Ezekieri
20 Zvino mugore rechinomwe, mumwedzi wechishanu, pazuva rechigumi romwedzi wacho, varume vanobva kuvakuru vaIsraeri vakapinda kuti vazobvunza Jehovha,+ vakagara pasi pamberi pangu.+ 2 Shoko raJehovha rakabva rauya kwandiri, richiti: 3 “Mwanakomana womunhu, taura nevarume vakuru vaIsraeri, uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Muri kuuya kuzondibvunza here?+ ‘Noupenyu hwangu, handingabvunzwi nemi,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”’
4 “Uchavatonga here? Uchavatonga here, haiwa iwe mwanakomana womunhu?+ Ita kuti vazive zvinhu zvinosemesa zvemadzitateguru avo.+ 5 Uti kwavari, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Pazuva randakasarudza Israeri,+ ndakasimudzawo ruoko rwangu+ ndichipika kuvana veimba yaJakobho+ uye ndakaita kuti vandizive munyika yeIjipiti.+ Chokwadi ndakasimudza ruoko rwangu ndichipika kwavari, ndichiti, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu.’+ 6 Pazuva iroro ndakasimudza ruoko rwangu+ ndichipika kuti ndivabudise munyika yeIjipiti ndivaendese kunyika yandakanga ndasora nokuda kwavo, nyika inoyerera mukaka nouchi.+ Yakanga iri kushongedzwa kwenyika dzose.+ 7 Ndakati kwavari, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaarase zvinhu zvinonyangadza zvakatendeukirwa kwazviri nemaziso ake,+ regai kuzvisvibisa nezvidhori zvinosemesa sendove zveIjipiti.+ Ndini Jehovha Mwari wenyu.’+
8 “‘“Zvino ivo vakandipandukira,+ havana kubvuma kunditeerera. Mumwe nomumwe haana kurasa zvinhu zvinonyangadza zvakatendeukirwa kwazviri nemaziso ake, havana kusiya zvidhori zvinosemesa sendove zveIjipiti,+ zvokuti ndakapika kuti ndaizovadururira hasha dzangu, kuti ndipedzere kutsamwa kwangu pavari pakati penyika yeIjipiti.+ 9 Ndakazviita nokuda kwezita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pemarudzi avaiva pakati pawo,+ nokuti ndakanga ndaita kuti ndizivikanwe nawo iwo achizviona pandaivabudisa munyika yeIjipiti.+ 10 Naizvozvo ndakavabudisa munyika yeIjipiti, ndikavaendesa murenje.+
11 “‘“Ndakavapa mirau yangu;+ uye ndakavazivisa zvandakatonga,+ kuti munhu anoramba achizviita arambewo achirarama maererano nazvo.+ 12 Ndakavapawo masabata angu,+ kuti ave chiratidzo pakati pangu navo,+ kuti vazive kuti ndini Jehovha anovatsvenesa.
