironi, zuva nezuva sezvaaifanira kupiwa, kusvikira pazuva raakafa,+ mazuva ose oupenyu hwake.