Hosiya
6 “Uyai tidzokere kuna Jehovha,+ nokuti iye akabvambura-bvambura+ asi achatiporesa.+ Akaramba achirova, asi achatisunga nemachira.+ 2 Achaita kuti tive vapenyu pashure pemazuva maviri.+ Pazuva rechitatu achatimutsa, uye tichararama pamberi pake.+ 3 Tichaziva, tichatsvaka kuziva Jehovha.+ Kubuda kwake kwakasimbiswa kwazvo+ kufanana nemambakwedza.+ Achauya kwatiri sezvinoita mvura inonaya;+ semvura yokupedzisira inonyorovesa nyika.”+
4 “Haiwa iwe Efremu, ndichaitei kwauri? Haiwa iwe Judha,+ ndichaitei kwauri, mutsa wenyu worudo paunenge wakaita semakore emangwanani uye sedova rinokurumidza kuenda? 5 Ndokusaka ndichashandisa vaprofita kuti vavateme;+ ndichavauraya nemashoko omuromo wangu.+ Kutongwa kwenyu kuchava sechiedza chinobuda.+ 6 Nokuti ini ndinofarira mutsa worudo,+ kwete chibayiro;+ uye ndinofarira kuziva Mwari kupfuura zvinopiwa zvakakwana zvinopiswa.+ 7 Asi ivo vakadarika sungano yangu,+ sezvakaita munhu wepanyika. Ndipo pavakandinyengera.+ 8 Giriyedhi+ itaundi revanhu vanoita zvinokuvadza; mavanotsika iropa roga roga.+ 9 Boka revapristi rakaita semapoka evapambi+ anovandira munhu.+ Vanoponda vari parutivi penzira kuShekemu,+ nokuti havana kumbozvibata.+ 10 Ndakaona chinhu chinosemesa+ muimba yaIsraeri. Ufeve hwaEfremu+ huri imomo. Israeri akazvisvibisa.+ 11 Uyezve, haiwa iwe Judha, wagadzirirwa kukohwewa, pandinodzosa vanhu vangu vakatapwa.”+