Zefaniya
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Zefaniya mwanakomana waKushi mwanakomana waGedhariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waHezekiya mumazuva aJosiya+ mwanakomana waAmone+ mambo waJudha:
2 “Chokwadi ndichaparadza zvinhu zvose panyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.+
3 “Ndichaparadza vanhu vepanyika nemhuka.+ Ndichapedza chose zvisikwa zvinobhururuka zvokumatenga nehove dzegungwa,+ nezvinhu zvinogumbura pamwe chete nevakaipa;+ uye ndichaparadza vanhu panyika,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. 4 “Ndichatambanudzira Judha ruoko rwangu pamwe chete nevagari vose vomuJerusarema,+ uye munzvimbo ino ndichaparadza vanhu vaBhaari vakasara,+ zita revapristi vamwari wokune imwe nyika pamwe chete nevapristi vacho,+ 5 nevaya vanokotamira mauto okumatenga vari pamusoro pematenga edzimba,+ nevaya vanokotama,+ vachipika naJehovha+ uye vachipika naMarikamu;+ 6 nevaya vari kurega kutevera Jehovha,+ vasina kutsvaka Jehovha uye vasina kumubvunza.”+
7 Rambai makanyarara pamberi paChangamire Ishe Jehovha;+ nokuti zuva raJehovha rava pedyo,+ nokuti Jehovha agadzirira chibayiro;+ atsvenesa+ vanhu vake vakakokwa.
8 “Zvino pazuva rechibayiro chaJehovha ndichafunga nezvemachinda, nevanakomana vamambo,+ nevanhu vose vanopfeka zvipfeko zvokune dzimwe nyika.+ 9 Ndichafunga nezvevanhu vose vanokwira pachikuva pazuva iroro, vaya vanozadza imba yavanatenzi vavo nechisimba nokunyengera.+ 10 Zvino pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kushevedzera kuchanzwika kuchibva kuGedhi reHove,+ uye kuungudza kuchibva kuchikamu chechipiri+ pazvikamu zvina zveguta, uye ruzha rukuru ruchibva kuzvikomo.+ 11 Ungudzai,+ imi vagari vomuMakteshi, nokuti vanhu vose vanotengesa vaparadzwa;+ vose vaya vanoyera sirivha vaparadzwa.
12 “Zvino panguva iyoyo ndichanyatsotsvaka muJerusarema nemarambi,+ uye ndichafunga nezvevarume vari kugadzikana sezvinoita masese+ ewaini uye vari kuti mumwoyo mavo, ‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’+ 13 Pfuma yavo ichava chinhu chinopambwa uye dzimba dzavo dzichava chinhu chinoitwa matongo.+ Vachavaka dzimba, asi havazodzigari;+ uye vachadyara minda yemizambiringa, asi havazonwi waini yayo.+
14 “Zuva guru+ raJehovha rava pedyo.+ Rava pedyo, uye riri kukurumidza kwazvo.+ Ruzha rwezuva raJehovha runoshungurudza.+ Murume ane simba ari kuchema.+ 15 Zuva iroro izuva rokushatirwa kukuru, zuva rokutambudzika nerokurwadziwa,+ zuva redutu nerokuparadzwa, zuva rerima nerokusviba,+ zuva remakore nerezarima, 16 zuva rokuridzwa kwehwamanda nerechiratidzo chokunyevera+ maguta akavakirirwa neshongwe dzakakwirira dzomumakona.+ 17 Ndichaita kuti vanhu vatambudzike, uye vachafamba sezvinoita mapofu;+ nokuti vakatadzira Jehovha.+ Ropa ravo richadururwa sezvinoitwa guruva,+ uye ura hwavo sezvinoitwa ndove.+ 18 Sirivha yavo kana ndarama yavo hazvizokwanisi kuvanunura pazuva rokushatirwa kukuru kwaJehovha;+ asi nyika yose ichaparadzwa nomoto wokushingaira kwake,+ nokuti achaparadza vagari vose vepanyika, achavaparadza kwazvo.”+