Habhakuki
1 Chirevo chakaonekwa nomuprofita Habhakuki: 2 Haiwa Jehovha, ndichachemera kuti ndibatsirwe kusvikira rini, imi musinganzwi?+ Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi?+ 3 Nei muchiita kuti ndione zvinhu zvinokuvadza, uye muchiramba makatarira zvinhu zvinongotambudza? Nei kupamba nokuita zvechisimba zviri pamberi pangu, nei kupopotedzana kuchiitika, uye nei kukakavara kuchiitwa?+
4 Naizvozvo mutemo unoshaya simba, uye kururamisira hakumboitwi.+ Nokuti vakaipa vanokomba vakarurama, saka kururamisira kunokombamiswa.+
5 “Imi vanhu, onai pakati pemamwe marudzi, mutarire, murambe makatarirana muchishamisika.+ Shamiswai; nokuti pane basa riri kuitwa nomumwe munhu mumazuva enyu, ramusingazotendi kunyange kana rikarondedzerwa.+ 6 Nokuti tarirai ndichamutsa vaKadheya,+ rudzi runotyisa uye runopenga, runoenda kunzvimbo dzose dzakafara dzenyika dzisina kudzivirirwa, kuti runotora nzvimbo dzokugara dzisiri dzarwo.+ 7 Runovhundutsa uye runotyisa. Kururamisira kwarwo nokukudzwa kwarwo zvinobva kwaruri pacharwo.+ 8 Mabhiza arwo anomhanya kupfuura ingwe, uye anotyisa kupfuura mhumhi dzomunguva yemanheru.+ Mabhiza arwo ehondo anobinha pasi, uye mabhiza arwo ehondo anobva kure. Anobhururuka segondo riri kukurumidzira kunodya chimwe chinhu.+ 9 Rwose zvarwo runouya kuzoita zvechisimba.+ Zviso zvavo pazvinoungana, zvinoita semhepo yokumabvazuva,+ uye runounganidza nhapwa sejecha. 10 Irwo runonyomba madzimambo, uye runoseka machinda.+ Runoseka kunyange nzvimbo dzakavakirirwa,+ uye runounganidza ivhu ndokudzikunda. 11 Panguva iyoyo ruchapfuurira sezvinoita mhepo, rwopfuura, uye ruchava nemhosva.+ Simba rarwo iri, riripo nokuda kwamwari warwo.”+
12 Haiwa Jehovha, hamusi wekare kare here?+ Haiwa Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamufi.+ Haiwa Jehovha, makaruitira kuti rutonge; haiwa imi Dombo,+ makarusimbisa kuti rutsiure.+
13 Mune maziso akanyanya kuchena zvokuti hamudi kuona zvakaipa; uye hamukwanisi kutarira zvinotambudza.+ Munotaririrei vanonyengera,+ muchiramba makanyarara munhu akaipa paanomedza munhu akarurama kupfuura iye?+ 14 Munoitirei kuti vanhu vepanyika vave sehove dzomugungwa, sezvinhu zvinokambaira zvisina anotonga?+ 15 Akabudisa vose ivava nechirauro;+ anovazvuzvurudza vari mumambure ake okukukudzisa, anovaunganidza mumambure ake okubatisa hove.+ Ndokusaka achifara uye achipembera.+ 16 Ndokusaka achipa chibayiro kumambure ake okukukudzisa uye achikwidza utsi hwezvibayiro kumambure ake okubatisa hove; nokuti ndizvo zvakaita kuti mugove wake uve nemafuta kwazvo, uye zvokudya zvake zvinopa utano.+ 17 Ndizvo zvichaita kuti akuture mambure aanokukudzisa here, uye anofanira kuuraya marudzi nguva dzose, asinganzwiri tsitsi here?+