Ruka
4 Zvino Jesu, azere nomudzimu mutsvene, akabva kuJodhani, akaendeswa nomudzimu kuno nokoko murenje,+ 2 kwemazuva makumi mana,+ paaiedzwa+ naDhiyabhorosi. Uyezve, hapana chaakadya mumazuva iwayo, naizvozvo, iwo paakanga apera, iye akanzwa nzara. 3 Dhiyabhorosi akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, udza dombo iri kuti rive chingwa.” 4 Asi Jesu akamupindura kuti: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete.’”+
5 Naizvozvo akamukwidza kumusoro uye munguva pfupi pfupi akamuratidza umambo hwose hwenyika inogarwa; 6 uye Dhiyabhorosi akati kwaari: “Ndichakupa simba+ pane hwose uhwu nokubwinya kwahwo, nokuti hwakaiswa kwandiri, uye ndinohupa chero wandinoda.+ 7 Naizvozvo, iwe, kana ukangondinamata+ kamwe chete, zvose zvichava zvako.” 8 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako+ ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’”+
9 Zvino akaenda naye kuJerusarema, akamumisa pamusoro porusvingo+ rwetemberi, akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi uchibva pano;+ 10 nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Iye acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, kuti dzikuchengetedze,’+ 11 uye, ‘Dzichakutakura pamaoko adzo, kuti tsoka yako irege kumbogumburwa nedombo.’”+ 12 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Zvinonzi, ‘Usaedza Jehovha Mwari wako.’”+ 13 Naizvozvo apedza kuedza kwose, Dhiyabhorosi akamusiya kusvikira pane imwe nguva yakakodzera.+
14 Zvino Jesu akadzokera kuGarireya+ aine simba romudzimu. Uye mashoko akanaka pamusoro pake akapararira munyika yose yakapoteredza.+ 15 Uyewo, akatanga kudzidzisa mumasinagogi avo, achikudzwa navose.+
16 Zvino akasvika kuNazareta,+ kwaakanga arererwa; uye, maererano netsika yake pazuva resabata, akapinda musinagogi,+ akasimuka kuti averenge. 17 Naizvozvo akagamuchidzwa mupumburu womuprofita Isaya, uye akavhura mupumburu wacho, akawana pakanga pakanyorwa kuti: 18 “Mudzimu waJehovha+ uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo, akandituma kuti ndiparidze kusunungurwa kunhapwa uye kuzoita kuti mapofu aone, kuzoita kuti vakadzvinyirirwa vaende vakasununguka,+ 19 kuti ndiparidze gore rakakodzera raJehovha.”+ 20 Naizvozvo akapeta mupumburu, akaudzorera kumushandi, akagara pasi; uye maziso evanhu vose vaiva musinagogi akanga akanyatsomutarira. 21 Iye akabva atanga kuti kwavari: “Nhasi rugwaro urwu rwamuchangobva kunzwa rwazadzika.”+
22 Zvino vose vakatanga kumupupurira zvakanaka vachishamiswa nemashoko anofadza+ aibuda mumuromo make, uye vakanga vachiti: “Uyu haasi iye mwanakomana waJosefa here?”+ 23 Iye akati kwavari: “Chokwadi muchashandisa mufananidzo uyu kwandiri, wokuti, ‘Chiremba,+ zvirape; zvinhu+ zvatakanzwa kuti zvakaitika muKapenaume+ zviitewo muno munharaunda yokumusha kwako.’”+ 24 Asi iye akati: “Chokwadi ndinokuudzai kuti hapana muprofita anogamuchirwa munharaunda yokumusha kwake. 25 Somuenzaniso, ndinokuudzai chokwadi kuti, Kwaiva nechirikadzi zhinji pakati paIsraeri mumazuva aEriya, denga parakavharwa kwemakore matatu nemwedzi mitanhatu, zvokuti nzara huru yakavapo panyika yose,+ 26 asi Eriya haana kutumirwa kune mumwe wevakadzi ivavo, asi kuZarefati+ chete iri munyika yeSidhoni kune imwe chirikadzi. 27 Uyewo, kwaiva nevakanga vaine maperembudzi vazhinji pakati paIsraeri munguva yomuprofita Erisha, asi hapana kana mumwe wavo akacheneswa, kunze kwaNaamani murume wokuSiriya.”+ 28 Zvino vose vaya vainzwa zvinhu izvi vari musinagogi vakatsamwa kwazvo;+ 29 uye vakasimuka, vakakurumidza kumubudisira kunze kweguta, vakaenda naye kumawere egomo pakanga pakavakirwa guta ravo, kuti vamusundidzire pasi nomusoro.+ 30 Asi akapfuura nepakati pavo, akaramba achienda.+
31 Zvino akaburukira kuKapenaume,+ guta reGarireya. Iye akanga achivadzidzisa pasabata; 32 uye vakashamiswa nemadzidzisiro ake,+ nokuti kutaura kwake kwakanga kuine chiremera.+ 33 Zvino musinagogi maiva nomumwe murume aiva nomudzimu,+ dhimoni risina kuchena, uye akashevedzera nenzwi guru achiti: 34 “Aa! Tinei nemi,+ imi Jesu wokuNazareta?+ Mauya kuzotiparadza here? Ndinonyatsoziva+ kuti ndimi ani, Mutsvene waMwari.”+ 35 Asi Jesu akarituka, achiti: “Nyarara, ubude maari.” Naizvozvo, pashure pokunge rakanda murume wacho pasi pakati pavo, dhimoni racho rakabuda maari risina kumukuvadza.+ 36 Ipapo, vose vakakatyamadzwa, vakatanga kukurukurirana, vachiti: “Uku kutaura kworudzii, nokuti anorayira midzimu isina kuchena nechiremera nesimba, iyo yobva yabuda?”+ 37 Naizvozvo mashoko pamusoro pake akaramba achipararira mumakona ose enyika yakapoteredza.+
38 Pashure pokunge abuda musinagogi, akapinda mumba maSimoni. Zvino amai vomudzimai waSimoni vakanga vachitambudzika nefivha yakasimba kwazvo, uye vakavakumbirira kwaari.+ 39 Naizvozvo akamira pavaiva, akatuka fivha,+ ikapera. Vakabva vasimuka, vakatanga kuvashumira.+
40 Asi zuva parakanga rava kuvira, vose vaiva nevanhu vanorwara nezvirwere zvakasiyana-siyana vakauya navo kwaari. Akavarapa nokuisa maoko ake pane mumwe nomumwe wavo.+ 41 Uyewo madhimoni aibuda mune vazhinji,+ achishevedzera achiti: “Ndimi Mwanakomana+ waMwari.” Asi, achiatuka, haana kuabvumira kuti ataure,+ nokuti iwo aimuziva+ kuti ndiKristu.+
42 Zvisinei, pakwakaedza, akabuda, akaenda kunzvimbo yakanga isina vanhu.+ Asi mapoka evanhu akatanga kumutsvaka kwose kwose vakasvika kwaakanga ari, uye vakaedza kumudzivisa kuti asabve kwavari. 43 Asi iye akati kwavari: “Ndinofanirawo kuzivisa mashoko akanaka oumambo hwaMwari kune mamwe maguta, nokuti ndakatumirwa izvozvi.”+ 44 Naizvozvo akaramba achiparidza mumasinagogi eJudhiya.+