Zekariya
2 Zvino ndakatarira ndikaona; uye tarira! kwaiva nomumwe murume, uye aiva netambo yokuyeresa+ muruoko rwake. 2 Naizvozvo ndakati: “Uri kuenda kupi?”
Iye akati kwandiri: “Kunoyera Jerusarema, kuti ndione kufara kwaro nokureba kwaro.”+
3 Zvino tarira! ngirozi yaitaura neni yakanga ichienda, uye paiva neimwe ngirozi yaiuya kuzosangana nayo. 4 Yakabva yati kwairi: “Mhanya, taura nejaya riri uko, uti, ‘“Jerusarema richagarwa semisha yokumaruwa isina masvingo,+ nokuda kwokuwanda kwevanhu nezvipfuwo zviri mariri.+ 5 Ini ndichava kwariri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “rusvingo rwomoto kumativi ose,+ uye ndichava kubwinya mukati maro.”’”+
6 “Nhai imi! Nhai imi! Tizai, mubve kunyika yokuchamhembe,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
“Nokuti ndakakuparadzirai kumhepo ina dzokumatenga,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 “Nhai iwe Ziyoni!+ Tiza, iwe uri kugara nomwanasikana weBhabhironi.+ 8 Nokuti zvanzi naJehovha wemauto, ‘Pashure pokukudzwa,+ iye akandituma kumarudzi aikupambai;+ nokuti anokugunzvai+ anogunzva mboni yeziso rangu.+ 9 Nokuti ndichavasimudzira ruoko rwangu,+ uye vachapambwa nevaranda vavo.’+ Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma.+
10 “Shevedzera kwazvo ufare, haiwa iwe mwanasikana weZiyoni;+ nokuti ndiri kuuya,+ uye ndichagara mukati mako,”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. 11 “Marudzi mazhinji achauya kuna Jehovha pazuva iroro,+ achava vanhu vangu;+ uye ndichagara pakati pako.” Uchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwauri.+ 12 Jehovha achaita kuti Judha ave wake somugove wake uri panyika tsvene,+ uye achasarudzazve Jerusarema.+ 13 Rambai makanyarara, imi vanhu vose, pamberi paJehovha,+ nokuti abuda+ munzvimbo yake tsvene yaanogara.+