Nahumi
1 Chirevo pamusoro peNinivhi:+ Bhuku rezvakaratidzwa Nahumi muErikoshi:
2 Jehovha ndiMwari anoda kuzvipira kwakazara+ uye anotsiva; Jehovha anotsiva+ uye ane hasha.+ Jehovha anotsiva mhandu dzake,+ uye akagumbukira vavengi vake.+
3 Jehovha anononoka kutsamwa,+ ane simba guru,+ uye Jehovha haazomboregi kuranga.+
Nzira yake iri mumhepo inoparadza uye mudutu, gore gobvu ndiro guruva rinopfumburwa netsoka dzake.+
4 Anotuka gungwa+ uye anoriomesa; uye anoomesa nzizi dzose.+
Bhashani neKameri zvaoma,+ uye ruva reRebhanoni raoma.
5 Makomo azununguka nokuda kwake, uye zvikomo zvakanyunguduka.+
Nyika ichasimuka nokuda kwechiso chake; pamwe chete nenyika inobereka zvibereko, navose vanogara mairi.+
6 Ndiani angamira pamberi pokutsamwa kwake?+ Ndiani angasimuka kuti arwise hasha dzake huru?+
Hasha dzake dzichadururwa somoto,+ uye matombo achawira pasi nokuda kwake.
7 Jehovha akanaka,+ inhare+ muzuva rokutambudzika.+
Anoziva vaya vanopotera kwaari.+
8 Achaparadza chose nzvimbo yeguta racho nemafashamo ari kupfuura,+ uye rima richatevera vavengi vake.+
9 Chii chamuchafunga kuti murwisane naJehovha?+ Iye ari kuparadza chose.
Kutambudzika hakuzomukizve kechipiri.+
10 Kunyange zvazvo vari kurukana seminzwa+ uye vakadhakwa sokunge kuti nedoro ravo regorosi,+ vachaparadzwa semashanga akanyatsooma.+
11 Mauri muchabuda munhu anofungira Jehovha zvakaipa,+ achironga zvisina zvazvinobatsira.+
12 Zvanzi naJehovha: “Kunyange zvazvo vakanga vakakwana uye paiva nevazhinji vakanga vakaita saizvozvo, vachatemerwa pasi vakaita saizvozvo;+ uye mumwe munhu achapfuura. Ndichakutambudza, zvokuti handizokutambudzizve.+ 13 Zvino ndichatyora danda rake raanotakurisa zvinhu riri pauri,+ uye ndichadimbura nepakati zvokusungisa zviri pauri.+ 14 Jehovha akarayira pamusoro pako kuti, ‘Hapana chinhu chine chokuita nezita rako chichadyarwazve.+ Ndichaparadza mufananidzo wakavezwa nomufananidzo wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa+ muimba yavanamwari vako. Ndichakugadzirira guva,+ nokuti hapana zvawanga uchibatsira.’
15 “Tarirai! Pamusoro pemakomo pane tsoka dzaiye ari kuuya nemashoko akanaka, iye ari kuzivisa rugare.+ Haiwa iwe Judha, ita mitambo yako.+ Ita zvawakapika;+ nokuti hapana munhu pasina achazopfuurazve nomauri.+ Iye achaparadzwa chose.”+