Mabasa
21 Zvino patakanga taparadzana navo, tava mugungwa, takafamba takarurama, tikasvika kuKosi, asi zuva rakatevera racho takasvika kuRodzi, uye tichibva ipapo takasvika kuPatara. 2 Patakanga tawana chikepe chaiyambukira kuFenikiya, takakwira chikepe chacho tikaenda. 3 Pashure pokunge taona chitsuwa cheKupro+ takachipfuura chiri kurutivi rwokuruboshwe, tikafamba nechikepe takananga kuSiriya,+ tikamira muTire, nokuti chikepe chaifanira kututunura zvachakanga chakatakura+ ipapo. 4 Takazowana vadzidzi taita zvokuvatsvaka uye takagara pano kwemazuva manomwe. Asi vatungamirirwa nomudzimu+ vakaudza Pauro kazhinji kuti arege kumbotsika zvake muJerusarema. 5 Naizvozvo patakanga tapedza mazuva acho, takabva, tikatanga rwendo rwedu; asi ivo vose, pamwe chete nevakadzi nevana, vakatiperekedza kusvika kunze kweguta. Uye tichipfugama+ pamhenderekedzo, takanyengetera, 6 tikaonekana+ navo, uye isu takakwira muchikepe asi ivo vakadzokera kudzimba dzavo.
7 Takabva tapedza rwendo rwokubva kuTire, tikasvika kuToremai, tikakwazisa hama, tikagara nadzo zuva rimwe chete. 8 Zuva rakatevera racho takabva, tikasvika kuKesariya,+ tikapinda mumba maFiripi muevhangeri, akanga ari mumwe wevarume vaya vanomwe,+ tikagara naye. 9 Murume uyu aiva nevanasikana vana, mhandara, dzaiprofita.+ 10 Asi zvatakagara mazuva mazhinji, mumwe muprofita ainzi Agabhasi+ akaburuka achibva kuJudhiya, 11 akauya kwatiri, akatora bhandi raPauro, akazvisunga makumbo nemaoko, akati: “Izvi ndizvo zvinotaura mudzimu mutsvene, ‘VaJudha vachasunga+ muridzi webhandi iri seizvi muJerusarema vomuisa+ mumaoko evanhu vemamwe marudzi.’” 12 Zvino patakanzwa izvi, isu nevaya vepanzvimbo iyoyo takatanga kumuteterera kuti arege kukwira+ kuJerusarema. 13 Pauro akabva apindura kuti: “Muri kuitei muchisvimha misodzi+ uye muchindishayisa simba mumwoyo?+ Ivai nechokwadi chokuti handina kungogadzirira kusungwa, asi kutofirawo+ zita raShe Jesu kuJerusarema.” 14 Patakatadza kumudzivisa, takabvuma nemashoko okuti: “Kuda+ kwaJehovha ngakuitike.”
15 Zvino pashure pemazuva iwaya takagadzirira rwendo rwacho, tikatanga kukwira kuJerusarema.+ 16 Asi vamwe vevadzidzi vaibva kuKesariya+ vakaendawo nesu, kuti vatisvitse pamba pomumwe munhu aizogara nesu, Minasoni wokuKupro, mumwe wevadzidzi vepakutanga. 17 Patakasvika muJerusarema,+ hama dzakatigamuchira nomufaro.+ 18 Asi pazuva rakatevera Pauro akaenda nesu kuna Jakobho;+ uye varume vakuru vose vakanga varipo. 19 Akavakwazisa, akatanga kurondedzera zvinhu zvose+ zvakaitwa naMwari pakati pemamwe marudzi noushumiri hwake.+
20 Pashure pokunge vanzwa izvi vakatanga kukudza Mwari, vakati kwaari: “Unoona, hama, kuti zviuru zvevatendi zviri pakati pevaJudha zvingani; uye vose vanoshingairira Mutemo.+ 21 Asi vakanzwa runyerekupe pamusoro pako kuti wanga uchidzidzisa vaJudha vose vari pakati pemamwe marudzi kuti varambe Mosesi,+ uchivaudza kuti varege kudzingisa+ vana vavo kana kufamba mutsika dzavo dzakarongwa. 22 Saka, zvoitwa sei? Kunyange zvakadaro vachangonzwa kuti wasvika. 