VaRoma
3 Saka, muJudha+ anopfuura vamwe pachii, kana kuti kudzingiswa kunobatsirei?+ 2 Anopfuura vamwe munzira dzose. Kutanga, nokuti vakachengeteswa mashoko matsvene aMwari.+ 3 Saka, nyaya yacho ndeyei? Kana vamwe vasina kuratidza kutenda,+ kushayiwa kwavo kutenda zvichida kuchaita kuti kutendeka+ kwaMwari kushaye basa here?+ 4 Izvozvo ngazvirege kumboitika! Asi Mwari ngaawanikwe ari wechokwadi,+ kunyange zvazvo vanhu vose vangawanikwa vari varevi venhema,+ sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Kuti muve akarurama mumashoko enyu uye mukunde pamhosva inenge ichitongwa.”+ 5 Zvisinei, kana kusarurama kwedu kuchiita kuti kururama kwaMwari+ kuoneke, tichatii? Mwari haana kururama+ here paanoratidza hasha dzake? (Ndiri kutaura sezvinoita vanhu.)+ 6 Izvozvo ngazvirege kumboitika! Kana zvikadaro, Mwari achatonga sei nyika?+
7 Asi kana chokwadi chaMwari+ chakakwidziridzwa kwazvo kuti iye akudzwe nokuda kwenhema dzangu, nei iniwo ndiri kutongwa somutadzi?+ 8 Tinoregererei kutaura, sokupomerwa zvenhema+ kwatinoitwa uye sokutaura kunoita vamwe vanhu vachiti tinoti: “Ngatiitei zvinhu zvakaipa kuti zvinhu zvakanaka zviuye”?+ Kutongwa+ kwevanhu ivavo kuri maererano nokururamisira.+
9 Saka? Tiri munzvimbo iri nani here?+ Kana! Nokuti pamusoro apa tapa vaJudha nevaGiriki mhosva yokuti vose vari pasi pechivi;+ 10 sokunyorwa kwazvakaitwa, kuti: “Hapana munhu akarurama, kana mumwe chete zvake;+ 11 hapana ane njere, hapana anotsvaka Mwari.+ 12 Vanhu vose vakatsauka, vose zvavo pamwe chete vakava vasina zvavanobatsira; hapana anoitira vamwe mutsa, hapana kunyange nomumwe chete.”+ 13 “Huro dzavo iguva rakavhurika, vakanyengera nendimi dzavo.”+ “Uturu hwenyoka huri mumiromo yavo.”+ 14 “Miromo yavo izere nokutuka nokutaura kunovava.”+ 15 “Tsoka dzavo dzinokurumidzira kuteura ropa.”+ 16 “Kuparadza nenhamo zviri munzira dzavo,+ 17 uye havana kuziva nzira yorugare.”+ 18 “Kutya Mwari hakusi pamberi pavo.”+
19 Zvino tinoziva kuti zvinhu zvose zvinotaura Mutemo+ unozvitaura kune vaya vari pasi poMutemo, kuti miromo yose idziviswe+ uye nyika yose ive yakakodzerwa+ nechirango chinobva kuna Mwari.+ 20 Naizvozvo hapana munhu achanzi akarurama+ pamberi pake nokuda kwemabasa omutemo, nokuti zivo yakarurama pamusoro pechivi+ inoitwa kuti ivepo nomutemo.+
21 Asi zvino pasina mutemo kururama kwaMwari+ kwakaratidzwa pachena, zvakunopupurirwa+ noMutemo+ neZvakanyorwa nevaprofita;+ 22 chokwadi, kururama kwaMwari kunobva mukutenda muna Jesu Kristu,+ nokuda kwevaya vose vane kutenda.+ Nokuti hapana musiyano.+ 23 Nokuti vanhu vose vakatadza,+ vakakundikana kusvika pakubwinya kwaMwari,+ 24 uye vari kunzi vakarurama pachishandiswa mutsa wake usina kukodzera kuwanwa+ nokusunungurwa norudzikinuro+ rwakabhadharwa naKristu Jesu, sechipowo zvacho chepachena.+ 25 Mwari akaita kuti iye ave sechinopiwa chokuyananisa+ nokutenda muropa rake.+ Izvi zvakaitirwa kuti aratidze kururama kwake, nokuti Mwari akanga achikanganwira zvivi+ zvakaitika munguva yakapfuura, paakanga achishivirira;+ 26 kuti aratidze kururama+ kwake mumwaka uno uripo, kuti ave akarurama kunyange pakuti munhu anotenda muna Jesu akarurama.+
27 Saka, kuzvirumbidza kuri kupi?+ Kwabviswa. Nomutemo upi?+ Uya wemabasa here?+ Chokwadi, aiwa, asi nomutemo wokutenda.+ 28 Nokuti tinofunga kuti munhu anonzi akarurama nokuda kwokutenda tisingabatanidzi mabasa omutemo.+ 29 Kana kuti iye ndiMwari wevaJudha chete here?+ Haasiriwo wevanhu vemamwe marudzi here?+ Chokwadi, wevanhu vemamwe marudziwo,+ 30 chokwadi kana Mwari ari mumwe chete,+ iye achati vanhu vakadzingiswa+ vakarurama nokuda kwokutenda uye vanhu vasina kudzingiswa+ vakarurama nokuda kwokutenda kwavo. 31 Saka, tinobvisa mutemo nokuda kwokutenda kwedu here?+ Izvozvo ngazvirege kumboitika! Asi, tinosimbisa mutemo.+