13 “‘“Asi ivo, iyo imba yaIsraeri, vakandipandukira murenje.+ Havana kufamba nemirau yangu,+ uye vakaramba zvandakatonga,+ izvo zvinoti kana munhu akaramba achizviita, anorambawo achirarama nazvo.+ Vakasvibisa masabata angu kwazvo,+ zvokuti ndakapika kuti ndaizovadururira hasha dzangu huru vari murenje, kuti ndivaparadze.+ 14 Asi ndakazviita nokuda kwezita rangu kuti rirege kusvibiswa pamberi pemamwe marudzi, akavaona pandaivabudisa.+ 15 Ini ndakasimudzawo ruoko rwangu ndichipika kwavari vari murenje,+ kuti ndaisazovapinza munyika yandakanga ndavapa, inoyerera mukaka nouchi,+ (iyo kushongedzwa kwenyika dzose,)+ 16 nokuti vakaramba zvandakatonga; ivo havana kufamba mumirau yangu, uye vakasvibisa masabata angu, nokuti mwoyo yavo yakanga ichitevera zvidhori zvavo zvinosemesa sendove.+
17 “‘“Asi ziso rangu rakavanzwira urombo kuti ndirege kuvaparadza,+ uye handina kuvaparadza murenje. 18 Ndakati kuvanakomana vavo murenje,+ ‘Regai kufamba mumirau yemadzitateguru enyu,+ regai kuchengeta zvavakatonga,+ uye regai kuzvisvibisa nezvidhori zvavo zvinosemesa sendove.+ 19 Ndini Jehovha Mwari wenyu.+ Fambai mumirau yangu,+ uye chengetai zvandakatonga,+ muzviite.+ 20 Tsvenesai masabata angu,+ uye ngaave chiratidzo pakati pangu nemi, kuti muzive kuti ndini Jehovha Mwari wenyu.’+
21 “‘“Zvino vanakomana vacho vakandipandukira.+ Havana kufamba mumirau yangu, havana kuchengeta zvandakatonga nokuzviita, izvo zvinoti kana munhu akaramba achizviita, anorambawo achirarama nazvo.+ Vakasvibisa masabata angu.+ Naizvozvo ndakapika kuti ndaizovadururira hasha dzangu, kuti kutsamwa kwangu kuperere pavari vari murenje.+ 22 Ndakadzosa ruoko rwangu,+ ndikazviita nokuda kwezita rangu, kuti rirege kusvibiswa pamberi pemamwe marudzi, akavaona pandaivabudisa.+ 23 Uyewo, ndakasimudza ruoko rwangu ndichipika kwavari murenje,+ kuti ndivaparadzire pakati pemarudzi uye kuti vapararire munyika zhinji,+ 24 nokuti havana kuita zvandakatonga+ uye vakaramba mirau yangu,+ vakasvibisa masabata angu,+ uye maziso avo akatendeukira kuzvidhori zvinosemesa sendove zvemadzitateguru avo.+ 25 Ini ndakavaregawo vachiva nemirau yakanga isina kunaka nezvakatongwa zvavaisakwanisa kuramba vachirarama nazvo.+ 26 Ndaivarega vachisvibiswa nezvipo zvavo pavaiita kuti mwana wose aivhura chibereko apinde mumoto,+ kuti ndivasiye, kuti vazive kuti ndini Jehovha.”’+
27 “Naizvozvo taura neimba yaIsraeri, haiwa iwe mwanakomana womunhu, uti kwavari,+ ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Pachinhu ichiwo, madzitateguru enyu akandituka, nokuita zvinopesana neni nokusatendeka.+ 28 Ndakavapinza munyika+ yandakanga ndasimudzira ruoko rwangu ndichipika kuti ndichavapa.+ Pavakaona zvikomo zvose zvakakwirira+ nemiti yose yaiva nemapazi mazhinji, vakabva vatanga kubayira zvibayiro+ zvavo ipapo nokupa zvinopiwa zvavo zvinotsamwisa ipapo, nokupa kunhuhwirira kwavo kwakanaka+ ipapo nokudurura zvinopiwa zvinonwiwa+ zvavo ipapo. 29 Nokudaro ndakati kwavari, ‘Nzvimbo yakakwirira yamuri kuenda kwairi ndeyei, kuti inzi Nzvimbo Yakakwirira kusvikira nhasi?’”’+
30 “Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Muri kuzvisvibisa sezvakaita madzitateguru enyu,+ uye muri kutevera zvinhu zvavo zvinonyangadza muchiita unzenza here?+ 31 Pamunosimudza zvipo zvenyu nokupinza vanakomana venyu mumoto,+ muri kuzvisvibisa nokuda kwezvidhori zvenyu zvose zvinosemesa sendove kusvikira nhasi here?+ Zvino ndingabvunzwa nemi here, haiwa imi imba yaIsraeri?”’+