23 Naizvozvo ita izvi zvatinokuudza: Tine varume vana vakaita mhiko. 24 Enda nevarume ava,+ uzvichenese sezvinodiwa netsika uinavo, uripe,+ kuti misoro yavo iveurwe.+ Naizvozvo vanhu vose vachaziva kuti hapana chiripo pamusoro porunyerekupe rwavakaudzwa nezvako, asi kuti uri kufamba zvakanaka, iwe uchichengetawo Mutemo.+ 25 Kana vari vatendi vanobva pakati pemamwe marudzi, takatumira shoko, tichivaudza zvatakasarudza kuti vanofanira kuzvidzora pane zvakabayirwa zvidhori,+ neropa,+ nezvakadzipwa,+ noufeve.”+
26 Pauro akabva aenda nevarume vacho zuva rakatevera, akazvichenesa ainavo sezvaidiwa netsika,+ akapinda mutemberi, kuti anozivisa mazuva aifanira kupedzwa+ nokuda kwokucheneswa sezvinodiwa netsika, kusvikira chinopiwa+ chacho chapiwa nokuda kwomumwe nomumwe wavo.+
27 Zvino mazuva manomwe+ paakanga ava kuda kupera, vaJudha vokuEzhiya pavakamuona mutemberi vakatanga kunyonganisa boka rose revanhu,+ uye vakamubata, 28 vachishevedzera kuti: “Vanhu vaIsraeri, tibatsireiwo! Uyu ndiye munhu anodzidzisa vanhu vose kwose kwose zvinopesana nevanhu+ noMutemo nenzvimbo ino, uyezve, atouya mutemberi nevaGiriki uye asvibisa nzvimbo ino tsvene.”+ 29 Nokuti vakanga vamboona Trofimo+ wokuEfeso ainaye muguta, asi vakanga vachifunga kuti Pauro akanga auya naye mutemberi. 30 Guta rose rakaita mheremhere,+ vanhu vakamhanya pamwe chete; uye vakabata Pauro, vakamuzvuzvurudzira kunze kwetemberi.+ Uye masuo akabva avharwa. 31 Pavakanga vachida kumuuraya, mashoko akasvika kumutungamiriri weboka revarwi kuti Jerusarema rose rakanga ranyongana;+ 32 uye iye akabva atora varwi nevakuru veuto, akamhanyira kwavaiva.+ Pavakaona mutungamiriri wehondo+ nevarwi, vakarega kurova Pauro.
33 Mutungamiriri wehondo akabva asvika pedyo, akamubata, akarayira kuti asungwe necheni mbiri;+ uye akatanga kubvunza kuti aiva ani uye kuti akanga aitei. 34 Asi vamwe vaiva muboka revanhu vakatanga kushevedzera ichi, vamwe vachishevedzera icho.+ Naizvozvo, asingakwanisi kuziva chero chinhu chipi zvacho chechokwadi nokuda kwemheremhere yacho, akarayira kuti aunzwe kudzimba dzevarwi.+ 35 Asi paakasvika pamatanho, zvinhu zvakanga zvaipa zvokuti akanga ototakurwa nevarwi nokuda kwechisimba chaiitwa neboka revanhu; 36 nokuti vanhu vazhinji vakaramba vachitevera, vachishevedzera kuti: “Mubvisei!”+
37 Zvino zvaakanga ava kuda kupinzwa mudzimba dzevarwi, Pauro akati kumutungamiriri wehondo: “Ndinobvumirwa here kutaura chimwe chinhu kwamuri?” Iye akati: “Unogona kutaura chiGiriki here? 38 Chokwadi hausi iwe muIjipiti akamutsa kumukira+ mazuva aya apfuura, akatungamirira varume vane zviuru zvina vakanga vaine mapanga kuenda kurenje here?” 39 Pauro akabva ati: “Chokwadi, ini ndiri muJudha,+ wokuTaso+ iri muKirikiya, handisi mugari weguta risinganyatsozivikanwi. Naizvozvo ndinokukumbirai, ndibvumirei kuti nditaure nevanhu ava.” 40 Pashure pokunge amubvumira, Pauro, akamira pamatanho, akaninira+ vanhu noruoko rwake. Kunyarara kukuru pakwakavapo, akataura navo nomutauro wechiHebheru,+ achiti: