Mabasa
9 Asi Sauro, achiine shungu dzokutyisidzira nokuponda+ vadzidzi+ vaShe, akaenda kumupristi mukuru, 2 akamukumbira tsamba dzokuenda nadzo kumasinagogi aiva muDhamasiko, kuti auye kuJerusarema nevarume nevakadzi, chero vapi zvavo vaaizowana vaiva veNzira Iyi,+ vakasungwa.
3 Zvino zvaaifamba, akasvika pedyo neDhamasiko, chiedza chakabva kudenga pachakangoerekana chamupenyera kumativi ose,+ 4 akawira pasi, akanzwa inzwi richiti kwaari: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei?”+ 5 Iye akati: “Ndimi ani, Ishe?” Akati: “Ndini Jesu, wauri kutambudza.+ 6 Zvisinei, simuka+ upinde muguta, uye uchaudzwa zvaunofanira kuita.” 7 Zvino varume vakanga vachifamba naye+ vakanga vakamira vashaya kana chokutaura,+ chokwadi, vachinzwa inzwi,+ asi vasingaoni kana munhu. 8 Asi Sauro akasimuka, uye kunyange zvazvo maziso ake akanga akasvinura hapana chaaiona.+ Naizvozvo vakamubata ruoko, vakapinda naye muDhamasiko. 9 Kwemazuva matatu hapana kana chaakaona,+ uye haana kudya kana kunwa.
10 MuDhamasiko maiva nomumwe mudzidzi ainzi Ananiyasi,+ uye Ishe akati kwaari pane zvaakaratidzwa: “Ananiyasi!” Iye akati: “Ndiri pano, Ishe.” 11 Ishe akati kwaari: “Simuka, enda kumugwagwa unonzi Wakarurama, uye tsvaka murume anonzi Sauro anobva kuTaso,+ pamba paJudhasi. Nokuti, tarira! iye ari kunyengetera, 12 uye pane zvaaratidzwa aona munhu anonzi Ananiyasi achipinda, akaisa maoko ake paari kuti aonezve.”+ 13 Asi Ananiyasi akapindura kuti: “Ishe, ndakanzwa nevazhinji pamusoro pomurume uyu, kuti zvinhu zvizhinji sei zvinokuvadza zvaakaitira vatsvene venyu muJerusarema. 14 Nomuno ane simba rakabva kuvapristi vakuru kuti asunge vose vanodana zita renyu.”+ 15 Asi Ishe akati kwaari: “Chienda hako, nokuti kwandiri murume uyu mudziyo wakasarudzwa+ kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi+ nokumadzimambo+ nevanakomana vaIsraeri. 16 Nokuti ndichamuratidza pachena kuti zvinhu zvizhinji sei zvaanofanira kutambura nokuda kwezita rangu.”+
17 Naizvozvo Ananiyasi akaenda, akapinda mumba macho, uye akaisa maoko ake paari, akati: “Sauro, hama, Ishe, iye Jesu akazviratidza kwauri mumugwagwa wawakanga uchiuya nawo, andituma, kuti uonezve uye uzadzwe nomudzimu mutsvene.”+ 18 Mumaziso ake makabva madonha zvinenge mafunurwa, uye iye akaonazve; akasimuka akabhabhatidzwa, 19 uye akadya zvokudya akawana simba.+
Akagara muDhamasiko+ kwemazuva akati, aine vadzidzi, 20 uye akabva atanga kuparidza Jesu+ mumasinagogi, kuti Uyu ndiye Mwanakomana waMwari. 21 Asi vose vaimunzwa vaikatyamadzwa uye vaiti: “Uyu haasi iye murume akaparadza+ vaya vaiva muJerusarema vanodana zita iri here, uye kuti akanga auyira izvozvi muno, kuti aende navo vakasungwa kuvapristi vakuru?”+ 22 Asi Sauro akaramba achiwana simba kwazvo uye akanga achishamisa kwazvo vaJudha vaigara muDhamasiko sezvaairatidza nenzira inonzwisisika kuti Jesu ndiye Kristu.+
