Mateu
24 Zvino ava kuenda, Jesu akanga achibva patemberi, asi vadzidzi vake vakasvika kuti vamuratidze zvivako zvetemberi.+ 2 Akavapindura akati: “Hamuoni zvinhu zvose izvi here? Chokwadi ndinoti kwamuri, Hapana dombo richazombosiyiwa pano riri pamusoro perimwe dombo risingakoromorwi.”+
3 Paakanga agere paGomo reMiorivhi, vadzidzi vakasvika kwaari vari voga, vachiti: “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu+ nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?”+
4 Zvino achivapindura, Jesu akati: “Chenjerai kuti parege kuva nomunhu anokutsausai;+ 5 nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini Kristu,’ uye vachatsausa vazhinji.+ 6 Muchanzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo; onai kuti hamutyiswi nazvo. Nokuti zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi kuguma kunenge kuchigere.+
7 “Nokuti rudzi ruchamukira rudzi+ noumambo huchamukira umambo,+ uye kuchava nokushomeka kwezvokudya+ nokudengenyeka kwenyika+ munzvimbo nenzvimbo. 8 Zvinhu zvose izvi zvichava kutanga kwemarwadzo enhamo.
9 “Panguva iyoyo vanhu vachakuendesai kuti munotambudzwa+ uye vachakuurayai,+ uye muchavengwa+ nemarudzi ose nokuda kwezita rangu.+ 10 Panguva iyoyowo, vazhinji vachagumburwa,+ vachatengesana uye vachavengana.+ 11 Vaprofita venhema+ vazhinji vachamuka votsausa vanhu vazhinji;+ 12 uye rudo rwevazhinji ruchatonhora+ nokuda kwokuwedzera kwokusateerera mutemo.+ 13 Asi anenge atsungirira+ kusvikira pakuguma ndiye achaponeswa.+ 14 Aya mashoko akanaka+ oumambo+ achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose;+ uye zvadaro kuguma+ kuchasvika.
15 “Naizvozvo, pamunoona chinhu chinonyangadza+ chinokonzera kuparadzwa, chakataurwa nezvacho pachishandiswa muprofita Dhanieri, chimire panzvimbo tsvene,+ (anoverenga ngaashandise ungwaru,) 16 panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira+ kumakomo. 17 Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka kuzobudisa zvinhu mumba make; 18 uye munhu ari mumunda ngaarege kudzokera kumba kuti anotora nguo yake yokunze. 19 Vane nhamo vakadzi vane pamuviri nevaya vanoyamwisa vana mumazuva iwayo!+ 20 Rambai muchinyengetera kuti kutiza kwenyu kurege kuitika munguva yechando, kana pazuva resabata; 21 nokuti panguva iyoyo pachava nokutambudzika kukuru+ kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino,+ aiwa, uyewo hakuzoitikizve. 22 Chokwadi, kudai mazuva iwayo asina kutapudzwa, hapana munhu aizoponeswa; asi mazuva iwayo achatapudzwa+ nokuda kwevakasarudzwa.+
23 “Panguva iyoyo kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai! Heuno Kristu,’+ kana kuti, ‘Hoyo!’ musazvitenda.+ 24 Nokuti vanaKristu venhema+ nevaprofita venhema+ vachamuka uye vachaita zviratidzo zvikuru+ nezvishamiso kuti kana zvichibvira vatsause kunyange vakasarudzwa.+ 25 Tarirai! Ndafanokunyeverai.+ 26 Naizvozvo, kana vanhu vakati kwamuri, ‘Tarirai! Ari murenje,’ musabuda; ‘Tarirai! Ari mudzimba dzomukati,’ musazvitenda.+ 27 Nokuti sokubuda kunoita mheni+ kumativi okumabvazuva ichipenyera kumativi okumavirira, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.+ 28 Chero kunenge kuine mutumbi, ndiko kuchaunganira makondo.+
29 “Kutambudzika kwemazuva iwayo kuchangobva kuitika zuva richasviba,+ uye mwedzi+ hauzobudisi chiedza chawo, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba okumatenga achazununguswa.+ 30 Panguva iyoyo chiratidzo choMwanakomana womunhu+ chichaoneka kudenga, uye ipapo madzinza ose epanyika achazvirova achichema,+ uye achaona Mwanakomana womunhu achiuya ari pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru.+ 31 Iye achatuma ngirozi dzake nokurira kukuru kwebhosvo,+ uye dzichaunganidza vakasarudzwa vake+ vachibva kumhepo ina,+ kubvira kumugumo mumwe wematenga kusvikira kune mumwe mugumo wao.
32 “Zvino dzidzai chinhu ichi pamuonde somufananidzo: Bazi rawo duku parinongova nyoro ropfumvutira, munoziva kuti zhizha rava pedyo.+ 33 Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu zvose izvi, zivai kuti iye ava pedyo pamasuo.+ 34 Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino+ hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. 35 Denga nenyika zvichapfuura,+ asi mashoko angu haazombopfuuri.+
36 “Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa,+ kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga.+ 37 Nokuti sezvakanga zvakaita mazuva aNoa,+ ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.+ 38 Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa+ muareka;+ 39 uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose,+ ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. 40 Panguva iyoyo varume vaviri vachange vari mumunda: mumwe achaendwa naye uye mumwe achasiyiwa; 41 vakadzi vaviri vachange vachikuya paguyo rimwe chete:+ mumwe achaendwa naye uye mumwe achasiyiwa.+ 42 Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi kuti Ishe wenyu ari kuuya zuva ripi.+
43 “Asi zivai chinhu chimwe chete, kuti kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yokurinda,+ angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe. 44 Nokuda kweizvi, nemiwo ivai vakagadzirira,+ nokuti Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.
45 “Chokwadi ndiani muranda akatendeka,+ akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera?+ 46 Anofara+ muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika! 47 Chokwadi ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.+
48 “Asi kana muranda akaipa iyeye akati mumwoyo make,+ ‘Tenzi wangu ari kunonoka,’+ 49 akatanga kurova vamwe varanda saiye uye akadya nokunwa nezvidhakwa zvinozivikanwa, 50 tenzi womuranda iyeye achauya pazuva raasingatarisiri uye muawa+ yaasingazivi, 51 achamuranga zvakaoma kwazvo+ uye achamupa mugove wake pamwe chete nevanyengeri. Ikoko ndiko kwaachasvimha misodzi ari nokugeda-geda mazino ake.+