Zekariya
6 Ndakabva ndatarirazve, ndikaona; uye tarira! ngoro ina dzakanga dzichiuya dzichibva pakati pemakomo maviri, uye makomo acho aiva makomo emhangura. 2 Ngoro yokutanga yaikweviwa nemabhiza matsvuku;+ uye ngoro yechipiri yaikweviwa nemabhiza matema.+ 3 Ngoro yechitatu yaikweviwa nemabhiza machena;+ uye ngoro yechina yaikweviwa nemabhiza ane makamba makamba, ane mavara mavara.+
4 Zvino ndakapindura ndikati kungirozi yakanga ichitaura neni: “Ishe wangu, izvi zvii?”+
5 Naizvozvo ngirozi yacho yakapindura ikati kwandiri: “Iyi ndiyo midzimu mina+ yokumatenga iri kubuda+ pashure pokunge yamira pamberi paIshe+ wenyika yose.+ 6 Iya iri kukweviwa nemabhiza matema, iwo ari kuenda kunyika yokuchamhembe;+ machena achaenda mhiri kwegungwa; ane makamba makamba achaenda kunyika yokumaodzanyemba.+ 7 Ane mavara mavara+ achaenda, oramba achitsvaka kwokuenda, kuti afambe-fambe panyika.”+ Yakabva yati: “Endai, mufambe-fambe panyika.” Iwo akatanga kufamba-famba panyika.
8 Zvino yakashevedzera kwandiri, ikataura neni ichiti: “Ona, ayo ari kuenda kunyika yokuchamhembe ndiwo akaita kuti mudzimu+ waJehovha uve panyika yokuchamhembe.”+
9 Shoko raJehovha rakaramba richiuya kwandiri, richiti: 10 “Tora chimwe chinhu kuvanhu vakatapwa,+ kuna Heridhai nokuna Tobhija nokuna Jedhaya; uye iwe uuye pazuva iroro, upinde muimba yaJosiya mwanakomana waZefaniya+ neava vakabva kuBhabhironi. 11 Utore sirivha nendarama, ugadzire korona yakanaka kwazvo,+ uiise mumusoro maJoshua+ mwanakomana womupristi mukuru Jehozadhaki. 12 Uti kwaari,
“‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Heuno murume+ anonzi Nhungirwa.+ Achatungira ari panzvimbo yake, uye achavaka temberi yaJehovha.+ 13 Achavaka temberi yaJehovha, uye iye achakudzwa;+ uye achagara pasi, otonga ari pachigaro chake choumambo, achava mupristi ari pachigaro chake choumambo,+ uye zano rorugare+ richava pakati pazvo. 14 Korona yakanaka kwazvo ichava yaHeremu naTobhija naJedhaya+ naHeni mwanakomana waZefaniya kuti ive chiyeuchidzo+ mutemberi yaJehovha. 15 Vaya vari kure vachauya, vovaka temberi yaJehovha.” Imi muchaziva kuti Jehovha+ wemauto akandituma kwamuri.+ Chokwadi, izvi zvichaitika kana mukateerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.’”+