“‘Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘Handingabvunzwi nemi.+ 32 Zvamuri kufunga mupfungwa dzenyu+ chokwadi hazvizoitiki,+ nokuti muri kuti: “Ngatiitei semamwe marudzi, semhuri dzomunyika dzose,+ pakushumira miti nematombo.”’”+
33 “‘Noupenyu hwangu,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘ndichava mambo wenyu noruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa+ uye nokudururwa kwehasha.+ 34 Ndichakubudisai pakati pemamwe marudzi, ndichakuunganidzai muchibva munyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri ndichishandisa ruoko rune simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.+ 35 Ndichaenda nemi murenje remamwe marudzi,+ ndokutongai ikoko takatarirana.+
36 “‘Ndichakutongai sokutonga kwandakaita madzitateguru enyu murenje renyika yeIjipiti,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha. 37 ‘Ndichaita kuti mupfuure nepasi petsvimbo,+ ndokuisai muchisungo chesungano.+ 38 Ndichabvisa vanondimukira nevanonditadzira pakati penyu,+ nokuti ndichavabudisa munyika yavanogara vari vatorwa, asi havazoendi kunyika yaIsraeri;+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha.’+
39 “Zvino imi, haiwa imba yaIsraeri, zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaaende anoshumira zvidhori zvake zvinosemesa sendove.+ Shure kwaizvozvo kana musingazonditeereri, hamuzosvibisizve zita rangu dzvene nezvipo zvenyu uye nezvidhori zvenyu zvinosemesa sendove.’+
40 “‘Nokuti mugomo rangu dzvene, mugomo renzvimbo yakakwirira yaIsraeri,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘ndimo mandichashumirwa neimba yose zvayo yaIsraeri, imo munyika yacho.+ Ndichavafarira imomo, uye ndichakumbira mipiro yenyu imomo nezvibereko zvokutanga zvezvinopiwa zvenyu pazvinhu zvenyu zvose zvitsvene.+ 41 Ndichakufarirai nokuda kwokunhuhwirira kwakanaka,+ pandinokubudisai pakati pemamwe marudzi, ndokuunganidzai muchibva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri,+ uye ndichatsveneswa nemi mamwe marudzi ose achizviona.’+
42 “‘Imi muchaziva kuti ndini Jehovha,+ pandichakupinzai munyika yaIsraeri,+ munyika yandakasimudzira ruoko rwangu ndichipika kuti ndiipe madzitateguru enyu. 43 Muchayeuka nzira dzenyu+ muri imomo nezvamakaita zvose zvamakazvisvibisa nazvo,+ uye zviso zvenyu zvicharatidza kusemeswa nezvinhu zvenyu zvose zvakaipa zvamakaita.+ 44 Muchaziva kuti ndini Jehovha+ pandinokuitirai izvozvo nokuda kwezita rangu,+ kwete maererano nenzira dzenyu dzakaipa kana maererano nemabasa enyu akaora,+ haiwa imi imba yaIsraeri,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”
45 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 46 “Mwanakomana womunhu, tarira+ nechokurutivi rwechikamu chimwe chete pazvikamu zvina chokumaodzanyemba utaurire+ mashoko kumaodzanyemba, uprofitire sango renyika yokumaodzanyemba. 47 Uti kusango rokumaodzanyemba, ‘Inzwa shoko raJehovha. Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarira ndichabatidza moto kuti ukupise,+ iwo uchaparadza miti yose ichiri minyoro nemiti yose yakaoma iri mauri.+ Murazvo wacho unobvira hauzodzimwi,+ zviso zvose zvichapiswa nawo kubvira kumaodzanyemba kusvikira kuchamhembe.+ 48 Vanhu vose venyama vachaona kuti ini, Jehovha, ndini ndaubatidza, zvokuti hauzodzimwi.”’”+
49 Zvino ndakati: “Maiwe, haiwa Changamire Ishe Jehovha! Vari kuti pamusoro pangu, ‘Haasi kutaura zvirevo here?’”+