Ezekieri
36 “Zvino iwe, haiwa mwanakomana womunhu, profitira makomo aIsraeri, uti, ‘Haiwa imi makomo aIsraeri,+ inzwai shoko raJehovha. 2 Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Muvengi zvaakati kwamuri,+ ‘Tsvatu waro! Nzvimbo dzakakwirira dzomunguva yekare+—dzava nhaka yedu!’”’+
3 “Naizvozvo profita, uti, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Nokuda kwaizvozvo, zvamakaitwa dongo,+ mukakachurwa kumativi ose,+ kuti muve pfuma kumarudzi akasara+ uye munoramba muchitaurwa nezvenyu norurimi+ uye kune mashoko akaipa pakati pevanhu,+ 4 naizvozvo, haiwa imi makomo aIsraeri,+ inzwai shoko raChangamire Ishe Jehovha! Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata nokunzvimbo dzakaparadzwa dzakaitwa matongo+ nokumaguta akasiyiwa ava chinhu chinopambwa nechinosekwa nemarudzi akasara akapoteredza;+ 5 naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ndichataura ndiri mumoto wokushingaira kwangu+ ndichirwisa marudzi akasara pamwe chete neEdhomu, yose zvayo,+ vaya vakazvipa nyika yangu kuti ive yavo vachifara nomwoyo wose,+ vachizvidza nemweya yavo,+ nokuda kwemafuro ayo uye nokuda kwezvinopambwa.’”’+
6 “Naizvozvo profita pamusoro penyika yaIsraeri, uti kumakomo nokuzvikomo, kuhova nokumipata, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Tarirai! ini ndichataura ndichishingaira uye ndakashatirwa, nokuti imi makanyadziswa nemarudzi.”’+
7 “Naizvozvo zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ini ndakasimudza ruoko rwangu ndichipika+ kuti marudzi akakupoteredzai—iwo ndiwo achanyadziswa.+ 8 Asi imi, haiwa makomo aIsraeri, muchabudisa matavi enyu, mobereka zvibereko zvenyu nokuda kwevanhu vangu vaIsraeri,+ nokuti vaswedera pedyo zvokuda kupinda.+ 9 Nokuti tarirai ndinemi, ndichatendeukira kwamuri,+ mucharimwa modyarwa mbeu.+ 10 Ndichaita kuti vanhu vawande pamusoro penyu, iyo imba yose yaIsraeri, yose zvayo,+ maguta achagarwa,+ uye nzvimbo dzakaparadzwa dzichavakwazve.+ 11 Ndichaita kuti vanhu nemhuka zviwande pamusoro penyu,+ zvichawanda zvobereka, ndichaita kuti imi mugarwe sezvamaimboitwa pakutanga,+ ndichakuitirai zvakanaka kupfuura zvamakanga makaita pakutanga;+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha.+ 12 Ndichaita kuti vanhu vafambe pamusoro penyu, ivo vanhu vangu vaIsraeri, vachaita kuti muve vavo,+ muchava nhaka yavo,+ uye hamuzoiti kuti vashayikirwezve+ nevana.’”
13 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Zvakuine vaya vari kuti kwamuri: “Uri muparadzi wevanhu, uye wava nyika inoita kuti marudzi ashayikirwe nevana,”’+ 14 ‘naizvozvo hauzoparadzizve vanhu,+ uye hauzoitizve kuti marudzi ako ashayikirwe nevana,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha. 15 ‘Handichazoitizve kuti kutaura kunonyadzisa kunoitwa nemarudzi pamusoro pako kunzwike,+ hauzozvidzwizve nemarudzi,+ uye hauzoitizve kuti marudzi ako agumburwe,’ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha.”
