Mateu
21 Naizvozvo, pavakaswedera pedyo neJerusarema, vakasvika paBhetifage paGomo reMiorivhi, Jesu akabva atuma vadzidzi vaviri,+ 2 achiti kwavari: “Pindai mumusha wamuri kuona, uye muchabva mawana mbongoro yakasungirirwa, iine mwana wayo; dzisunungurei muuye nadzo kwandiri.+ 3 Zvino kana mumwe munhu akataura chimwe chinhu kwamuri, imi muti, ‘Ishe anodzida.’ Iye achabva angodzitumira.”
4 Izvi zvakaitika chaizvoizvo kuti zvizadzike zviya zvakataurwa pachishandiswa muprofita, achiti: 5 “Udzai mwanasikana weZiyoni kuti, ‘Tarira! Mambo wako ari kuuya kwauri,+ ari munyoro,+ akatasva mbongoro, chokwadi, akatasva mwana wembongoro, mwana wemhuka inotakuriswa zvinhu.’”+
6 Naizvozvo vadzidzi vakaenda, vakaita chaizvo sezvavakanga varayirwa naJesu. 7 Zvino vakauya nembongoro yacho nomwana wayo, vakaisa nguo dzavo dzokunze pamusoro padzo, iye akagarira nguo dzacho.+ 8 Vazhinji veboka revanhu vakawaridza nguo dzavo dzokunze+ mumugwagwa, vamwe pavakatanga kutema mapazi pamiti vachiawaridza mumugwagwa.+ 9 Kana ari mapoka evanhu, vaya vaifamba mberi kwake nevaya vaimutevera vakaramba vachishevedzera kuti: “Tapota, ponesai,+ Mwanakomana waDhavhidhi!+ Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha!+ Tapota, muponesei, muri kumusorosoro!”+
10 Zvino paakapinda muJerusarema,+ guta rose rakanyonganiswa, richiti: “Uyu ndiani?” 11 Mapoka evanhu akaramba achiti: “Uyu ndiye muprofita+ Jesu, wokuNazareta reGarireya!”
12 Zvino Jesu akapinda mutemberi, akadzingira kunze vose vaya vaitengesa nokutenga mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari nemabhenji evaya vaitengesa njiva.+ 13 Uye akati kwavari: “Zvakanyorwa kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera,’+ asi imi muri kuiita bako remakororo.”+ 14 Uyewo, mapofu nevanokamhina vakauya kwaari mutemberi, akavarapa.
15 Vapristi vakuru nevanyori pavakaona zvinhu zvinoshamisa zvaakaita+ uye vakomana vakanga vachishevedzera mutemberi vachiti: “Tapota, ponesai,+ Mwanakomana waDhavhidhi!”+ vakatsamwa, 16 vakati kwaari: “Unonzwa here zviri kutaura ava?” Jesu akati kwavari: “Hungu. Hamuna kumboverenga+ here izvi, zvokuti, ‘Makaita kuti mumuromo mevacheche nevanoyamwa mubude kurumbidza’?”+ 17 Achivasiya shure, akabuda kunze kweguta, akaenda kuBhetani, akarara ikoko.+
18 Paakanga achidzokera kuguta mangwanani-ngwanani, akanzwa nzara.+ 19 Akaona muonde pedyo nomugwagwa, akaenda kwauri, asi hapana chaakawana pauri+ kunze kwemashizha chete, akati kwauri: “Ngaparege kuva nechibereko chinobva kwauri nokusingaperi.”+ Muonde wacho wakabva waoma. 20 Asi vadzidzi pavakaona izvi, vakashamisika, vachiti: “Sei muonde wabva waoma?”+ 21 Achipindura, Jesu akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana muine kutenda uye muine chokwadi nazvo,+ hamuzongoiti zvandaita kumuonde, asiwo kana mukati kugomo iri, ‘Simuka uwire mugungwa,’ zvichaitika.+ 22 Zvinhu zvose zvamunokumbira mumunyengetero, muine kutenda, muchazvigamuchira.”+
