Maraki
3 “Tarirai! Ndiri kutuma nhume yangu,+ uye ichagadzira nzira pamberi pangu.+ Ishe wechokwadi+ achangoerekana auya kutemberi yake,+ iye wamuri kutsvaka, uye nhume+ yesungano+ yamuri kufarira.+ Tarirai! Iye achauya,” Jehovha wemauto adaro.+
2 “Asi ndiani achatsunga pazuva raanouya,+ uye ndiani achamira paanoonekwa?+ Nokuti achava akaita somoto womunatsi+ uye sesipo+ yomugezi wenguo.+ 3 Achagara pasi sezvinoita munatsi nomuchenesi wesirivha,+ ochenesa vanakomana vaRevhi;+ achavachenesa sezvinoitwa ndarama+ uye sezvinoitwa sirivha, uye kuna Jehovha vachava vanhu vanouya nechipo chinopiwa+ mukururama. 4 Chipo chinopiwa chaJudha necheJerusarema zvichafadza Jehovha,+ somumazuva ekare kare uye somumakore ekare kare.+
5 “Ndichaswedera pedyo nemi kuti ndikutongei,+ ndichava chapupu chinokurumidza+ chinorwisana nevaroyi+ nemhombwe,+ uye vaya vanopika zvenhema,+ nevaya vanobiridzira mibayiro yomushandi anopiwa mubayiro,+ vanobiridzira chirikadzi+ nenherera,+ nevaya vanodzinga mutorwa,+ vasingandityi,”+ Jehovha wemauto adaro.
6 “Nokuti ndini Jehovha; handina kuchinja.+ Imi ndimi vanakomana vaJakobho; hamuna kupera.+ 7 Kubvira pamazuva emadzitateguru enyu makatsauka pamirau yangu uye hamuna kuichengeta.+ Dzokai kwandiri, uye ini ndichadzoka kwamuri,”+ Jehovha wemauto adaro.
Asi imi makati: “Tichadzoka sei?”
8 “Munhu wepanyika angabira Mwari here? Asi imi muri kundibira.”
Uye makati: “Takakubirai sei?”
“Pane zvegumi nemipiro. 9 Muri kundimhura muchindituka,+ uye muri kundibira—rudzi rwacho rwose zvarwo. 10 Uyai nezvegumi zvose+ mudura, kuti mumba mangu muve nezvokudya;+ uye ndapota, ndiedzei pane izvozvi,”+ Jehovha wemauto adaro, “muone kana ndisingazokuzaruririi magedhi emvura okumatenga,+ ndikakudururirai chikomborero kusvikira musisina chamunoshayiwa.”+
11 “Ndichatuka zvinoparadza nokuda kwenyu,+ uye hazvizokuparadzirii zvibereko zvenyika, uyewo muzambiringa uri mumunda hauzoregi kukuberekerai zvibereko,”+ Jehovha wemauto adaro.
12 “Marudzi ose achati muri vanhu vanofara,+ nokuti imi muchava nyika inofadza,”+ Jehovha wemauto adaro.
13 “Mashoko enyu ave aine simba kwandiri,”+ Jehovha adaro.
Asi imi makati: “Takatauriranei pamusoro penyu?”+
14 “Makati, ‘Kushumira Mwari hakubatsiri.+ Zviri kutibatsirei zvatakaramba tichichengeta zvatinosungirwa kuti timuitire, uye zvatakafamba takasuruvara nokuda kwaJehovha wemauto?+ 15 Panguva ino tiri kuti vanhu vanozvikudza vanofara.+ Uyewo, vanoita zvakaipa vakavakwa.+ Vakaedzawo Mwari uye vanoramba vasingarangwi.’”+
16 Panguva iyoyo vaya vaitya Jehovha+ vakataurirana, mumwe nomumwe neshamwari yake, Jehovha akaramba akateerera uye achinzwa.+ Bhuku rokuyeuchidza rakatanga kunyorwa pamberi pake+ nokuda kwevaya vanotya Jehovha nevaya vanofunga nezvezita rake.+
17 “Vachava vangu,”+ Jehovha wemauto adaro, “pazuva randichaita kuti pave nepfuma chaiyo.+ Ndichavanzwira tsitsi, sezvinoita murume anonzwira nyasha mwanakomana wake anomushandira.+ 18 Muchaonazve kusiyana kwomunhu akarurama nomunhu akaipa,+ kwouya anoshumira Mwari nouya asina kumushumira.”+