Revhitiko
9 Zvino pazuva rechisere+ Mosesi akashevedza Aroni nevanakomana vake nevarume vakuru vaIsraeri. 2 Akabva ati kuna Aroni: “Tora mhuru kuti ive chinopiwa chechivi+ negondohwe kuti rive chinopiwa chinopiswa,+ zvakanaka, uuye nazvo pamberi paJehovha.+ 3 Asi utaure nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Torai nhongo+ kuti ive chinopiwa chechivi nemhuru negondohwe duku,+ chimwe nechimwe chiine gore rimwe chete, zvakanaka, kuti zvive chinopiwa chinopiswa, 4 nenzombe negondohwe kuti zvive zvibayiro zvokugoverana+ kuti zvibayirwe pamberi paJehovha, uye chinopiwa chezviyo+ chakakanyiwa nemafuta, nokuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’”+
5 Naizvozvo vakauya nezvakanga zvarayirwa naMosesi pamberi petende rokusanganira. Ungano yose yakabva yaswedera pedyo, ikamira pamberi paJehovha.+ 6 Mosesi akati: “Izvi ndizvo zvamakarayirwa naJehovha kuti muite, kuti kubwinya kwaJehovha kuonekwe nemi.”+ 7 Mosesi akabva ati kuna Aroni: “Swedera pedyo neatari, upe chinopiwa chako chechivi+ nechinopiwa chako chinopiswa, uzviyananisire+ iwe neimba yako; upe chinopiwa chevanhu,+ uvayananisire,+ sezvakarayirwa naJehovha.”
8 Aroni akabva aswedera pedyo neatari, akauraya mhuru yechinopiwa chake chechivi.+ 9 Zvino vanakomana vaAroni vakamupa ropa+ racho, iye akanyika munwe wake muropa+ racho, akariisa panyanga dzeatari,+ uye akadururira rimwe ropa rose muzasi meatari. 10 Akaita kuti mafuta+ neitsvo nemanda iri pachiropa zvakabva pachinopiwa chechivi zvipfungaire pamusoro peatari,+ sezvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha. 11 Akapisa nomoto nyama yacho nedehwe racho kunze kwomusasa.+
12 Zvino akauraya chinopiwa chinopiswa, vanakomana vaAroni vakamupa ropa racho, iye akarisasa kumativi ose pamusoro peatari.+ 13 Vakamupa chinopiwa chinopiswa maererano nenhengo dzacho uye musoro, iye akaita kuti zvipfungaire pamusoro peatari.+ 14 Akasukawo ura nemazondo, akaita kuti zvipfungaire zviri pamusoro pechinopiwa chinopiswa paatari.+
15 Zvino akauya nechinopiwa chevanhu,+ akatora mbudzi yechinopiwa chechivi chakanga chiri chevanhu, akaiuraya, akagadzira chinopiwa chechivi nayo sezvakaitwa yokutanga. 16 Akabva auya nechinopiwa chinopiswa akachigadzira sezvaigara zvichiitwa.+
17 Akauyawo nechinopiwa chezviyo,+ akanokora tsama yechimwe chazvo, akaita kuti chipfungaire pamusoro peatari, pasingabatanidzwi chinopiwa chinopiswa chemangwanani.+
18 Pashure paizvozvo akauraya nzombe negondohwe zvechibayiro chokugoverana+ chevanhu. Vanakomana vaAroni vakabva vamupa ropa racho, iye akarisasa pamusoro peatari kumativi ose.+ 19 Kana ari mafuta+ enzombe nomuswe wegondohwe une mafuta+ nemafuta anofukidza ura neitsvo nemanda iri pachiropa, 20 ivo vakaisa mafuta acho pamusoro pezvityu,+ achibva azoita kuti mafuta acho apfungaire pamusoro peatari. 21 Asi Aroni akazunguzira zvityu zvacho nebandauko rokurudyi kuti zvive chinopiwa chinozunguzirwa+ pamberi paJehovha, sezvakanga zvarayirwa naMosesi.
22 Zvino Aroni akasimudzira vanhu maoko ake, akavakomborera,+ akaburuka+ paaipa chinopiwa chechivi, chinopiwa chinopiswa uye zvibayiro zvokugoverana. 23 Mosesi naAroni vakazopinda mutende rokusanganira, vakabuda, vakakomborera vanhu.+
Zvino kubwinya kwaJehovha+ kwakaonekwa nevanhu vose, 24 uye moto wakabuda pamberi paJehovha,+ ukapisa chinopiwa chinopiswa, nemafuta zvaiva pamusoro peatari. Vanhu vose pavakazviona, vakatanga kushevedzera,+ vakawira pasi nezviso zvavo.