23 Zvino apinda mutemberi, vapristi vakuru nevarume vakuru vevanhu vakauya kwaari paakanga achidzidzisa vakati:+ “Unoita zvinhu izvi nesimba ripi? Uye ndiani akakupa simba iri?”+ 24 Achipindura, Jesu akati kwavari: “Iniwo, ndichakubvunzai chinhu chimwe chete. Kana mukandiudza, iniwo ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi:+ 25 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani rwakabvepi? Rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu?”+ Asi vakatanga kufunga pakati pavo, vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati kwatiri, ‘Saka nei musina kumutenda?’+ 26 Asi, kana tikati, ‘Rwakabva kuvanhu,’ tinotya boka revanhu,+ nokuti vose vanoti Johani muprofita.”+ 27 Naizvozvo vachipindura Jesu, ivo vakati: “Hatizivi.” Iyewo, akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.+
28 “Munofungei? Mumwe murume akanga aine vana vaviri.+ Achienda kune wokutanga, akati, ‘Mwana, enda ushande mumunda wemizambiringa nhasi.’ 29 Achipindura, uyu akati, ‘Ndichadaro, baba,’+ asi haana kuenda. 30 Achisvika kune wechipiri, akataura zvakafanana. Achipindura, uyu akati, ‘Handizoendi.’ Pashure paizvozvo akazvidemba,+ akaenda. 31 Ndoupi wevaviri ava akaita zvaidiwa nababa vake?”+ Ivo vakati: “Wechipiri.” Jesu akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri vateresi nemahure vari kukutangirai kupinda muumambo hwaMwari. 32 Nokuti Johani akauya kwamuri achiratidza nzira yokururama,+ asi hamuna kumutenda.+ Zvisinei, vateresi nemahure vakamutenda,+ uye imi, kunyange makaona izvi, hamuna kuzozvidemba kuti mumutende.
33 “Inzwai mumwe mufananidzo: Kwaiva nomumwe murume, muridzi wemba,+ akadyara munda wemizambiringa, akaukomberedza noruzhowa, akachera chisviniro chewaini mauri, akavaka shongwe,+ akauronzesa varimi, akaenda kunze kwenyika.+ 34 Mwaka wezvibereko pawakasvika, akatuma varanda vake kuvarimi kunotora zvibereko zvake. 35 Zvisinei, varimi vakatora varanda vake, mumwe vakamurova, mumwe vakamuuraya, mumwe vakamutema nematombo.+ 36 Akatumazve vamwe varanda, vazhinji kupfuura vokutanga, asi vakaitira ava zvakafanana.+ 37 Pakupedzisira akatuma mwanakomana wake kwavari, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 38 Varimi vachiona mwanakomana vakataurirana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka;+ uyai, ngatimuurayei titore nhaka yake!’+ 39 Naizvozvo vakamutora, vakamukanda kunze kwomunda wemizambiringa, vakamuuraya.+ 40 Naizvozvo, panouya muridzi womunda wemizambiringa, achaitei kune varimi ivavo?” 41 Ivo vakati kwaari: “Nokuti ivo vakaipa, iye achaunza kuparadzwa kwakaipa+ pavari uye acharonzesa munda wacho wemizambiringa kune vamwe varimi, vachamupa zvibereko pazvinenge zvaibva.”+
42 Jesu akati kwavari: “Hamuna kumboverenga here muMagwaro kuti, ‘Dombo rakarambwa nevavaki+ ndiro razova dombo guru repakona.+ Iri rakabva kuna Jehovha, uye rinoshamisa mumaziso edu’? 43 Ndokusaka ndichiti kwamuri, Muchatorerwa umambo hwaMwari hwopiwa rudzi runobereka zvibereko zvahwo.+ 44 Uyewo, munhu anowira padombo iri achaparara. Kana ari munhu warinowira, richamukuya.”+
45 Zvino vapristi vakuru nevaFarisi vakati vanzwa mifananidzo yake, vakaziva kuti akanga achitaura pamusoro pavo.+ 46 Asi, kunyange vakanga vachitsvaka kumubata, vakatya mapoka evanhu, nokuti ava vaiti iye muprofita.+