Mateu
17 Kwapera mazuva matanhatu, Jesu akaenda naPetro naJakobho naJohani munun’una wake, akakwira navo mugomo refu refu vari voga.+ 2 Zvino akachinja chitarisiko pamberi pavo, chiso chake chikapenya sezuva,+ nguo dzake dzokunze dzikachena sechiedza.+ 3 Uye tarira! vakaona Mosesi naEriya vachikurukura naye.+ 4 Saka Petro akabva ati kuna Jesu: “Ishe, zvakanaka kuti tive pano. Kana muchida, ndichavaka matende matatu pano, rimwe renyu, rimwe raMosesi uye rimwe raEriya.”+ 5 Achiri kutaura, tarira! gore raipenya rakavafukidza, uye tarira! inzwi rakabva mugore, richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa,+ wandafarira; muteererei.”+ 6 Vadzidzi vachinzwa izvi vakawira pasi nezviso zvavo vakatya kwazvo.+ 7 Jesu akabva aswedera pedyo, uye achivabata, akati: “Simukai, musatya.”+ 8 Pavakatarira, hapana wavakaona kunze kwaJesu chete.+ 9 Zvavakanga vachiburuka mugomo, Jesu akavarayira, achiti: “Musaudza munhu zvamaratidzwa kusvikira Mwanakomana womunhu amutswa kubva kuvakafa.”+
10 Zvisinei, vadzidzi vakamubvunza kuti: “Saka nei vanyori vachiti Eriya anofanira kutanga kuuya?”+ 11 Achipindura, iye akati: “Chokwadi, Eriya ari kuuya uye achadzorera zvinhu zvose.+ 12 Zvisinei, ndinoti kwamuri, Eriya akatouya uye havana kumuziva asi vakamuitira zvinhu zvavakanga vachida. Saizvozvowo Mwanakomana womunhu anofanira kutambura pamaoko avo.”+ 13 Vadzidzi vakanzwisisa kuti akanga achitaura kwavari pamusoro paJohani Mubhabhatidzi.+
14 Pavakanga vava kuda kusvika kwaiva neboka revanhu,+ mumwe murume akasvika kwaari, achimupfugamira achiti: 15 “Ishe, nzwirai mwanakomana wangu ngoni, nokuti ane tsviyo uye anorwara, nokuti anowanzopunzikira mumoto uye kazhinji mumvura;+ 16 ndauya naye kuvadzidzi venyu, asi havana kugona kumurapa.”+ 17 Achipindura, Jesu akati: “Haiwa chizvarwa chisina kutenda uye chakamonyana,+ ndinofanira kuramba ndinemi kusvikira rini? Ndinofanira kukushivirirai kusvikira rini? Uya naye pano pandiri.” 18 Jesu akabva arituka, dhimoni racho rikabuda maari;+ uye mukomana wacho akapora kubva paawa iyoyo.+ 19 Pakarepo vadzidzi vakauya kuna Jesu vari voga vakati: “Nei tisina kugona kuridzinga?”+ 20 Iye akati kwavari: “Nokuda kwokutenda kwenyu kuduku. Nokuti chokwadi ndinoti kwamuri, Kana muine kutenda kwakakura setsanga yemasitadhi, muchati kugomo iri, ‘Ibva pano uende apo,’ uye richabva, uye hapana chinhu chamuchatadza.”+ 21 ——
22 Panguva yavakanga vakaungana muGarireya Jesu ndipo paakati kwavari: “Mwanakomana womunhu achatengeswa mumaoko evanhu,+ 23 uye vachamuuraya, asi achamutswa pazuva rechitatu.”+ Naizvozvo vakashungurudzwa kwazvo.+
24 Pashure pokunge vasvika muKapenaume, varume vaiunganidza mutero wemadrakema maviri vakasvika kuna Petro, vakati: “Mudzidzisi wenyu haateri mutero wemadrakema maviri here?”+ 25 Iye akati: “Hungu.” Zvisinei, paakapinda mumba, Jesu akamutangira nokutaura kuti: “Simoni, unofungei? Madzimambo enyika anogamuchira miripo kana mutero womunhu wose kubva kuna vanaani? Kubva kuvanakomana vavo here kana kuvamwe vanhuwo zvavo?” 26 Paakati: “Kuvamwe vanhuwo zvavo,” Jesu akati kwaari: “Saka, vanakomana havateri. 27 Asi kuti tirege kuvagumbura,+ enda kugungwa, ukande chirauro, utore hove inotanga kubuda, uye paunoshamisa muromo wayo, uchawana mari yesitateri. Tora iyoyo uvape nokuda kwangu newe.”+