Mako
11 Zvino pavakanga vava kuda kusvika kuJerusarema, kuBhetifage neBhetani+ paGomo reMiorivhi, akatuma vaviri vevadzidzi vake,+ 2 akavaudza kuti: “Pindai mumusha wamuri kuona, uye mangopinda mauri muchawana mwana wembongoro akasungirirwa, asati ambotasviwa nomunhu; musunungurei muuye naye.+ 3 Kana munhu akati kwamuri, ‘Muri kuitirei izvi?’ muti, ‘Ishe anomuda, uye achakurumidza kumudzosa pano.’”+ 4 Naizvozvo vakaenda, vakawana mwana wembongoro akasungirirwa pasuo, kunze mumugwagwa weparutivi, vakamusunungura.+ 5 Asi vamwe vevaya vakanga vakamira ipapo vakatanga kuti kwavari: “Muri kusunungurirei mwana wembongoro?”+ 6 Ivo vakavaudza zvakanga zvataurwa naJesu chaizvo; uye vakabva vavarega vachienda.+
7 Zvino vakauya nomwana wembongoro+ kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo dzokunze pamusoro pake, iye akamutasva.+ 8 Uyewo, vazhinji vakawaridza nguo dzavo dzokunze+ mumugwagwa, asi vamwe vakatema tumapazi+ twune mashizha musango.+ 9 Zvino vaya vakanga vachifamba vari mberi nevakanga vachitevera mushure vakaramba vachishevedzera vachiti: “Tapota, ponesai!+ Akakomborerwa iye anouya muzita raJehovha!+ 10 Hwakakomborerwa umambo hunouya hwababa vedu Dhavhidhi!+ Tapota, ponesai, muri kumusorosoro!” 11 Zvino akapinda muJerusarema, mutemberi; akatarira-tarira pazvinhu zvose, uye, zvayakanga yatova awa yemanheru, akabuda, akaenda kuBhetani nevane gumi nevaviri.+
12 Zuva rakatevera racho, pavakanga vabuda muBhetani, akanzwa nzara.+ 13 Zvino ari kure zvishoma akaona muonde wakanga uine mashizha, akaenda kunoona kana zvimwe aizowana chimwe chinhu pauri. Asi, paakasvika pauri, hapana chaakawana kunze kwemashizha, nokuti wakanga usiri mwaka wemaonde.+ 14 Naizvozvo, akabva ati kwauri: “Ngaparege kuva nomunhu anodya zvibereko zvinobva kwauri nokusingaperi.”+ Uye vadzidzi vake vakanga vachiteerera.
15 Zvino vakasvika kuJerusarema. Ikoko akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vaitengesa nokutenga mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari nemabhenji evaya vaitengesa njiva;+ 16 uye hapana munhu waaibvumira kuti atakure mudziyo achipfuura nomutemberi, 17 asi akaramba achidzidzisa achiti: “Hazvina here kunyorwa kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yokunyengeterera+ yemarudzi ose’?+ Asi imi maiita bako remakororo.”+ 18 Zvino vapristi vakuru nevanyori vakazvinzwa, vakatanga kutsvaka nzira yokumuparadza nayo;+ nokuti vaimutya, nokuti boka rose revanhu rairamba richishamiswa nokudzidzisa kwake.+
19 Zvino ava manheru, ivo vaibuda muguta. 20 Asi pavakanga vachipfuura mangwanani-ngwanani, vakaona muonde watooma kubvira kumidzi.+ 21 Naizvozvo Petro, achizviyeuka, akati kwaari: “Rabhi, onai! muonde wamakatuka waoma.”+ 22 Zvino achipindura, Jesu akati kwavari: “Ivai nokutenda muna Mwari. 23 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wose anoudza gomo iri kuti, ‘Simuka uwire mugungwa,’ aine chokwadi nazvo mumwoyo make uye achitenda kuti zvaanotaura zvichaitika, zvichaitika saizvozvo kwaari.+ 24 Ndokusaka ndichikuudzai kuti, Zvinhu zvose zvamunonyengeterera nezvamunokumbira ivai nokutenda kwokuti matozvigamuchira, uye muchava nazvo.+ 25 Pamunomira muchinyengetera, kanganwirai+ zvinhu zvose zvamakakanganisirwa nomunhu; kuti Baba venyu vari kumatenga vakukanganwireiwo kudarika kwenyu.”+ 26 ——
27 Zvino vakasvikazve kuJerusarema. Zvaakanga achifamba mutemberi, vapristi vakuru nevanyori nevarume vakuru vakauya kwaari,+ 28 vakatanga kuti kwaari: “Unoita zvinhu izvi nesimba ripi? kana kuti ndiani akakupa simba iri kuti uite zvinhu izvi?”+ 29 Jesu akati kwavari: “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Ndipindurei, uye iniwo ndichakuudzai kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.+ 30 Rubhabhatidzo+ rwaiitwa naJohani rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.”+ 31 Naizvozvo vakatanga kufunga pakati pavo, vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’+ 32 Asi tingatsunga here kuti, ‘Rwakabva kuvanhu’?”—Ivo vakanga vachitya boka revanhu, nokuti vose ava vaiti Johani aiva muprofita zvechokwadi.+ 33 Naizvozvo, vachipindura Jesu, ivo vakati: “Hatizivi.” Zvino Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndinoita zvinhu izvi nesimba ripi.”+