Johani
4 Zvino, Ishe paakaziva kuti vaFarisi vakanga vanzwa kuti Jesu akanga achiita vadzidzi vazhinji uye achivabhabhatidza+ kupfuura Johani— 2 chokwadi, kunyange zvazvo Jesu asina kubhabhatidza, asi vadzidzi vake vakaita saizvozvo— 3 iye akabva kuJudhiya akaendazve kuGarireya. 4 Asi aifanira kupfuura nomuSamariya.+ 5 Naizvozvo akasvika kuguta reSamariya rainzi Sikari pedyo nomunda uyo Jakobho akapa mwanakomana wake Josefa.+ 6 Chokwadi, tsime raJakobho+ rakanga riri ipapo. Zvino Jesu, aneta norwendo, akanga agere zvake patsime. Yaiva awa inenge yechitanhatu.
7 Mumwe mukadzi muSamariya akauya kuzochera mvura. Jesu akati kwaari: “Ndipewo mvura yokunwa.” 8 (Nokuti vadzidzi vake vakanga vaenda muguta kunotenga zvokudya.) 9 Naizvozvo mukadzi wacho muSamariya akati kwaari: “Sei iwe uchindikumbira mvura yokunwa, pasinei nokuti uri muJudha, ini ndiri mukadzi muSamariya?” (Nokuti vaJudha havadyidzani nevaSamariya.)+ 10 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Kudai wanga waziva chipo+ chaMwari chepachena uye kuti ndiani+ ari kuti kwauri, ‘Ndipewo mvura yokunwa,’ ungadai wamukumbira, uye iye angadai akupa mvura mhenyu.”+ 11 Iye akati kwaari: “Changamire, hamuna kunyange mugomo wokucheresa mvura, uye tsime racho rakadzika. Saka, mvura iyi mhenyu munoitora kupi? 12 Imi muri mukuru+ here kuna tateguru vedu Jakobho, vakatipa tsime racho uye vakanwa mariri ivo pamwe chete nevanakomana vavo nezvipfuwo zvavo?” 13 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Munhu wose anonwa mvura iyi achavazve nenyota. 14 Munhu wose anonwa mvura yandichamupa haazombovizve nenyota,+ asi mvura yandichamupa ichava maari tsime remvura+ inotubuka kuti ipe upenyu husingaperi.”+ 15 Mukadzi wacho akati kwaari: “Changamire, ndipei mvura iyi, kuti ndirege kunzwazve nyota kana kuramba ndichiuya kuno kuzochera mvura.”
16 Iye akati kwaari: “Enda unoshevedza murume wako uuye pano.” 17 Achipindura, mukadzi wacho akati kwaari: “Handina murume.” Jesu akati kwaari: “Wataura zvakanaka kuti, ‘Handina murume.’ 18 Nokuti wakava nevarume vashanu, uye murume wauinaye iye zvino haasi murume wako. Izvi wataura zvechokwadi.” 19 Mukadzi wacho akati kwaari: “Changamire, ndinoona kuti muri muprofita.+ 20 Madzitateguru edu ainamatira mugomo iri;+ asi imi munoti muJerusarema ndimo munofanira kunamatirwa nevanhu.”+ 21 Jesu akati kwaari: “Nditende, iwe mukadzi, Awa iri kuuya pamusingazonamati+ Baba muri mugomo iri kana muJerusarema.+ 22 Imi munonamata chamusingazivi;+ isu tinonamata chatinoziva, nokuti ruponeso runobva kuvaJudha.+ 23 Kunyange zvakadaro, awa iri kuuya, nazvino yatovapo, vanamati vechokwadi pavachanamata Baba nomudzimu+ nechokwadi,+ nokuti, chokwadi, Baba vari kutsvaka vanhu vakadaro kuti vavanamate.+ 24 Mwari Mudzimu,+ uye vanomunamata vanofanira kunamata nomudzimu nechokwadi.”+ 25 Mukadzi wacho akati kwaari: “Ndinoziva kuti Mesiya+ ari kuuya, iye anonzi Kristu.+ Iyeye paanenge angosvika, achatizivisa zvinhu zvose pachena.” 26 Jesu akati kwaari: “Ini ndiri kutaura newe ndini iye.”+
27 Zvino panguva iyi vadzidzi vake vakasvika, vakatanga kushamisika nokuti akanga achitaura nomukadzi. Chokwadi, hapana akati: “Muri kutsvakei?” kana kuti, “Muri kutaurireiko naye?” 28 Naizvozvo, mukadzi wacho akasiya chirongo chake, akaenda muguta, akaudza vanhu kuti: 29 “Uyai kuno muone munhu andiudza zvinhu zvose zvandakaita. Kuti uyu haangavi iye Kristu?”+ 30 Ivo vakabuda muguta, vakatanga kuuya kwaari.
