1 VaKorinde
15 Zvino, hama, ndinokuzivisai, mashoko akanaka+ andakakuzivisai,+ amakagamuchirawo, iwo amakamirawo maari.+ 2 Muri kuponeswawo+ nemashoko andakataura pandakakuzivisai mashoko akanaka, kana muri kuabatisisa, kutoti, chokwadi, kana imi makava vatendi pasina.+
3 Nokuti pazvinhu zvokutanga ndakakugamuchidzai zviya zvandakagamuchirawo,+ kuti Kristu akafira zvivi zvedu maererano neMagwaro;+ 4 uye kuti akavigwa,+ chokwadi, kuti akamutswa+ pazuva rechitatu+ maererano neMagwaro;+ 5 uye kuti akazviratidza kuna Kefasi,+ akazozviratidza kune vane gumi nevaviri.+ 6 Pashure paizvozvo akazviratidza kuhama dzinopfuura mazana mashanu panguva imwe chete, vazhinji vadzo vapenyu kusvikira panguva ino,+ asi vamwe vakarara murufu. 7 Pashure paizvozvo akazviratidza kuna Jakobho,+ akazozviratidza kuvaapostora vose;+ 8 asi pakupedzisira akazviratidzawo kwandiri+ sokunge kumunhu akaberekwa nguva isati yakwana.
9 Nokuti ini ndiri muduku+ pavaapostora vose, uye handina kukodzera kunzi muapostora, nokuti ndakatambudza+ ungano yaMwari. 10 Asi ndiri zvandiri nomutsa usina kukodzera kuwanwa+ waMwari. Mutsa wake usina kukodzera kuwanwa waakandiitira hauna kuva mutsa usina zvaunobatsira,+ asi ndakashanda kuvapfuura vose,+ kwete ini asi mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari wandiinawo.+ 11 Zvisinei, ndingava ini kana ivo, tiri kuparidza saizvozvo uye imi makatenda saizvozvo.+
12 Zvino kana Kristu ari kuparidzwa kuti akamutswa kubva kuvakafa,+ sei vamwe pakati penyu vachiti hapana kumuka kwevakafa?+ 13 Chokwadi, kana kusina kumuka kwevakafa, naKristu haana kumutswawo.+ 14 Asi kana Kristu asina kumutswa, kuparidza kwedu chokwadi hakuna zvakunobatsira, uye kutenda kwedu hakuna zvakunobatsira.+ 15 Zvakare, isu tinganziwo tiri zvapupu zvenhema zvaMwari,+ nokuti takapupura+ zvinopesana naMwari kuti iye akamutsa Kristu,+ asi iye asina kumumutsa kana chiri chokwadi kuti vakafa havazomutswi.+ 16 Nokuti kana vakafa vasingazomutswi, Kristu haana kumutswawo. 17 Uyezve, kana Kristu asina kumutswa, kutenda kwenyu hakubatsiri; muchiri muzvivi zvenyu.+ 18 Chokwadi, vaya vakararawo murufu pamwe+ naKristu vakaparara.+ 19 Kana takava netariro muna Kristu+ muupenyu huno chete, tiri vanhu vanosiririsa kupfuura vanhu vose.
20 Zvisinei, zvino Kristu akamutswa kuvakafa,+ icho chibereko chokutanga+ pane vaya vakarara murufu.+ 21 Nokuti rufu+ zvaruripo nokuda kwomunhu, kumuka+ kwevakafa kuripowo nokuda kwomunhu. 22 Nokuti vose zvavari kufa muna Adhamu,+ saizvozvowo vose vachaitwa vapenyu muna Kristu.+ 23 Asi mumwe nomumwe padzoro rake: Kristu chibereko chokutanga,+ kwozotevera vaya vari vaKristu, munguva yokuvapo kwake.+ 24 Kwozotevera mugumo, paanogamuchidza umambo kuna Mwari wake uye Baba, paanenge aparadza hurumende dzose nechiremera chose nesimba.+ 25 Nokuti anofanira kutonga samambo kusvikira Mwari aisa vavengi vose pasi petsoka dzake.+ 26 Muvengi wokupedzisira achaparadzwa ndirwo rufu.+ 27 Nokuti Mwari “akaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”+ Asi paanoti ‘zvinhu zvose zvakaiswa pasi,’+ zviri pachena kuti hazvibatanidzi uyo akaisa zvinhu zvose pasi pake.+ 28 Asi zvinhu zvose pazvinenge zvaiswa pasi pake,+ Mwanakomana achabva azviisawo pasi poUyo+ akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.+
