Revhitiko
10 Gare gare vanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu,+ mumwe nomumwe akatora mudziyo wake wokuisira moto+ akauya nawo, akaisa moto mukati mawo, akaisa rusenzi+ pauri, akatanga kuipisira pamberi paJehovha nomoto usingabvumirwi nomutemo,+ waakanga asina kuvarayira. 2 Ipapo moto wakabva pamberi paJehovha ukavaparadza,+ zvokuti vakafira pamberi paJehovha.+ 3 Mosesi akabva ati kuna Aroni: “Izvi ndizvo zvataurwa naJehovha, achiti, ‘Nganditsveneswe+ pane vaya vari pedyo neni,+ uye ngandikudzwe+ pamberi pezviso zvevanhu vose.’” Asi Aroni akaramba akanyarara.
4 Naizvozvo Mosesi akashevedza Mishaeri naErizafani, vanakomana vaUzieri,+ babamudiki vaAroni, akati kwavari: “Swederai pedyo, takurai hama dzenyu dzibve pamberi penzvimbo tsvene mudziendese kunze kwomusasa.”+ 5 Naizvozvo vakaswedera pedyo, vakavatakura vakapfeka nguo dzavo refu, vakavaendesa kunze kwomusasa, sezvakanga zvataurwa naMosesi.
6 Naizvozvo Mosesi akati kuna Aroni nokuna Eriyezari naItamari vamwe vanakomana vake: “Musarega misoro yenyu yakati nyangarara,+ musabvarura nguo dzenyu, kuti murege kufa uye kuti arege kutsamwira ungano yose;+ asi hama dzenyu dzeimba yose yaIsraeri dzichachema nokuda kwokupisa kwakonzerwa naJehovha. 7 Musabuda pasuo retende rokusanganira kuti murege kufa,+ nokuti mafuta aJehovha okuzodza nawo ari pamuri.”+ Naizvozvo vakaita maererano neshoko raMosesi.
8 Zvino Jehovha akataura naAroni, achiti: 9 “Musanwa waini kana kuti doro rinodhaka,+ iwe nevanakomana vako vauinavo, pamunopinda mutende rokusanganira, kuti murege kufa. Uyu murau nokusingagumi nokuda kwezvizvarwa zvenyu zvose, 10 kuti musiyanise chinhu chitsvene nechisiri chitsvene uye chinhu chisina kuchena nechakachena,+ 11 uye kuti mudzidzise vanakomana vaIsraeri+ mirau yose yavakataurirwa naJehovha achishandisa Mosesi.”
12 Zvino Mosesi akataura naAroni naEriyezari naItamari, vanakomana vake vakanga vasara, achiti: “Torai chinopiwa chezviyo+ chakasara pazvinopiwa zvinopisirwa Jehovha nomoto muchidye chisina kuviriswa muri pedyo neatari, nokuti icho chinhu chitsvenetsvene.+ 13 Munofanira kuchidyira munzvimbo tsvene,+ nokuti ndiwo mugove wenyu nomugove wevanakomana venyu unobva pazvinopiwa zvinopisirwa Jehovha nomoto; nokuti ndakarayirwa saizvozvo. 14 Mudyire chityu chechinopiwa chinozunguzirwa+ nebandauko romugove mutsvene+ munzvimbo yakachena, iwe nevanakomana vako nevanasikana vako vauinavo,+ nokuti zvakapiwa kuti zvive mugove wako nomugove wevanakomana vako unobva pazvibayiro zvokugoverana zvevanakomana vaIsraeri. 15 Ngavauye nebandauko romugove mutsvene nechityu chechinopiwa chinozunguzirwa+ pamwe chete nezvinopiwa zvinopiswa nomoto, zvemafuta, kuti vazunguzire chinopiwa chinozunguzirwa pamberi paJehovha; uye ngauve mugove+ wako nokusingagumi, iwe nevanakomana vako vauinavo, sezvakarayirwa naJehovha.”
16 Zvino Mosesi akanyatsotsvaka mbudzi yechinopiwa chechivi,+ asi, akawana kuti yakanga yapiswa. Naizvozvo akatsamwira Eriyezari naItamari, vanakomana vaAroni vakanga vasara, achiti: 17 “Makaregererei kudyira chinopiwa chechivi munzvimbo tsvene,+ zvachiri chinhu chitsvenetsvene uye iye akakupai kuti muzvidavirire nokuda kwechikanganiso cheungano kuti muvayananisire pamberi paJehovha?+ 18 Tarirai! Ropa racho harina kuunzwa mukati menzvimbo tsvene.+ Chokwadi maifanira kuchidyira munzvimbo tsvene, sezvandakanga ndarayirwa.”+ 19 Aroni akabva ataura naMosesi, achiti: “Tarira! Vauya nechinopiwa chavo chechivi nechinopiwa chavo chinopiswa nhasi pamberi paJehovha,+ zvinhu izvi zvakadai pazvanga zvichitanga kundiwira; uye kudai ndanga ndadya chinopiwa chechivi nhasi, zvingadai zvafadza Jehovha here?”+ 20 Mosesi paakanzwa izvozvo, zvakabva zvamufadza.