1 VaKorinde
3 Naizvozvo, hama, ndakanga ndisingakwanisi kutaura nemi sendiri kutaura nevanhu vomudzimu,+ asi nevanhu venyama, nevacheche+ muna Kristu. 2 Ndakakupai mukaka, kwete chimwe chinhu chokudya,+ nokuti makanga musati masimba zvakakwana. Chokwadi, nazvino hamuna kusimba zvakakwana,+ 3 nokuti muchiri venyama.+ Pakati penyu zvapaine godo nokukakavadzana,+ hamusi venyama here uye hamusi kufamba sezvinoita vanhu here?+ 4 Nokuti mumwe paanoti: “Ini ndiri waPauro,” asi mumwe achiti: “Ini waAporo,”+ hamusi vanhuwo zvavo here?
5 Saka, Aporo chii?+ Chokwadi, Pauro chii? Vashumiriwo+ zvavo vakaita kuti muve vatendi, mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. 6 Ini ndakadyara,+ Aporo akadiridza,+ asi Mwari akaramba achiita kuti zvikure;+ 7 zvokuti anodyara kana anodiridza haasi chinhu,+ asi Mwari anoita kuti zvikure.+ 8 Zvino anodyara neanodiridza vamwe chete,+ asi munhu mumwe nomumwe achawana mubayiro wake maererano nebasa rake.+ 9 Nokuti tiri vashandi pamwe chete naMwari.+ Imi muri munda waMwari uri kurimwa,+ muri chivako chaMwari.+
10 Maererano nomutsa usina kukodzera kuwanwa+ waMwari wandakaitirwa, somutungamiriri akachenjera wemabasa ezvokuvaka ndakavaka nheyo,+ asi mumwe munhu ari kuvaka pairi. Asi mumwe nomumwe ngaarambe achichenjerera mavakiro aari kuita pairi.+ 11 Nokuti hapana munhu anogona kuvaka imwe nheyo+ chero ipi zvayo kunze kweyakatovakwa, iyo iri Jesu Kristu.+ 12 Zvino kana munhu achivaka panheyo yacho nendarama, nesirivha, nematombo anokosha, nematanda, nouswa, nemashanga, 13 basa romumwe nomumwe richaiswa pachena, nokuti zuva racho richariratidza, nokuti richaratidzwa nomoto;+ uye moto ucharatidza kuti basa romumwe nomumwe nderorudzii. 14 Kana basa romunhu raakavaka panheyo yacho rikaramba riripo,+ iye achawana mubayiro;+ 15 kana basa romunhu rikatsva, acharasikirwa, asi iye achaponeswa;+ asi, kana zvakadaro, zvichaita sokunge apfuura nomumoto.+
16 Hamuzivi here kuti imi muri temberi yaMwari,+ uye kuti mudzimu waMwari unogara mamuri?+ 17 Kana munhu akaparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza;+ nokuti temberi yaMwari itsvene,+ imi ndimi temberi yacho.+
18 Ngaparege kuva nomunhu anozvinyengera: Kana pakati penyu paine munhu anofunga kuti akachenjera+ mumamiriro ezvinhu epanguva ino, ngaave benzi, kuti ave akachenjera.+ 19 Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi kuna Mwari;+ nokuti zvakanyorwa kuti: “Iye anobata vakachenjera mukunyengera kwavo.”+ 20 Uyezve: “Jehovha anoziva kuti kufunga kwevanhu vakachenjera hakuna zvakunobatsira.”+ 21 Nokudaro ngaparege kuva naani naani anozvirumbidza nevanhu; nokuti zvinhu zvose ndezvenyu,+ 22 angava Pauro kana Aporo+ kana Kefasi kana nyika kana upenyu kana rufu kana zvinhu zviripo iye zvino kana zvinhu zvichauya,+ zvinhu zvose ndezvenyu; 23 nemiwo muri vanhu vaKristu;+ uye Kristuwo, ndewaMwari.+