Mariro
א [ʼAʹleph]*
1 Haiwa guta raiva nevanhu vazhinji,+ rava kugara roga sei!+
Iro raiva nevanhu vazhinji pakati pemarudzi,+ rava sechirikadzi sei!+
Iro raiva muchindakadzi pakati pematunhu rava rokushandisa basa rokumanikidzirwa sei!+
ב [Behth]
ג [Giʹmel]
3 Judha akatapwa nokuda kwokutambudzika+ uye nokuda kwokuwanda kwouranda.+
Aitofanira kugara pakati pemarudzi.+ Haana kuwana nzvimbo yokuzororera.
Vose vaimutambudza vakamubata achitambudzika.+
ד [Daʹleth]
4 Nzira dzeZiyoni dziri kuchema, nokuti hapana vari kuuya kumutambo.+
Magedhi aro ose akaparadzwa;+ vapristi varo vari kugomera.+
Mhandara dzaro dzine shungu, uye iro riri kurwadziwa.+
ה [Heʼ]
5 Mhandu dzaro dzava vakuru.+ Vavengi varo havana hanya.+
Nokuti Jehovha ariunzira shungu nokuda kwokuwanda kwokudarika kwaro,+
Vana varo vakafamba vari nhapwa pamberi pemhandu.+
ו [Waw]
6 Kubwinya kwaro kwose kunobva pamwanasikana weZiyoni.+
Machinda aro ava senondo hono dzashaya mafuro;+
Anoramba achifamba asina simba ari pamberi pevanoatevera.+
ז [Zaʹyin]
7 Mumazuva okutambudzika kwaro neevanhu varo vasina misha, Jerusarema rayeuka
Zvinhu zvaro zvose zvinokosha zvaivapo kubvira pamazuva ekare kare.+
Vanhu varo pavakava muruoko rwemhandu uye parakanga risina mubatsiri,+
Mhandu dzakariona. Dzakaseka kuparara kwaro.+
ח [Chehth]
8 Jerusarema rakatadza kwazvo.+ Ndokusaka rangovawo zvaro chinhu chinosemesa.+
Vose vairikudza vakariita sechinhu chisingakoshi,+ nokuti vakaona kusapfeka kwaro.+
Irowo riri kugomera+ uye rinotendeuka.
ט [Tehth]
9 Kusachena kwaro kuri kumupendero wenguo yaro.+ Harina kuyeuka nguva yaro yemberi,+
Rinodzika pasi zvinoshamisa. Harina munyaradzi.+
Haiwa Jehovha, onai kutambudzika kwangu,+ nokuti muvengi azvitutumadza kwazvo.+
י [Yohdh]
10 Mhandu yatambanudzira ruoko rwayo kuzvinhu zvaro zvose zvinokosha.+
Nokuti raona marudzi apinda munzvimbo yaro tsvene,+
Amakarayira kuti arege kupinda muungano yenyu.
כ [Kaph]
11 Vanhu varo vose vari kugomera; vari kutsvaka zvokudya.+
Vapa zvinhu zvavo zvinokosha kuti vawane chokudya, kuti vasimbise mweya.+
Onai, haiwa Jehovha, uye tarirai, nokuti ndava somukadzi asina zvaanobatsira.+
ל [Laʹmedh]
12 Imi mose muri kupfuura nenzira hamuna basa nazvo here? Tarirai muone.+
Kune marwadzo chero api zvawo akaita semarwadzo angu andakarwadziswa nawo kwazvo,+
Ayo Jehovha akonzera nawo shungu muzuva rokutsamwa kwake kukuru here?+
מ [Mem]
13 Akatumira moto mumapfupa angu+ uchibva kumusoro, uye anokunda rimwe nerimwe.
Akatambanudzira tsoka dzangu mambure.+ Akandidzorera shure.
Akaita kuti ndive mukadzi akasiyiwa. Zuva rose ndinorwara.+
נ [Nun]
14 Akaramba akasvinurira kudarika kwangu.+ Iko kunorukana muruoko rwake.
Kwauya pamutsipa wangu.+ Simba rangu rapera.
Jehovha andiisa muruoko rwevaya vandisingagoni kurwisana navo.+
ס [Saʹmekh]
15 Jehovha akakanda parutivi vanhu vangu vose vane simba kubva pakati pangu.+
Akandishevedzera musangano, kuti aputse-putse majaya angu.+
Jehovha atsika-tsika chisviniro chewaini+ chemhandara yaJudha.+
ע [ʽAʹyin]
16 Ndiri kuchemera zvinhu izvi sezvinoita mukadzi.+ Ziso rangu, ziso rangu riri kuyerera mvura.+
Nokuti munyaradzi ava kure neni, mumwe munhu wokuti asimbise mweya wangu.
Vanakomana vangu vava vaya vakasiyiwa,+ nokuti muvengi azvitutumadza kwazvo.+
פ [Peʼ]
17 Ziyoni ratambanudza maoko aro.+ Harina munyaradzi.+
Jehovha akapa murayiro pamusoro paJakobho kune vose vakamupoteredza, kuti vave mhandu dzake.+
Jerusarema rava chinhu chinosemesa pakati padzo.+
צ [Tsa·dhehʹ]
18 Jehovha akarurama,+ nokuti ndakapandukira zvaakataura.+
Teererai, zvino, imi marudzi ose, muone kurwadziwa kwangu.
Mhandara dzangu nemajaya angu vatapwa.+
ק [Qohph]
19 Ndakashevedzera kune vaya vaindida kwazvo.+ Ivo vakandinyengera.
Vapristi vangu nevarume vakuru vangu vakafira muguta,+
Pavaifanira kuzvitsvakira chokudya kuti vasimbise mweya yavo.+
ר [Rehsh]
20 Onai, haiwa Jehovha, nokuti ndiri kutambudzika kwazvo. Ura hwangu huri kumona-mona.+
Mwoyo wangu wapindurudzwa mukati mangu,+ nokuti ndakapanduka chose.+
Panze bakatwa rakaita kuti ndishayikirwe nevana.+ Mukati meimba makafanana norufu.+
ש [Shin]
21 Vanhu vakanzwa kuti ndiri kugomera sei sezvinoita mukadzi.+ Handina munyaradzi.+
Vavengi vangu vose vakanzwa nezvedambudziko rangu.+ Vakapembera nomufaro, nokuti imi makazviita.+
ת [Taw]