23 Zvino mazuva akati wandei paakanga ava kuda kupera, vaJudha vakarangana pamwe chete kuti vamuuraye.+ 24 Zvisinei, kurangana kwavo pamusoro pake kwakazivikanwa naSauro. Asi ivo vakanga vachinyatsorindawo magedhi masikati nousiku kuti vamuuraye.+ 25 Naizvozvo vadzidzi vake vakamutora, vakamuburutsa usiku nepakanga pakazaruka parusvingo, vachimudzikisa ari mudengu.+
26 Paakasvika muJerusarema+ akaedza kubatana nevadzidzi; asi vose vaimutya, nokuti havana kutenda kuti akanga ari mudzidzi. 27 Naizvozvo Bhanabhasi akamuyamura,+ akaenda naye kuvaapostora, akavaudza zvose kuti akanga aona sei Ishe+ ari mumugwagwa, kuti akanga ataura naye,+ uye kuti muDhamasiko+ akanga ataura sei noushingi nezita raJesu. 28 Akaramba ainavo, achipinda nokubuda muJerusarema, achitaura noushingi nezita raShe;+ 29 uye aitaura nokuitirana nharo nevaJudha vaitaura chiGiriki. Asi ava vakaedza kumuuraya.+ 30 Hama padzakacherechedza izvi, dzakaburukira naye kuKesariya dzikamutumira kuTaso.+
31 Chokwadi, ungano+ yacho muJudhiya mose nomuGarireya nomuSamariya yakabva yapinda munguva yorugare, ichivakwa; uye yakaramba ichiwedzera zvayaifamba ichitya Jehovha+ uye ichinyaradzwa nomudzimu mutsvene.+
32 Zvino Petro zvaakanga achifamba nomumativi ose akasvikawo kuvatsvene vaigara muRidha.+ 33 Imomo akawana mumwe murume ainzi Eniyasi, akanga apedza makore masere akarara pakamubhedha kake, zvaakanga akaoma rutivi rwomuviri. 34 Petro akati kwaari:+ “Eniyasi, Jesu Kristu anokuporesa.+ Simuka upete mubhedha wako.” Iye akabva asimuka. 35 Vose vaigara muRidha nebani reSharoni+ vakamuona, uye ivava vakatendeukira kunaShe.+
36 Asi muJopa+ maiva nomumwe mudzidzi ainzi Tabhita, zvinoreva kuti Dhokasi, kana zvashandurwa. Aiita mabasa mazhinji akanaka+ okupa varombo zvipo zvokuvanzwira ngoni. 37 Asi mumazuva iwayo akarwara, akafa. Naizvozvo vakamushambidza, vakamuradzika muimba yepamusoro. 38 Zvino Ridha zvarakanga riri pedyo neJopa,+ vadzidzi pavakanzwa kuti Petro akanga ari muguta iri vakatuma varume vaviri kwaari kuti vamuteterere vachiti: “Tapota usazengurira kusvika kuno kwatiri.” 39 Petro akasimuka, akaenda navo. Paakasvika, vakapinda naye muimba yepamusoro; uye chirikadzi dzose dzakauya kwaari dzichisvimha misodzi dzichimuratidza nguo dzomukati nedzokunze+ zhinji dzaiitwa naDhokasi paakanga ainavo.+ 40 Asi Petro akabudisa vanhu vose panze+ uye, achipfugama, akanyengetera, uye, achitendeukira kumutumbi wacho, akati: “Tabhita, muka!” Iye akasvinura uye paakaona Petro, iye akamuka akagara.+ 41 Achimutambanudzira ruoko rwake, akamusimudza,+ akashevedza vatsvene nechirikadzi, akamuisa kwavari ari mupenyu.+ 42 Izvi zvakazivikanwa muJopa mose, uye vazhinji vakatenda munaShe.+ 43 Akaramba ari muJopa kwemazuva mazhinji+ nomumwe munhu ainzi Simoni, musukuti wematehwe.+