29 Kana zvisina kudaro, vari kubhabhatidzwa kuti vave vakafa vachaitei?+ Kana vakafa vasingazombomutswi,+ vari kubhabhatidzirweiwo+ kuti vave vakafa? 30 Nei tiriwo mungozi awa imwe neimwe?+ 31 Zuva nezuva ndinotarisana norufu.+ Izvi ndinozvisimbisa nokupembera nomufaro+ kwandinoita pamusoro penyu, hama, kwandinoita muna Kristu Jesu Ishe wedu. 32 Kana ndakarwa nezvikara muEfeso+ sezvakaitwa nevamwe vanhu, izvozvo zvinondibatsirei? Kana vakafa vasingazomutswi, “ngatidye, ngatinwe, nokuti mangwana tichafa.”+ 33 Musatsauswa. Ushamwari hwakaipa hunoshatisa tsika dzinobatsira.+ 34 Pengenukai+ nenzira yakarurama uye musava netsika yokuita chivi, nokuti vamwe havazivi Mwari.+ Ndiri kutaura kuti ndikunyadzisei.+
35 Kunyange zvakadaro, mumwe munhu achati: “Vakafa vachamutswa sei? Chokwadi, vachauya nomuviri worudzii?”+ 36 Iwe benzi! Chaunodyara hachiitwi chipenyu kunze kwokunge chatanga chafa;+ 37 uye kana chiri chaunodyara, haudyari muviri uchavapo, asi tsanga+ chete, ingava yegorosi kana chero ipi zvayo yedzimwe dzose; 38 asi Mwari anoipa muviri+ sezvaanenge ada,+ uye anopa mbeu imwe neimwe muviri wayo. 39 Nyama yose haina kufanana, asi kune yevanhu, uye kune imwe nyama yezvipfuwo, imwe nyama yeshiri, neimwe yehove.+ 40 Uye kune miviri yokudenga,+ nemiviri yepanyika;+ asi kubwinya+ kwemiviri yokudenga ndokumwe, uye kwemiviri yepanyika ndokumwewo. 41 Kubwinya kwezuva+ ndokumwe, uye kubwinya kwomwedzi+ ndokumwe, kubwinya kwenyeredzi+ ndokumwe; chokwadi, nyeredzi imwe neimwe inosiyana neimwe pakubwinya.
42 Ndizvo zvakaitawo kumutswa kwevakafa.+ Unodyarwa mukuora, unomutswa mukusaora.+ 43 Unodyarwa mukuzvidzwa,+ unomutsirwa mukubwinya.+ Unodyarwa usina simba,+ unomutswa wava nesimba.+ 44 Unodyarwa uri muviri wenyama,+ unomutswa uri muviri womudzimu.+ Kana kuine muviri wenyama, kunewo womudzimu. 45 Zvakatonyorwa kuti: “Munhu wokutanga Adhamu akava mweya mupenyu.”+ Adhamu wokupedzisira akava mudzimu+ unopa upenyu.+ 46 Kunyange zvakadaro, chokutanga hachisi chiya chomudzimu, asi chenyama, kwozotevera chomudzimu.+ 47 Munhu wokutanga akabva panyika uye akaitwa neguruva;+ munhu wechipiri akabva kudenga.+ 48 Zvakaita munhu akaitwa neguruva,+ ndizvo zvakaitawo vaya vakaitwa neguruva; uye zvakaita munhu wokudenga,+ ndizvo zvakaitawo vaya vokudenga.+ 49 Zvatakava nomufananidzo+ womunhu akaitwa neguruva, tichavawo nomufananidzo+ womunhu wokudenga.
50 Zvisinei, hama, ndinotaura izvi, kuti nyama neropa hazvingagari nhaka youmambo hwaMwari,+ uyewo kuora hakugari nhaka yokusaora.+ 51 Tarirai! Ndinokuudzai chakavanzika chitsvene chokuti: Hatizorari tose murufu, asi tose tichachinjwa,+ 52 munguva dukuduku, mukubwaira kweziso, mukurira kwebhosvo rokupedzisira. Nokuti bhosvo+ richarira, vakafa vachamutswa vasingachaori, uye isu tichachinjwa. 53 Nokuti ichi chinoora chinofanira kupfeka kusaora,+ uye ichi chinofa+ chinofanira kupfeka kusafa. 54 Asi ichi chinoora pachinopfeka kusaora uye ichi chinofa pachinopfeka kusafa, shoko rakanyorwa richabva raitika rinoti: “Rufu+ rwaparadzwa nokusingaperi.”+ 55 “Rufu, kukunda kwako kuri kupi? Rufu, kuruma kwako kuri kupi?”+ 56 Kuruma+ kunobereka rufu chivi, asi simba rechivi Mutemo.+ 57 Asi Mwari ngaaongwe, nokuti anoita kuti tikunde naShe wedu Jesu Kristu!+
58 Naizvozvo, hama dzangu dzinodiwa, ivai vakasimba,+ musingazununguki, muchigara muine zvizhinji zvokuita mubasa raShe,+ muchiziva kuti basa renyu harisi pasina+ munaShe.