31 Munguva iyoyo vadzidzi vakanga vachimukurudzira, vachiti: “Rabhi,+ idyai.” 32 Asi iye akati kwavari: “Ndine zvokudya zvokuti ndidye zvamusingazivi.” 33 Naizvozvo vadzidzi vakatanga kutaurirana, vachiti: “Kuti pane munhu amuvigira chokudya here?” 34 Jesu akati kwavari: “Zvokudya zvangu+ ndizvo kuti ndiite kuda+ kwaiye akandituma uye kupedza basa rake.+ 35 Hamuti here kuchine mwedzi mina kukohwa kusati kwasvika? Tarirai! Ndinoti kwamuri: Simudzai maziso enyu muone minda kuti yachenera kukohwa.+ Nechekare 36 mukohwi ari kugamuchira mubayiro nokuunganidza zvibereko zvoupenyu husingaperi,+ kuti mudyari+ nomukohwi vafare pamwe chete.+ 37 Naizvozvo, chokwadi, mashoko aya ndeechokwadi okuti, Mumwe mudyari uye mumwe mukohwi. 38 Ndakakutumai kuti mukohwe zvamusina kushandira. Vamwe vakashanda,+ uye imi mapinda mune zvavakashandira.”
39 Zvino vaSamariya vazhinji vomuguta iroro vakatenda+ maari nokuda kweshoko romukadzi akapupura achiti: “Andiudza zvinhu zvose zvandakaita.”+ 40 Naizvozvo vaSamariya pavakauya kwaari, vakatanga kumukumbira kuti agare navo; uye akagara ikoko mazuva maviri.+ 41 Naizvozvo vamwezve vazhinji vakatenda nokuda kwezvaakataura,+ 42 uye vakatanga kuti kumukadzi wacho: “Hatichangotendi nokuti wataura; nokuti tazvinzwira+ uye tinoziva kuti munhu uyu chokwadi ndiye muponesi+ wenyika.”
43 Pashure pemazuva maviri akabva ipapo, akaenda kuGarireya.+ 44 Zvisinei, Jesu, akapupura kuti muprofita haakudzwi munyika yokumusha kwake.+ 45 Naizvozvo, paakasvika muGarireya, vaGarireya vakamugamuchira, nokuti vakanga vaona zvinhu zvose zvaakaita muJerusarema pamutambo,+ nokuti naivowo vakanga vaenda kumutambo wacho.+
46 Naizvozvo akauyazve kuKana+ reGarireya, kwaakanga achinja mvura kuva waini.+ Zvino paiva nomumwe mushandi wamambo aiva nomwanakomana akanga achirwara muKapenaume.+ 47 Murume uyu paakanzwa kuti Jesu akanga abuda muJudhiya akapinda muGarireya, akaenda kwaari, akatanga kumukumbira kuti aburuke, aporese mwanakomana wake, nokuti akanga ava kuda kufa. 48 Zvisinei, Jesu akati kwaari: “Imi hamuzombotendi kunze kwokunge maona zviratidzo+ nezvishamiso.”+ 49 Mushandi wamambo akati kwaari: “Ishe, burukai mwana wangu muduku asati afa.” 50 Jesu akati kwaari: “Enda;+ mwanakomana wako mupenyu.”+ Murume wacho akatenda shoko raakaudzwa naJesu, akaenda. 51 Asi paakanga achienda hake varanda vake vakasangana naye kuti vataure kuti mwanakomana wake mupenyu.+ 52 Naizvozvo akatanga kuvabvunza awa yaakanzwa zviri nani. Naizvozvo ivo vakati kwaari: “Fivha+ yakapera nezuro paawa yechinomwe.” 53 Naizvozvo baba vacho vakaziva kuti yakanga iri awa iyoyo chaiyo+ iyo Jesu akati kwavari: “Mwana wako mupenyu.” Zvino iye neveimba yake yose vakatenda.+ 54 Zvakare ichi chakanga chiri chiratidzo chechipiri+ chakaitwa naJesu paakabuda muJudhiya achipinda muGarireya.