Mateu
6 “Chenjerai kuti murege kuita zvakarurama+ pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana mukadaro hamuzowani mubayiro kuna Baba venyu vari kumatenga. 2 Nokudaro paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni,+ usaridza bhosvo+ pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagogi nomumigwagwa, kuti vakudzwe nevanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana. 3 Asi iwe, paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni, usaita kuti ruoko rwako rworuboshwe ruzive zviri kuitwa norudyi rwako, 4 kuti zvipo zvako zvaunopa varombo uchivanzwira ngoni zvive pakavanda; ipapo Baba vako vari kuona vari pakavanda vachakuripa.+
5 “Uyewo, pamunonyengetera, musava sevanyengeri; nokuti ivo vanoda kunyengetera vakamira+ mumasinagogi nepamharadzano dzenzira dzakafara kuti vaonekwe nevanhu.+ Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana. 6 Zvisinei, iwe paunonyengetera, pinda muimba yako+ uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako vari pakavanda;+ ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa. 7 Asi paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana,+ sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofunga kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko mazhinji. 8 Naizvozvo, musazvifananidza navo, nokuti Mwari Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda+ musati mambovakumbira.
9 “Saka, munofanira kunyengetera seizvi:+
“‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu+ ngaritsveneswe.+ 10 Umambo hwenyu+ ngahuuye. Kuda kwenyu+ ngakuitwe panyika,+ sezvakunoitwa kudenga. 11 Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi;+ 12 uye tikanganwirei zvivi* zvedu, sezvatakanganwirawo vakatitadzira.+ 13 Musatipinza mumuedzo,+ asi tinunurei pane akaipa.’+
14 “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo;+ 15 asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.+
16 “Pamunenge muchitsanya,+ regai kuva nechiso chakasuruvara sevanyengeri, nokuti ivo vanoshatisa zviso zvavo kuti vaonekwe nevanhu kuti vari kutsanya.+ Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana. 17 Asi iwe, paunenge uchitsanya, zora musoro wako mafuta ugeze chiso chako,+ 18 kuti urege kuonekwa nevanhu kuti uri kutsanya, asi naBaba vako vari pakavanda;+ ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa.
19 “Regai kuzviunganidzira pfuma+ panyika, pane chitemamachira nengura zvinodya, uye pane mbavha dzinopaza dzoba. 20 Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga,+ kusina chitemamachira kana ngura zvinodya,+ uye kusina mbavha dzinopaza dzoba. 21 Nokuti pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.
22 “Rambi romuviri iziso.+ Zvino, kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchava wakajeka; 23 asi kana ziso rako rakaipa,+ muviri wako wose uchava nerima. Chokwadi kana chiedza chiri mauri riri rima, rakakura sei rima iroro!+
24 “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho,+ kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.+
25 “Nokuda kweizvi ndinoti kwamuri: Regai kuzvidya mwoyo+ pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.+ Mweya haurevi zvinopfuura zvokudya uye muviri kupfuura zvipfeko here?+ 26 Nyatsocherechedzai shiri+ dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here?+ 27 Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?+ 28 Uyewo, munozvidyirei mwoyo pamusoro penyaya yezvokupfeka? Dzidzai kumaruva+ omusango, kukura kwawo; haashandi nesimba, uyewo haaruki; 29 asi ndinoti kwamuri kunyange naSoromoni+ mukubwinya kwake kwose haana kushonga serimwe reaya. 30 Zvino, kana Mwari achipfekedza zvinomera zvomusango saizvozvo, zviripo nhasi uye mangwana zvinokandwa muchoto, haangatokupfekedzei kwazvo here, imi vane kutenda kuduku?+ 31 Naizvozvo musambozvidya mwoyo+ muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’ 32 Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.+
33 “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake,+ uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.+ 34 Naizvozvo, musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera,+ nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.