Mateu
11 Zvino Jesu paakanga apedza kupa mirayiridzo kuvadzidzi vake vane gumi nevaviri, akabva ipapo akaenda kunodzidzisa nokuparidza mumaguta avo.+
2 Asi Johani, anzwa ari mujeri+ pamusoro pemabasa aKristu, akatumira shoko nevadzidzi vake, 3 akati kwaari: “Ndimi Iye Anouya here, kana kuti pane mumwe watinofanira kutarisira?”+ 4 Achipindura, Jesu akati kwavari: “Endai munoudza Johani zvamuri kunzwa nokuona, zvokuti: 5 Mapofu ari kuonazve,+ vanokamhina+ vari kufamba-famba, vane maperembudzi+ vari kucheneswa nematsi+ dziri kunzwa, vakafa+ vari kumutswa, uye varombo vari kuziviswa mashoko akanaka;+ 6 uye anofara ndiye asingawani chikonzero chokugumburwa neni.”+
7 Ava pavakanga vachienda, Jesu akatanga kuti kumapoka evanhu pamusoro paJohani: “Makabuda kunoonei murenje?+ Tsanga yakanga ichipeperetswa nemhepo here?+ 8 Saka, makabuda kunoonei? Munhu akapfeka nguo dzakapfavirira here? Chokwadi, vaya vakapfeka nguo dzakapfavirira vari mudzimba dzemadzimambo.+ 9 Saka makabudirei? Kunoona muprofita here? Chokwadi, ndinokuudzai, anotopfuura muprofita.+ 10 Uyu ndiye akanyorwa nezvake kuti, ‘Tarira! Ini ndiri kutuma nhume yangu pamberi pako, iyo ichafanokugadzirira nzira yako!’+ 11 Chokwadi ndinoti kwamuri, Pane vakaberekwa nevakadzi+ hapana kumutswa mukuru kuna Johani Mubhabhatidzi; asi munhu muduku muumambo+ hwokumatenga mukuru kwaari. 12 Asi kubvira mumazuva aJohani Mubhabhatidzi kusvikira zvino umambo hwokumatenga ndicho chinangwa chinovavarirwa kuwanikwa nevanhu, uye vaya vari kuvavarira saizvozvo vari kuhuwana.+ 13 Nokuti zvose, Zvakanyorwa nevaprofita noMutemo, zvakaprofita kusvikira kuna Johani;+ 14 uye kana muchida kugamuchira izvi, Iye ndiye ‘Eriya anofanira kuuya.’+ 15 Ane nzeve ngaanzwe.+
16 “Ndichaenzanisa chizvarwa chino nani?+ Chakafanana nevana vaduku vagere mumisika vanoshevedzera kune vavanotamba navo,+ 17 vachiti, ‘Takakuridzirai nyere, asi hamuna kutamba; takaungudza, asi hamuna kuzvirova nemhaka yeshungu.’+ 18 Saizvozvowo, Johani akauya asingadyi kana kunwa,+ asi vanhu vanoti, ‘Ane dhimoni’; 19 Mwanakomana womunhu akauya achidya uye achinwa,+ asi vanhu vanoti, ‘Tarirai! Munhu anokara uye anonwisa waini, shamwari yevateresi nevatadzi.’+ Kunyange zvakadaro, uchenjeri hunoratidzwa kuti hwakarurama nemabasa ahwo.”+
20 Zvino akatanga kuzvidza maguta muya makanga maitikira mabasa ake esimba mazhinji kwazvo, nokuti maguta acho haana kupfidza,+ achiti: 21 “Une nhamo iwe, Korazini! Une nhamo iwe, Bhetisaidha!+ nokuti kudai mabasa esimba akaitika mamuri akanga aitika muTire neSidhoni, maguta aya aizodai akapfidza kare kare akapfeka masaga uye aine madota.+ 22 Naizvozvo ndinoti kwamuri, Tire neSidhoni zvichagona kutsungirira kwazvo paZuva Rokutongwa+ kupfuura imi.+ 23 Uye iwe, Kapenaume,+ ko uchakwidziridzirwa kudenga here? Uchaburukira+ kuHadhesi;+ nokuti kudai mabasa esimba akaitikira mauri akanga aitikira muSodhoma, raizodai rakaramba riripo nanhasi. 24 Naizvozvo ndinoti kwamuri, nyika yeSodhoma ichagona kutsungirira zvikuru paZuva Rokutongwa kupfuura imi.”+
25 Panguva iyoyo Jesu akabva ati: “Ndinokurumbidzai pachena, Baba, Ishe wedenga nenyika, nokuti makavanzira zvinhu izvi vakachenjera nevakangwara mukazvizarurira vacheche.+ 26 Chokwadi, haiwa Baba, nokuti kuita saizvozvo kwakava nzira yamakabvumira. 27 Zvinhu zvose zvakaiswa kwandiri naBaba vangu,+ uye hapana munhu anonyatsoziva Mwanakomana kunze kwaBaba,+ uyewo hapana munhu anonyatsoziva Baba kunze kwoMwanakomana uye munhu wose uyo Mwanakomana anoda kumuzivisa.+ 28 Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa,+ uye ini ndichakuzorodzai. 29 Takurai joko+ rangu mudzidze kwandiri,+ nokuti ndiri munyoro+ uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo+ remweya yenyu. 30 Nokuti joko rangu nderomutsa uye mutoro wangu wakareruka.”+