Mabasa
16 Naizvozvo iye akasvika kuDhebhe uyewo kuRistra.+ Uye tarira! paiva nomumwe mudzidzi ainzi Timoti,+ mwanakomana womukadzi muJudha aiva mutendi asi baba vake vari muGiriki, 2 iye aipupurirwa zvakanaka kwazvo nehama dzomuRistra neIkoniyumu. 3 Pauro akataura kuti aida kuenda nomurume uyu, akamutora akamudzingisa+ nokuda kwevaJudha vaiva munzvimbo idzodzo, nokuti vose vaiziva kuti baba vake vaiva muGiriki. 4 Zvino zvavaifamba nomumaguta vaipa vakanga varimo mirayiro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema kuti vachengete.+ 5 Naizvozvo, chokwadi, ungano dzakaramba dzichisimbiswa pakutenda+ uye dzichiwedzera vanhu vazhinji zuva nezuva.
6 Zvakare, vakapfuura nomuFrijiya nomunyika yeGaratiya,+ nokuti vakarambidzwa nomudzimu mutsvene kutaura shoko muruwa rweEzhiya. 7 Uyezve, pavakasvika kuMisiya vakaedza kupinda muBhitiniya,+ asi mudzimu waishandiswa naJesu hauna kuvabvumira. 8 Naizvozvo vakapfuura pedyo neMisiya vakaburukira kuTroasi.+ 9 Pauro akaona chiratidzo+ usiku: mumwe murume muMakedhoniya akanga akamira achimuteterera achiti: “Yambukirai kuMakedhoniya mutibatsire.” 10 Zvino nokukurumidza pashure pokunge aona chiratidzo chacho, takatsvaka kuenda kuMakedhoniya,+ tichigumisa kuti Mwari akanga atishevedza kuti tizivise mashoko akanaka kwavari.
11 Naizvozvo takapinda mugungwa tichibva kuTroasi, tikafamba takananga kuSamotrasi, asi zuva rakatevera takananga kuNeaporisi, 12 uye tichibva ipapo takaenda kuFiripi,+ guta raiva pasi peRoma, riri guta rinokosha roruwa rweMakedhoniya.+ Takaramba tiri muguta iri, tikapedza mazuva akati kuti. 13 Nezuva resabata takabuda kunze kwegedhi pedyo norwizi, pataifunga kuti paiva nenzvimbo yokunyengeterera; uye takagara pasi, tikatanga kutaura nevakadzi vakanga vaungana. 14 Mumwe mukadzi ainzi Ridhiya, mutengesi wenguo dzepepuru, wokuguta reTiyatira+ uye aiva munamati waMwari, akanga achiteerera, uye Jehovha akanyatsovhura mwoyo wake+ kuti ateerere zvinhu zvakanga zvichitaurwa naPauro. 15 Zvino iye neveimba yake pavakabhabhatidzwa,+ akateterera achiti: “Kana muchiona kuti ndakatendeka kuna Jehovha, pindai mumba mangu, mugare.”+ Uye akangoita kuti tipinde.+
16 Zvino patakanga tichienda kunzvimbo yokunyengeterera, takasangana nomumwe mushandikadzi akanga aine mudzimu,+ dhimoni rokushopera.+ Aiwanisa vanatenzi vake pfuma zhinji+ nokufembera. 17 Musikana uyu akaramba achitevera Pauro nesu achishevedzera+ nemashoko okuti: “Varume ava varanda vaMwari Wokumusorosoro, vari kukuparidzirai nzira yoruponeso.” 18 Akaramba achiita izvi kwemazuva mazhinji. Pakupedzisira Pauro akaneta nazvo,+ akatendeuka, akati kumudzimu wacho: “Ndinokurayira nezita raJesu Kristu kuti ubude maari.”+ Uye iwo wakabuda maari paawa iyoyo chaiyo.+
19 Zvino, vanatenzi vake pavakaona kuti tariro yavo yokupfuma yakanga yabva,+ vakabata Pauro naSirasi, vakavazvuzvurudzira kuvatongi+ pamusika, 20 uye, vachivaendesa kuvakuru vehurumende, vakati: “Varume ava vari kukanganisa+ guta redu kwazvo, ivo zvavari vaJudha, 21 uye vari kuparidzira tsika+ dzisingabvumirwi nomutemo kuti isu tigamuchire kana kuti tiite, zvatiri vaRoma.” 22 Boka revanhu rakavamukira pamwe chete; uye pashure pokunge vakuru vehurumende vavabvarurira nguo dzokunze vachidzibvisa, vakarayira kuti varohwe neshamhu.+ 23 Pashure pokunge vavarova kwazvo,+ vakavakanda mujeri, vachirayira murindi wejeri kuti anyatsovachengetedza.+ 24 Zvaakanga apiwa murayiro wakadaro, iye akavakanda mujeri+ romukatikati ndokusunga zvakasimba tsoka dzavo mumatanda.+
25 Asi panenge pakati pousiku+ Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera vachirumbidza Mwari norwiyo;+ chokwadi, vamwe vasungwa vakanga vachivanzwa. 26 Kudengenyeka kwenyika kukuru kwakangoerekana kwaitika, zvokuti nheyo dzejeri dzakazununguswa. Zvakare, masuo ose akabva azaruka, uye zvisungo zvavo vose zvakasununguka.+ 27 Murindi wejeri, achimuka pahope uye achiona kuti masuo ejeri akanga akazaruka, akavhomora bakatwa rake uye akanga ava kuda kuzviuraya,+ achifunga kuti vasungwa vacho vakanga vatiza.+ 28 Asi Pauro akashevedzera nenzwi guru, achiti: “Usazvikuvadza,+ nokuti tose tiri muno!” 29 Naizvozvo akakumbira zvokuvhenekesa, akasvetukira imomo uye, achidedera, akawira pasi+ pamberi paPauro naSirasi. 30 Akavabudisa kunze, akati: “Madzichangamire, ndingaitei+ kuti ndiponeswe?” 31 Ivo vakati: “Tenda munaShe Jesu uye uchaponeswa,+ iwe neveimba yako.”+ 32 Vakamutaurira shoko raJehovha nevaya vose vaiva mumba make.+ 33 Akaenda navo muawa iyoyo yousiku, akavashambidza maronda avo; uye, vose zvavo, iye nevokwake vakabhabhatidzwa+ pakarepo. 34 Akavapinza mumba make, akagadzira tafura yezvokudya pamberi pavo, akafara kwazvo neimba yake yose zvaakanga atenda Mwari.
35 Pakwakanga kwaedza, vakuru vehurumende+ vakatuma mapurisa kunoti: “Sunungura varume vaya.” 36 Naizvozvo murindi wejeri akaudza Pauro mashoko avo achiti: “Vakuru vehurumende vatuma vanhu kuti imi vaviri musunungurwe. Naizvozvo, budai muende henyu norugare.” 37 Asi Pauro akati kwavari: “Vakatirova pamberi pevanhu vose tisina kupiwa mhosva, isu vanhu vaRoma,+ vakatikanda mujeri; uye zvino vava kutikanda kunze pachivande here? Aiwa, hazviiti! asi ngavauye vatibudise ivo.” 38 Naizvozvo mapurisa akaudza vakuru vehurumende mashoko aya. Ava vakatanga kutya pavakanzwa kuti varume vacho vaiva vaRoma.+ 39 Naizvozvo vakauya, vakavateterera uye, pashure pokuvabudisa, vakavakumbira kubva muguta iroro. 40 Asi ivo vakabuda mujeri, vakaenda kumba kwaRidhiya, uye pavakaona hama vakadzikurudzira,+ vakabva vaenda.