Mariro
5 Haiwa Jehovha, yeukai zvakaitika kwatiri.+ Tarirai muone kuzvidzwa kwedu.+
2 Nhaka yedu yapiwa vanhu vatisingazivi, dzimba dzedu dzapiwa vokune dzimwe nyika.+
3 Tava nhererawo zvadzo dzisina vanababa.+ Vanaamai vedu vaita sechirikadzi.+
4 Tinonwa mvura yedu tichiita zvokutenga nemari.+ Huni dzedu tinoita dzokutenga.
5 Vati namename nesu vari pamitsipa yedu.+ Tapera simba. Hatina kusiyirwa zororo.+
6 Takatambanudzira ruoko+ kuIjipiti;+ kuAsiriya,+ kuti tigutswe nezvokudya.
7 Madzitateguru edu ndiwo akatadza.+ Haasisipo. Asi isu, tava nemhosva yokukanganisa kwawo.+
8 Vashandiwo zvavo vari kutitonga.+ Hapana ari kutibvuta paruoko rwavo.+
9 Tinoisa mweya yedu pangozi kuti tiwane zvokudya,+ nokuda kwebakatwa riri murenje.
10 Ganda redu rapisa sevira, nokuda kwokurwadza kwenzara.+
11 Vakaninipisa madzimai ari muZiyoni,+ mhandara dziri mumaguta aJudha.
12 Machinda akaturikwa noruoko rwawo.+ Zviso zvevakwegura hazvina kukudzwa.+
13 Majaya akasimudza guyo,+ uye vakomanawo zvavo vakadzedzereka vakatakura huni.+
14 Vakwegura havasisipo kunyange kunze kwegedhi,+ majaya haasisiri kuridza nziyo dzezviridzwa.+
15 Kupembera nomufaro kwemwoyo yedu kwapera. Kutamba kwedu kwachinjwa kukava kuchema.+
16 Korona yomusoro wedu yawa.+ Tine nhamo zvino, nokuti takatadza!+
17 Mwoyo yedu yarwadziwa nokuda kweizvi.+ Maziso edu haachanyatsooni nokuda kwezvinhu izvi,+
18 Nokuda kwegomo reZiyoni rakaparara;+ makava anofamba mariri.+
19 Haiwa Jehovha, imi muchagara nokusingagumi.+ Chigaro chenyu choumambo chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
20 Nei muchitikanganwa nokusingaperi,+ muchitisiya kwemazuva mazhinji?+
21 Haiwa Jehovha, tidzosei+ kwamuri uye tichabva tadzoka. Tiunzirei mazuva matsva sekare kare.+