Ruka
21 Zvino paakatarira akaona vapfumi vachidonhedzera zvipo zvavo mumidziyo yokuisa mari.+ 2 Akabva aona imwe chirikadzi yaishayiwa ichidonhedzera imomo tumari tuviri twaisambokosha,+ 3 uye akati: “Chokwadi ndinokuudzai kuti, Chirikadzi iyi, kunyange iri murombo, yadonhedzera kupfuura zvavaita vose.+ 4 Nokuti ava vose vadonhedzera zvipo vachibvisa pamari yavo yakasara, asi mukadzi uyu adonhedzera achibvisa pakushayiwa kwake zvose zvokurarama nazvo zvaanga ainazvo.”+
5 Gare gare, vamwe zvavakanga vachitaura pamusoro petemberi, kuti yakanga yakashongedzwa sei nematombo akanaka kwazvo uye nezvinhu zvakatsaurirwa,+ 6 iye akati: “Kana zviri zvinhu izvi zvamuri kuona, mazuva achauya pasingazosiyiwi pano dombo riri pamusoro perimwe dombo risingakoromorwi.”+ 7 Vakabva vamubvunza, vachiti: “Mudzidzisi, chokwadi zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo zvinhu izvi pazvinofanira kuitika?”+ 8 Iye akati: “Chenjerai kuti hamutsauswi;+ nokuti vazhinji vachauya nezita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye, ‘Nguva yakakodzera yaswedera.’+ Musavatevera. 9 Uyezve, pamunonzwa nezvehondo nenyonganyonga, musatya.+ Nokuti zvinhu izvi zvinofanira kutanga zvaitika, asi kuguma hakuitiki pakarepo.”
10 Akabva ati kwavari: “Rudzi ruchamukira rudzi,+ noumambo huchamukira umambo;+ 11 kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo nenzvimbo muchava nematenda nokushomeka kwezvokudya;+ kuchava nezvinoonekwa zvinotyisa uye zviratidzo zvikuru zvichabva kudenga.+
12 “Asi zvinhu izvi zvose zvisati zvaitika, vanhu vachakubatai, vokutambudzai,+ vachikuendesai mumasinagogi nomumajeri, muchiendeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna nokuda kwezita rangu.+ 13 Zvichakuitai kuti mupupurire.+ 14 Naizvozvo gadzikanai mumwoyo menyu kuti musafanodzokorora kuti muchazvidzivirira sei,+ 15 nokuti ndichakupai muromo nouchenjeri, husingazokwanisi kudziviswa kana kupokanidzwa nevashori venyu vose vari pamwe chete.+ 16 Zvakare, muchaiswa kuvatongi kunyange nevabereki+ nevakoma nehama neshamwari, uye vachauraya vamwe venyu;+ 17 uye muchavengwa nevanhu vose nokuda kwezita rangu.+ 18 Asi hapana kana bvudzi rimwe chete+ romusoro wenyu richaparara. 19 Muchawana mweya yenyu nokutsungirira kwenyu.+
20 “Uyezve, pamunoona Jerusarema rakombwa+ nemauto akadzika misasa, panguva iyoyo zivai kuti rava kuda kuitwa dongo.+ 21 Panguva iyoyo vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo, nevaya vari mukati maro ngavabude, uye vaya vari kumaruwa ngavarege kupinda mariri;+ 22 nokuti aya mazuva okururamisira, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa zvizadzike.+ 23 Vane nhamo vakadzi vane pamuviri nevaya vanoyamwisa vana mumazuva iwayo!+ Nokuti panyika pachava nokutambudzika kukuru uye pachava nehasha pamusoro pevanhu ivava; 24 vachaparadzwa nomuromo webakatwa uye vachaendeswa kumarudzi ose vari nhapwa;+ uye Jerusarema richatsikwa-tsikwa nemamwe marudzi, kusvikira nguva dzakatarwa+ dzemamwe marudzi dzakwana.
25 “Uyewo, kuchava nezviratidzo pazuva+ nepamwedzi nepanyeredzi, uye kurwadziwa kwazvo kwemarudzi panyika, asingazivi nzira yokubuda nayo nokuda kwokutinhira kwegungwa+ nokusagadzikana kwaro,+ 26 vanhu vachipera simba nokutya+ uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro penyika inogarwa;+ nokuti masimba okudenga achazununguswa.+ 27 Panguva iyoyo vachaona Mwanakomana womunhu+ achiuya ari mugore aine simba nokubwinya kukuru.+ 28 Asi panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”
29 Naizvozvo akavaudza mufananidzo, achiti: “Cherechedzai muonde nemimwe miti yose:+ 30 Kana yava kutotungira, pamunoicherechedza munoziva kuti zvino zhizha rava pedyo.+ 31 Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu izvi zvichiitika, zivai kuti umambo hwaMwari hwava pedyo.+ 32 Chokwadi ndinoti kwamuri, Chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose zvaitika.+ 33 Denga nenyika zvichapfuura,+ asi mashoko angu haazombopfuuri.+
34 “Asi zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa+ nokuzvidya mwoyo+ nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo+ 35 seriva.+ Nokuti richauya pane vaya vose vanogara pamusoro penyika yose.+ 36 Saka rambai makamuka,+ muchigara muchiteterera+ kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.”+
37 Naizvozvo masikati iye ainge achidzidzisa mutemberi,+ asi usiku aibuda achinogara kugomo rainzi Gomo reMiorivhi.+ 38 Vanhu vose+ vaiuya kwaari mangwanani-ngwanani mutemberi kuzomunzwa.