Mateu
22 Achipindurazve, Jesu akataura navo achishandisa mifananidzo, achiti:+ 2 “Umambo hwokumatenga hwakafanana nomumwe murume, mambo, akaitira mwanakomana wake mutambo womuchato.+ 3 Akatuma varanda vake kunoshevedza vakakokwa kumutambo womuchato,+ asi vakanga vasingadi kuuya.+ 4 Akatumazve vamwe varanda,+ achiti, ‘Udzai vakakokwa kuti: “Tarirai! Ndagadzirira zvokudya zvangu zvemasikati,+ nzombe dzangu nemhuka dzakakodzwa zvaurayiwa, uye zvinhu zvose zvagadzirwa. Uyai kumutambo womuchato.”’+ 5 Asi ivo vasina hanya nazvo vakaenda, mumwe kumunda wake, mumwe kubasa rake rokutengesa;+ 6 asi vamwe vose, vachibata varanda vake, vakavaitira zvakaipa vakavauraya.+
7 “Asi mambo akashatirwa, akatuma mauto ake, akaparadza mhondi idzodzo, akapisa guta radzo.+ 8 Akabva ati kuvaranda vake, ‘Chokwadi mutambo womuchato wagadzirwa, asi vakakokwa vakanga vasina kukodzera.+ 9 Naizvozvo endai kumigwagwa inobuda muguta, uye kokerai vanhu vose vamunowana kumutambo womuchato.’+ 10 Naizvozvo varanda ivavo vakabuda vakaenda kumigwagwa, vakaunganidza vose vavakawana, vose vakaipa nevakanaka;+ uye imba yemitambo yemichato yakazadzwa nevakanga vakatsenhama+ patafura.
11 “Mambo paakapinda kuti aongorore vaeni akaona mumwe munhu imomo akanga asina kupfeka nguo yomuchato.+ 12 Naizvozvo akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda sei muno usina kupfeka nguo yomuchato?’+ Iye akashaya chokutaura. 13 Mambo akabva ati kuvashandi vake, ‘Musungei maoko nemakumbo mumukande murima riri kunze. Ikoko ndiko kwaachasvimha misodzi ari nokugeda-geda mazino ake.’+
14 “Nokuti kune vazhinji vanokokwa, asi vanosarudzwa vashomanana.”+
15 Zvino vaFarisi vakaenda, vakarangana kuti vamubate pakutaura kwake.+ 16 Naizvozvo vakatuma vadzidzi vavo kwaari, pamwe chete nevateveri vebato raHerodhi,+ vachiti: “Mudzidzisi, tinoziva kuti muri wechokwadi uye munodzidzisa nzira yaMwari muchokwadi, uye hamuna basa nomunhu, nokuti hamutariri kuti vanhu vakaita sei nechokunze.+ 17 Naizvozvo tiudzei, Munofungei? Zvinobvumirwa nomutemo here kutera mutero womunhu wose kuna Kesari kana kuti kwete?”+ 18 Asi Jesu, achiziva uipi hwavo, akati: “Munondiedzerei, imi vanyengeri?+ 19 Ndiratidzei mari inoterwa nomunhu wose.” Vakauya nedhinari kwaari. 20 Iye akati kwavari: “Mufananidzo nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?”+ 21 Ivo vakati: “NdezvaKesari.” Iye akabva ati kwavari: “Naizvozvo, dzorerai zvinhu zvaKesari kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ 22 Naizvozvo, pavakanzwa izvozvo, vakashamiswa, uye vachimusiya vakaenda.+
23 Pazuva iroro vaSadhusi, vaiti hakuna kumuka, vakauya kwaari vakamubvunza kuti:+ 24 “Mudzidzisi, Mosesi akati, ‘Kana murume akafa asina kuva nevana, munun’una wake anofanira kuroora mudzimai wake omutsira mukoma wake vana.’+ 25 Zvino kwaiva nevatevedzani vanomwe vaiva nesu; wokutanga akaroora, akazofa asina vana, akasiyira munun’una wake mudzimai wake.+ 26 Zvakafanana zvakaitikawo kune wechipiri nowechitatu, kusvikira vose vanomwe vapera.+ 27 Pakupedzisira mukadzi wacho akafa. 28 Naizvozvo, pakumuka, achava mudzimai woupi pavanomwe vacho? Nokuti vose vakamuwana.”+
29 Achipindura, Jesu akati kwavari: “Marasika, nokuti hamuzivi Magwaro kana simba raMwari;+ 30 nokuti pakumuka varume havaroori uyewo vakadzi havaroorwi,+ asi vanenge vakaita sengirozi dziri kudenga. 31 Kana kuri kumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa kwamuri naMwari, achiti,+ 32 ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.”+ 33 Mapoka evanhu achinzwa izvozvo, akashamiswa nokudzidzisa kwake.+
34 Pashure pokunge vaFarisi vanzwa kuti akanga aita kuti vaSadhusi vanyarare, vakaungana vari boka rimwe chete. 35 Mumwe wavo, aiziva Mutemo kwazvo,+ akabvunza, achimuedza achiti: 36 “Mudzidzisi, ndoupi murayiro mukuru paMitemo yose?”+ 37 Iye akati kwaari: “‘Ida Jehovha Mwari wako nomwoyo wako wose nomweya wako wose nepfungwa dzako dzose.’+ 38 Uyu ndiwo murayiro mukuru pane yose uye wokutanga. 39 Wechipiri, wakafanana nawo, ndouyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ 40 Mutemo wose, uye Zvakanyorwa nevaprofita zvakavakirwa pamirayiro iyi miviri.”+
41 Zvino vaFarisi pavakanga vakaungana Jesu akavabvunza kuti:+ 42 “Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani?” Ivo vakati kwaari: “WaDhavhidhi.”+ 43 Iye akati kwavari: “Saka sei Dhavhidhi afuridzirwa,+ achimuti ‘Ishe,’ paanoti, 44 ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako”’?+ 45 Naizvozvo, kana Dhavhidhi achimuti ‘Ishe,’ iye mwanakomana wake sei?”+ 46 Hapana munhu akakwanisa kumupindura shoko, kana munhu akatsunga kumubvunzazve kubvira pazuva iroro.+