Mateu
7 “Regai kutonga+ kuti murege kutongwawo; 2 nokuti nokutonga kwamuri kutonga nako, muchatongwawo nako;+ uye nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.+ 3 Saka, unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingafungi danda riri muziso rako?+ 4 Kana ungati sei kuhama yako, ‘Rega ndibvise kabanzu muziso rako’; asi, tarira! danda riri muziso rako?+ 5 Munyengeri! Tanga wabvisa danda muziso rako, ipapo uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.
6 “Musapa imbwa zvinhu zvitsvene,+ kana kukanda maparera enyu pamberi penguruve, kuti dzirege kumboatsika-tsika+ netsoka dzadzo dzotendeuka dzokubvamburai.
7 “Rambai muchikumbira,+ uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza,+ uye muchazarurirwa. 8 Nokuti munhu wose anokumbira anogamuchira,+ uye munhu wose anotsvaka anowana, uye munhu wose anogogodza achazarurirwa. 9 Chokwadi, ndiani pakati penyu angakumbirwa chingwa nomwanakomana wake+—iye omutambidza dombo? 10 Kana kuti, zvichida, angakumbirwa hove—iye omutambidza nyoka? 11 Naizvozvo, kana imi, kunyange makaipa,+ muchiziva kupa vana venyu zvipo zvakanaka, Baba venyu vari kumatenga vachapa zvikuru sei zvinhu zvakanaka+ kune vaya vanovakumbira!
12 “Naizvozvo, zvinhu zvose zvamunoda kuti vanhu vakuitirei,+ vaitireiwo saizvozvo; izvi, chokwadi, ndizvo zvinorehwa noMutemo neZvakanyorwa nevaprofita.+
13 “Pindai nepagedhi rakamanikana;+ nokuti mugwagwa wakafara uye wakapamhama unoenda mukuparadzwa, uye vazhinji ndivo vanopinda nawo; 14 asi gedhi rakamanikana uye mugwagwa wakatetepa unoenda kuupenyu, uye vashomanana ndivo vanouwana.+
15 “Chenjererai vaprofita venhema+ vanouya kwamuri vakapfeka nguo dzemakwai,+ asi mukati vari mhumhi dzinoparadza.+ 16 Muchavaziva nezvibereko+ zvavo. Vanhu vanombotanha mazambiringa paminzwa kana maonde parukato here?+ 17 Saizvozvowo muti wose wakanaka unobereka chibereko chakanaka, asi muti wose wakaora unobereka chibereko chisingabatsiri;+ 18 muti wakanaka haugoni kubereka chibereko chisingabatsiri, nomuti wakaora haugoniwo kubereka chibereko chakanaka. 19 Muti wose usingabereki chibereko chakanaka unotemerwa pasi wokandwa mumoto.+ 20 Saka muchaziva vanhu ivavo nezvibereko zvavo.+
21 “Haasi munhu wose anoti kwandiri, ‘Ishe, Ishe,’ achapinda muumambo hwokumatenga, asi uya anoita+ kuda kwaBaba vangu vari kumatenga.+ 22 Pazuva iroro vazhinji vachati kwandiri, ‘Ishe, Ishe,+ hatina kuprofita muzita renyu, nokudzinga madhimoni muzita renyu, nokuita mabasa mazhinji esimba muzita renyu here?’+ 23 Asi ndichabva ndavataurira pachena kuti: Handina kumbokuzivai!+ Ibvai kwandiri, imi vasingateereri mutemo.+
24 “Naizvozvo munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake padombo guru.+ 25 Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo nesimba, asi haina kuwa, nokuti yakanga yavakirwa padombo guru. 26 Uyezve, munhu wose anonzwa mashoko angu aya asingaaiti+ achafananidzwa nomurume akapusa,+ akavakira imba yake pajecha. 27 Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo+ iyo ikawa, uye yakawondomoka zvachose.”+
28 Zvino Jesu paakapedza mashoko aya, boka revanhu rakashamiswa+ nemadzidzisiro ake; 29 nokuti akanga achivadzidzisa somunhu ane chiremera,+ kwete sevanyori vavo.