16 Zvino shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 17 “Mwanakomana womunhu, imba yaIsraeri yakanga igere panyika yavo, asi ivo vakaramba vachiisvibisa nenzira yavo uye nezvavaiita.+ Nzira yavo yaita sokusachena kwokuva kumwedzi pamberi pangu.+ 18 Ndakavadururira hasha dzangu nokuda kweropa ravakanga vadururira panyika,+ iyo nyika yavakanga vasvibisa nezvidhori zvavo zvinosemesa sendove.+ 19 Ndakavaparadzira pakati pemarudzi, zvokuti vakapararira munyika zhinji.+ Ndakavatonga zvaienderana nenzira dzavo uye zvaienderana nezvavakaita.+ 20 Naizvozvo vakasvika kumarudzi avakaenda kwaari, uye vanhu vakasvibisa zita rangu dzvene+ vachiti nezvavo, ‘Ava ndivo vanhu vaJehovha, uye vakabva kunyika yake.’+ 21 Ndichanzwira tsitsi zita rangu dzvene, rakasvibiswa neimba yaIsraeri pakati pemarudzi avakaenda kwaari.”+
22 “Naizvozvo iti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha: “Handisi kuzviita nokuda kwenyu, haiwa imi imba yaIsraeri, asi nokuda kwezita rangu dzvene, ramakasvibisa pakati pemarudzi amakaenda kwaari.”’+ 23 ‘Ndichatsvenesa zita rangu guru,+ rakanga richisvibiswa pakati pemarudzi, ramakasvibisa pakati pawo; uye marudzi achaziva kuti ndini Jehovha,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘pandichatsveneswa pakati penyu iwo achizviona.+ 24 Ndichakubudisai pakati pemarudzi, ndokuunganidzai muchibva munyika dzose, ndokuunzai kunyika yenyu.+ 25 Ndichasasa mvura yakachena pamusoro penyu, uye muchachena;+ ndichakuchenesai pakusachena kwenyu kwose+ nepazvidhori zvenyu zvose zvinosemesa sendove.+ 26 Ndichakupai mwoyo mutsva,+ uye ndichaisa mudzimu mutsva mukati menyu,+ ndichabvisa mwoyo wedombo munyama yenyu ndokupai mwoyo wenyama.+ 27 Ndichaisa mudzimu wangu mukati menyu,+ ndichazviita zvokuti muchafamba mumirau yangu,+ uye muchachengeta zvandakatonga, mozviita.+ 28 Muchagara munyika yandakapa madzitateguru enyu,+ muchava vanhu vangu uye ini ndichava Mwari wenyu.’+
29 “‘Ndichakuponesai pakusachena kwenyu kwose,+ ndoshevedza zviyo, ndoita kuti zviwande, uye handizoisi nzara pamusoro penyu.+ 30 Ndichaita kuti zvibereko zvemiti zviwande, nezvibereko zvomuminda, kuti murege kuzvidzwazve nemarudzi nokuda kwenzara.+ 31 Muchatoyeuka nzira dzenyu dzakaipa nezvamakaita zvakanga zvisina kunaka,+ uye muchatozvisema nokuda kwokukanganisa kwenyu uye nokuda kwezvinhu zvenyu zvinosemesa.+ 32 Handisi kuita izvi nokuda kwenyu,’+ ndizvo zvinotaura Changamire Ishe Jehovha, ‘zivai izvozvo. Nyarai, munyadziswe nokuda kwenzira dzenyu, haiwa imi imba yaIsraeri.’+
33 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Pazuva randichakuchenesai pakukanganisa kwenyu kwose ndichaitawo kuti maguta agarwe,+ uye nzvimbo dzakaparadzwa dzichavakwazve.+ 34 Nyika yakaitwa dongo icharimwa, kunyange zvazvo yakanga yava dongo mukuona kwomunhu wose aipfuura nomairi.+ 35 Vanhu vachati: “Nyika iyo yakanga yakaitwa dongo yava somunda weEdheni,+ uye maguta akanga ava matongo, akanga aparadzwa uye akanga aputswa avakirirwa; ava kugarwa.”+ 36 Marudzi achasara kumativi enyu ose achaziva kuti ini Jehovha, ndavaka zvinhu zvakanga zvaputswa,+ ndadyara pakanga paitwa dongo. Ini Jehovha, ndazvitaura uye ndazviita.’+
37 “Zvanzi naChangamire Ishe Jehovha, ‘Ini ndichabvuma kuti imba yaIsraeri inditsvake nokuda kwaizvozvi, kuti ndivaitire izvozvi:+ Ndichaita kuti vave nevanhu vazhinji seboka remakwai.+ 38 Maguta ave ari matongo achazara neboka revanhu,+ seboka revanhu vatsvene, seboka revanhu vomuJerusarema vari mumwaka yavo yemitambo;+ uye vanhu vachaziva kuti ndini Jehovha.’”