Mika
3 Zvino ndakati: “Ndapota, inzwai imi vakuru vaJakobho nemi vatungamiriri veimba yaIsraeri.+ Harisi basa renyu here kuti muzive kururamisira?+ 2 Imi munovenga zvakanaka+ muchida zvakaipa,+ munobvisa vanhu ganda ravo nenyama yavo pamapfupa avo;+ 3 imi makadya nyama yevanhu vangu,+ mukabvisa ganda ravo, mukapwanya-pwanya mapfupa avo, mukaavhuna-vhuna sezvinhu zviri mugate uye senyama iri muhari yokubikira.+ 4 Panguva iyoyo vachashevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe, asi haazovapinduri.+ Achavavanzira chiso chake panguva iyoyo,+ zvinoenderana nezvakaipa zvavakaita mumabasa avo.+
5 “Zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kudzungairisa vanhu vangu,+ vari kuruma nemazino avo+ uye vanoshevedzera kuti, ‘Rugare!’+ kuti kana ani naani akasaisa chinhu mukanwa mavo, vamurwise,+ 6 ‘Naizvozvo muchava nousiku,+ kuti parege kuva nechinoratidzwa;+ uye muchava nerima, kuti murege kushopera. Zuva richavirira vaprofita, uye masikati achavasvibira.+ 7 Vaoni+ vachanyara,+ uye vanoshopera+ vachaodzwa mwoyo. Vachafukidza usopo,+ vose zvavo, nokuti hakuna mhinduro ichabva kuna Mwari.’”+
8 Asi ini, ndazara nesimba, nomudzimu waJehovha, nokururamisira uye nokuva nesimba,+ kuti ndiudze Jakobho kumukira kwake uye Israeri chivi chake.+
9 Ndapota, inzwai izvi, imi vakuru veimba yaJakobho nemi vatungamiriri veimba yaIsraeri,+ imi munovenga kururamisira uye munoita kuti zvinhu zvose zvakarurama zvive zvisina kururama;+ 10 muchivaka Ziyoni nemabasa okuteura ropa uye Jerusarema nokusarurama.+ 11 Vakuru varo vanotonga kuti vangowana pfumbamuromo,+ vapristi varo vanorayiridza kuti vangowana mubhadharo,+ vaprofita varo vanoshopera kuti vangowana mari;+ vanoramba vachizvitsigisa naJehovha, vachiti: “Jehovha haasi pakati pedu here?+ Hapana dambudziko richatiwira.”+ 12 Naizvozvo Ziyoni richarimwa somundawo zvawo nemhosva yenyu, Jerusarema richava mirwiwo zvayo yezvakaparadzwa,+ uye gomo reimba yacho richava senzvimbo dzakakwirira dzomusango.