Ruka
5 Panguva yaakanga akamira pedyo negungwa reGenesareti,+ boka revanhu rakanga richimumomotera richiteerera shoko raMwari. 2 Akaona zvikepe zviviri zvakamiswa pamhenderekedzo yenyanza, asi vabati vehove vakanga vabuda mazviri vachigeza mambure avo.+ 3 Achikwira mune chimwe chezvikepe zvacho, chakanga chiri chaSimoni, akamukumbira kubva zvishoma panyika yakaoma. Akabva agara pasi, akatanga kudzidzisa mapoka evanhu ari muchikepe chacho.+ 4 Paakarega kutaura, akati kuna Simoni: “Enda pakadzika, mudzikise mambure+ enyu kuti mubate.” 5 Asi Simoni achipindura, akati: “Murayiridzi, usiku hwose tashanda zvakaoma tikasabata chinhu,+ asi nokuti marayira ndichadzikisa mambure.” 6 Naizvozvo, pavakaita izvozvi, vakabata hove zhinjizhinji. Chokwadi, mambure avo akatanga kubvaruka. 7 Naizvozvo vakaninira vamwe vavo vaiva mune chimwe chikepe kuti vauye kuzovabatsira;+ uye ivo vakauya, vakazadza zvikepe zvose zviri zviviri, zvokuti zvakatanga kunyura. 8 Achiona izvi, Simoni Petro+ akawira pasi pamabvi aJesu, achiti: “Ibvai kwandiri Ishe, nokuti ndiri munhu anotadza.”+ 9 Nokuti iye nevaya vose vaaiva navo vakakatyamadzwa kwazvo nehove dzavakabata, 10 ndizvo zvakaitawo Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi,+ vaishanda pamwe chete naSimoni. Asi Jesu akati kuna Simoni: “Rega kutya. Kubvira zvino uchange uchibata vanhu vari vapenyu.”+ 11 Naizvozvo vakadzosa zvikepe kunyika yakaoma, vakasiya zvinhu zvose vakamutevera.+
12 Pane imwe nguva zvakare ari mune rimwe remaguta acho, tarira! paiva nomumwe murume akanga akazara maperembudzi! Paakaona Jesu akawira pasi nechiso chake, akamukumbira, achiti: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”+ 13 Naizvozvo, achitambanudza ruoko rwake, akamubata, achiti: “Ndinoda. Cheneswa.” Maperembudzi acho akabva angonyangarika paari.+ 14 Zvino akarayira murume wacho kuti arege kuudza munhu,+ achiti: “Asi enda uzviratidze kumupristi,+ upe chinopiwa+ chine chokuita nokucheneswa kwako, sezvakarayirwa naMosesi, kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 15 Asi shoko pamusoro pake rakanga richipararira zvakanyanya, uye mapoka makuru evanhu aiungana kuti ateerere uye kuti arapwe zvirwere zvawo.+ 16 Zvisinei, iye akaramba ari oga murenje achinyengetera.+
17 Pane rimwe remazuva acho akanga achidzidzisa, uye vaFarisi nevadzidzisi vomutemo vakanga vabva mumisha yose yeGarireya neJudhiya neJerusarema vakanga vagere ipapo; uye simba raJehovha rakanga riripo kuti iye aporese.+ 18 Uye tarira! paiva nevanhu vakanga vakatakura murume akanga akaoma rutivi rwomuviri ari pamubhedha, uye vakanga vachitsvaka nzira yokumupinza nayo uye kumuisa pamberi pake.+ 19 Naizvozvo, vashayiwa nzira yokumupinza nayo nokuda kweboka revanhu, vakakwira padenga, vakamudzikisa ari pakamubhedha kake nepadenga remba pane vaya vakanga vari pamberi paJesu.+ 20 Paakaona kutenda kwavo akati: “Iwe murume, zvivi zvako zvakanganwirwa.”+ 21 Pakarepo vanyori nevaFarisi vakatanga kufunga, vachiti: “Uyu ndiani ari kumhura?+ Ndiani anogona kukanganwira zvivi kunze kwaMwari oga?”+ 22 Asi Jesu, achiziva kufunga kwavo, akavapindura achiti: “Muri kufungei mumwoyo menyu?+ 23 Ndezvipi zviri nyore, kuti, ‘Wakanganwirwa zvivi zvako,’ kana kutaura kuti, ‘Simuka ufambe’?+ 24 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana womunhu ane simba rokukanganwira zvivi panyika—” iye akati kumurume akanga akaoma rutivi rwomuviri: “Ndinoti kwauri, Simuka utore kamubhedha kako uende hako kumba.”+ 25 Akabva asimuka pamberi pavo, akanhonga chaairarira, akaenda hake kumba kwake, achikudza Mwari.+ 26 Vose vakabva vashamiswa kwazvo,+ vakatanga kukudza Mwari, vakatya, vachiti: “Nhasi taona zvinhu zvitsva!”+
27 Zvino pashure pezvinhu izvi, iye akabuda, akaona muteresi ainzi Revhi akagara pahofisi yomutero, akati kwaari: “Iva muteveri wangu.”+ 28 Achisiya zvinhu zvose+ akasimuka, akatanga kumutevera. 29 Uyewo, Revhi akamugadzirira mutambo mukuru wokumugamuchira mumba make; uye pakanga paine boka guru revateresi nevamwe vavaiva navo vakatsenhama vachidya.+ 30 VaFarisi nevanyori vavo vakatanga kugunun’unira vadzidzi vake, vachiti: “Nei muchidya nokunwa nevateresi nevatadzi?”+ 31 Achipindura, Jesu akati kwavari: “Vakagwinya havadi chiremba,+ asi vaya vanorwara vanomuda.+ 32 Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.”+
33 Ivo vakati kwaari: “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vanoteterera, ndizvo zvinoitawo vevaFarisi, asi vako vanodya nokunwa.”+ 34 Jesu akati kwavari: “Mungaita kuti shamwari dzomuroori dzitsanye muroori achiri nadzo here?+ 35 Asi chokwadi mazuva achauya padzichatorerwa+ muroori;+ idzo dzichabva dzatsanya mumazuva iwayo.”+
36 Uyezve, akabva avapa mufananidzo achiti: “Hapana munhu anocheka chigamba panguo yokunze itsva ochisonera panguo yokunze tsaru; asi kana akadaro, chigamba chitsva chinobva chaibvarura uye chigamba chinenge chatorwa panguo itsva hachifanani neyekare.+ 37 Uyezve, hapana munhu anoisa waini itsva muhombodo tsaru dzewaini; asi kana akadaro, waini itsva ichabva yaparura hombodo dzewaini,+ uye icharasika, hombodo dzewaini dzoparara.+ 38 Asi waini itsva inofanira kuiswa muhombodo itsva dzewaini. 39 Hapana munhu anenge anwa waini yekare anoda itsva; nokuti anoti, ‘Yekare+ inonaka.’”