Hosiya
11 “Israeri paaiva mukomana, ndakamuda,+ uye ndakashevedza mwanakomana wangu kuti abude muIjipiti.+
2 “Ivo zvavakanyanya kuvashevedza,+ ivo vakanyanyawo kubva pamberi pavo.+ Vakabayira+ zvibayiro kumifananidzo yaBhaari, uye vakakwidzira mifananidzo yakavezwa utsi hwezvibayiro.+ 3 Ini ndakadzidzisa Efremu kufamba,+ ndichivatakura mumaoko angu;+ asi havana kuziva kuti ndakanga ndavaporesa.+ 4 Ndakaramba ndichivakweva netambo dzomunhu wepanyika, netambo dzorudo,+ zvokuti kwavari ndakava sevaya vanobvisa joko pashaya dzavo,+ uye norupfave, ndakaunzira mumwe nomumwe zvokudya.+ 5 Haazodzokeri kunyika yeIjipiti, asi Asiriya ichava mambo wake,+ nokuti vakaramba kudzokera.+ 6 Bakatwa richatenderera mumaguta ake,+ ropedza mizariro yake uye roparadza+ nokuda kwezvirongwa zvavo.+ 7 Vanhu vangu vanoramba vachida kuva vasina kutendeka kwandiri.+ Kunyange vachishevedzerwa kune wokumusoro; hapana kana anosimuka.
8 “Ndingakusiya sei, haiwa iwe Efremu?+ Ndingakurega sei, haiwa iwe Israeri?+ Ndingakuita seAdma sei?+ Ndingakufananidza neZebhoimu sei?+ Mwoyo wangu wachinja mukati mangu;+ uye panguva imwe chete ndava kunzwa tsitsi kwazvo. 9 Handizoratidzi kutsamwa kwangu kukuru.+ Handizoparadzizve Efremu,+ nokuti ini ndiri Mwari,+ kwete munhu, iye Mutsvene ari pakati pako;+ uye handizouyi ndakatsamwa. 10 Vachatevera Jehovha.+ Iye achadzvova sezvinoita shumba;+ nokuti iye achadzvova,+ uye vanakomana vachauya vachidedera vachibva kumavirira.+ 11 Vachauya vachidedera vachibva kuIjipiti sezvinoita shiri,+ vachibva kunyika yeAsiriya sezvinoita njiva;+ uye ndichaita kuti vagare mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.+
12 “Efremu akandikomba nokureva nhema,+ uye imba yaIsraeri yakandikomba nokunyengera. Asi Judha achiri kufamba-famba naMwari,+ uye akavimbika kuna Iye Mutsvenetsvene.”