Mako
5 Zvino vakasvika mhiri kwegungwa munyika yevaGerasa.+ 2 Achangobva kubuda muchikepe, mumwe munhu aidzorwa nesimba romudzimu usina kuchena akasangana naye achibva kumakuva.+ 3 Aigara kumakuva; uye kusvikira panguva iyoyo hapana kana munhu aimbokwanisa kumusunga zvakasimba kunyange necheni, 4 nokuti akanga asungwa kazhinji nezvisungo zvomumakumbo necheni, asi aidimbura cheni nepakati uye chokwadi aidimbura zvisungo zvomumakumbo; uye hapana munhu akanga aine simba rokumukunda. 5 Usiku nemasikati, airamba achingoshevedzera ari kumakuva nomumakomo achizvicheka-cheka nematombo. 6 Asi paakaona Jesu ari kure zvishoma, akamhanya, akamupfugamira, 7 uye, paakanga ashevedzera nenzwi guru,+ akati: “Ndinei nemi, Jesu, Mwanakomana waMwari Wokumusorosoro?+ Ndinoita kuti mupike+ naMwari kuti murege kundirwadzisa.”+ 8 Nokuti iye akanga ave achiuudza kuti: “Buda mumunhu uyu, iwe mudzimu usina kuchena.”+ 9 Asi akatanga kumubvunza kuti: “Unonzi ani?” Iye akati kwaari: “Ndinonzi Rigiyoni,+ nokuti tiri vazhinji.”+ 10 Akamuteterera kazhinji kuti arege kudzinga midzimu yacho munyika iyoyo.+
11 Zvino pakanga paine boka guru renguruve+ dzakanga dzichifura pagomo.+ 12 Naizvozvo iyo yakamuteterera, ichiti: “Titumirei munguruve, kuti tipinde madziri.” 13 Iye akaibvumira. Naizvozvo midzimu isina kuchena yakabuda, ikapinda munguruve; uye boka racho rakamhanya nepamawere rikapinda mugungwa, nguruve dzinenge zviuru zviviri, dzikanyura mugungwa dzichitevedzana.+ 14 Asi vafudzi vadzo vakatiza, vakanozvitaura muguta nomuruwa; uye vanhu vakauya kuzoona kuti chii chakanga chaitika.+ 15 Naizvozvo vakauya kuna Jesu, vakaona munhu aimbova nemadhimoni akagara akapfeka, ava munhu kwaye, murume uyu aimbova neboka guru remadhimoni; uye vakatya. 16 Uyewo, vaya vakanga vazviona vakarondedzera kwavari maitikiro azvakanga zvaita kumunhu akanga aine dhimoni uye pamusoro penguruve. 17 Naizvozvo vakatanga kumuteterera kuti abve mumaruwa avo.+
18 Zvino zvaakanga achikwira chikepe, munhu uya aimbova nemadhimoni akatanga kumuteterera kuti arambe ainaye.+ 19 Zvisinei, haana kumubvumira, asi akati kwaari: “Enda kumba kuhama dzako,+ udziudze zvinhu zvose zvawaitirwa naJehovha+ nengoni+ dzaakuitira.” 20 Zvino akaenda, akatanga kuzivisa muDhekaporisi+ zvinhu zvose zvaakaitirwa naJesu, uye vanhu vose vakashamisika.+
21 Pashure pokunge Jesu ayambukirazve mhiri ari muchikepe, boka guru revanhu rakamuunganira; uye iye akanga ari parutivi pegungwa.+ 22 Zvino mumwe wevakuru vaitungamirira sinagogi, ainzi Jairosi, akasvika uye, paakamuona, akawira patsoka dzake,+ 23 akamuteterera kazhinji, achiti: “Mwanasikana wangu muduku arwara kwazvo. Ndapota mungauya here muise maoko enyu+ paari kuti apore, ararame.”+ 24 Akabva aenda naye. Boka guru revanhu rakanga richimutevera richimumomotera.+
25 Zvino kwakanga kuine mukadzi aibuda ropa+ kwemakore gumi nemaviri,+ 26 akanga arwadziswa kazhinji navanachiremba+ vazhinji uye akanga apedza pfuma yake yose uye akanga asina kubatsirwa, asi, akanga atonyanyisa kurwara. 27 Paakanzwa zvinhu zvaitaurwa nezvaJesu, akauya nechomushure meboka revanhu, akabata+ nguo yake yokunze; 28 nokuti akaramba achiti: “Kana ndikangobata nguo yake yokunze ndichapora.”+ 29 Tsime rake reropa rakabva rangooma, akanzwa mumuviri make kuti akanga aporeswa chirwere chinotambudza.+
30 Uyewo, Jesu akabva aziva kuti simba+ rakanga rabuda maari, akatendeuka ari muboka revanhu, akatanga kuti: “Ndiani abata nguo dzangu dzokunze?”+ 31 Asi vadzidzi vake vakatanga kuti kwaari: “Muri kuona boka revanhu richikumomoterai,+ asi moti, ‘Ndiani andibata?’” 32 Zvisinei, iye akanga achitarira-tarira kuti aone iye akanga aita izvi. 33 Asi mukadzi wacho, achitya uye achidedera, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya, akawira pasi pamberi pake, akamuudza chokwadi chose.+ 34 Iye akati kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda norugare,+ uve noutano hwakanaka pachirwere chako chinotambudza.”+
35 Achiri kutaura, vamwe varume vakabva kumba kwomukuru aitungamirira sinagogi vakasvika vakati: “Mwanasikana wenyu afa! Muchiri kunetserei henyu mudzidzisi?”+ 36 Asi Jesu, achingoita manzwira shoko raitaurwa, akati kumukuru aitungamirira sinagogi: “Usatya, ingotenda chete.”+ 37 Zvino hapana munhu waakabvumira kumutevera kunze kwaPetro naJakobho naJohani munun’una waJakobho.+
38 Naizvozvo vakasvika pamba pomukuru aitungamirira sinagogi, akaona boka raiita nyonganyonga noruzha nevaya vaisvimha misodzi vachiungudza kwazvo, 39 uye, pashure pokunge apinda, akati kwavari: “Muri kuitirei nyonganyonga noruzha muchisvimha misodzi? Mwana muduku haana kufa, asi akarara.”+ 40 Ivo vakatanga kumuseka vachimuzvidza. Asi, avabudisa vose, akatora baba naamai vomwana wacho muduku nevaya vaaiva navo, akapinda makanga muine mwana muduku.+ 41 Achibata ruoko rwomwana wacho muduku, akati kwaari: “Tarita kumi,” zvinoreva kuti: “Musikana, ndinoti kwauri, Muka!”+ kana zvashandurwa. 42 Musikana wacho akabva angomuka, akatanga kufamba, nokuti akanga aine makore gumi nemaviri. Pakarepo ivo vakanga vasingachabatiki nomufaro mukuru kwazvo.+ 43 Asi akavarayira avarayirazve kuti vasaita kuti mumwe munhu azive+ nezvazvo, uye akataura kuti apiwe chokudya.