Zekariya
12 Chirevo:
“Iri ndiro shoko raJehovha pamusoro paIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Iye anotambanudza matenga,+ nokuvaka nheyo dzenyika,+ nokuita simba roupenyu+ romunhu mukati make. 2 “Tarirai ndichaita kuti Jerusarema+ rive mudziyo wokunwira unoita kuti marudzi ose akaripoteredza adzedzereke;+ uye Judha achakombwawo, kunyange Jerusarema.+ 3 Zvino nezuva iroro+ ndichaita kuti Jerusarema rive dombo+ rinoremera marudzi ose. Chokwadi vose vaya vacharisimudza vachamarwa kwazvo; uye marudzi ose enyika achaungana kuzorwa naro.+ 4 Pazuva iroro,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha, “ndichavhiringidza mabhiza+ ose uye ndichapengesa vatasvi vawo;+ uye ndichasvinudzira maziso+ angu paimba yaJudha, uye ndichapofumadza mabhiza ose emarudzi. 5 Madzishe+ aJudha achati mumwoyo mawo, ‘Vagari vomuJerusarema isimba rangu muna Jehovha wemauto Mwari wavo.’+ 6 Pazuva iroro ndichaita kuti madzishe aJudha aite sehari ine moto iri pakati pemiti+ uye sezhenje romoto riri mumwanda wezviyo zvichangobva kuchekwa,+ vachaparadza kurudyi nokuruboshwe, iwo marudzi ose ari kumativi ose;+ asi Jerusarema richaramba richigarwa munzvimbo yaro, imo muJerusarema.+
7 “Jehovha achatanga aponesa matende aJudha, kuti runako rweimba yaDhavhidhi norunako rwevagari vomuJerusarema rusanyanya kuva rukuru pane rwaJudha. 8 Pazuva iroro Jehovha achadzivirira vagari vomuJerusarema+ kumativi ose; uye uya ari kugumburwa ari pakati pavo achava saDhavhidhi+ pazuva iroro, uye imba yaDhavhidhi ichava saMwari,+ sengirozi yaJehovha iri pamberi pavo.+ 9 Zvino pazuva iroro ndichatsvaka kutsakatisa marudzi ose achauya kuzorwisa Jerusarema.+
10 “Ndichadururira mudzimu wenyasha+ nowokuteterera+ paimba yaDhavhidhi nepavagari vomuJerusarema, vachatarira Iye wavakabvoora,+ vachaungudza pamusoro pake sokuungudza kunoitirwa mwanakomana mumwe chete; uye vacharira vachishungurudzwa pamusoro pake sokurira uchishungurudzwa kunoitirwa mwanakomana wedangwe.+ 11 Pazuva iroro kuungudza kwomuJerusarema kuchava kukuru, sokuungudza kwokuHadhadhirimoni mubani reMegidho.+ 12 Nyika ichaungudza,+ mhuri imwe neimwe iri yoga; mhuri yaDhavhidhi iri yoga, uye vakadzi vavo vari voga;+ mhuri yeimba yaNatani+ iri yoga, uye vakadzi vavo vari voga; 13 mhuri yeimba yaRevhi+ iri yoga, uye vakadzi vavo vari voga; mhuri yevaShimei+ iri yoga, uye vakadzi vavo vari voga; 14 mhuri dzose dzichasara, mhuri imwe neimwe iri yoga, uye vakadzi vavo vari voga.+