1 VaKorinde
5 Chokwadi zviri kunzi pakati penyu pari kuitwa ufeve,+ ufeve husingambowaniki kunyange pakati pemamwe marudzi, hwokuti mumwe munhu ane mudzimai wababa vake.+ 2 Munotozvitutumadza+ henyu, maisafanira here kuchema,+ kuti munhu akaita chinhu ichi abviswe pakati penyu?+ 3 Somuenzaniso, ini kunyange ndisipo mumuviri ndiripo mumudzimu, chokwadi ndatotonga+ munhu akaita saizvozvi, sezvinonzi ndiripo, 4 kuti muzita raShe wedu Jesu, pamunenge maungana, pamwe chete nemafungiro angu nesimba raShe wedu Jesu,+ 5 muise munhu akadaro kuna Satani+ kuti nyama iparadzwe, kuti mudzimu+ weungano uchengetedzwe pazuva raShe.+
6 Chikonzero chenyu chokuzvirumbidza+ hachina kumbonaka. Hamuzivi here kuti mbiriso shomanana inovirisa+ mukanyiwa wose?+ 7 Bvisai mbiriso yekare, kuti muve mukanyiwa mutsva,+ zvamusina kuvira. Nokuti, chokwadi, Kristu+ paseka+ yedu, akabayirwa.+ 8 Naizvozvo ngatichengete mutambo,+ kwete nembiriso yekare,+ kana nembiriso+ youshati nouipi,+ asi nemakeke asina kuviriswa okutendeseka nechokwadi.+
9 Mutsamba yangu ndakakunyorerai kuti murege kufambidzana nezvifeve, 10 ndisingarevi kuti murege zvachose kufambidzana nezvifeve+ zvenyika+ ino kana vanhu vanokara nemakororo kana vanonamata zvidhori. Dai zvakadaro, chokwadi maizofanira kubva panyika.+ 11 Asi zvino ndiri kukunyorerai kuti murege kufambidzana+ nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara+ kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa+ kana gororo, musambodya nomunhu akadaro. 12 Nokuti ndinei nokutonga vari kunze?+ Imi hamutongi vari mukati here,+ 13 Mwari achitonga vari kunze?+ “Bvisai munhu akaipa pakati penyu.”+