2 VaKorinde
2 Nokuti izvi ndizvo zvandasarudza, kuti ndirege kuuyazve kwamuri ndakasuruvara.+ 2 Nokuti kana ndikakusuruvarisai,+ chokwadi ndiani achandifadza kunze kwouya wandinosuruvarisa? 3 Naizvozvo ndakanyora chinhu ichi, kuti pandinouya, ndirege kusuruvara+ nokuda kwevaya vandinofanira kufarira;+ nokuti ndinovimba+ nemi mose kuti mufaro wandiinawo ndowenyu mose. 4 Nokuti ndakakunyorerai nemisodzi+ mizhinji ndichitambudzika kwazvo uye ndichirwadziwa mwoyo kwazvo, kwete kuti musuruvariswe,+ asi kuti muzive kukudai kwazvo kwandinoita.
5 Zvino kana munhu akaita kuti pave nokusuruvara,+ asuruvarisa kwete ini, asi imi mose kusvikira kumwero wakati—ini hangu handingadi kunyanyisa pane zvandinotaura. 6 Kutsiura+ uku kwakaitwa nevoruzhinji kwakakwanira munhu akadaro, 7 zvokuti iye zvino imi munofanira kumukanganwira nomutsa+ uye kumunyaradza, kuti zvimwe munhu akadaro arege kukurirwa nokunyanyosuruvara kwake.+ 8 Naizvozvo ndinokurayirai kuti musimbise kumuda+ kwenyu. 9 Nokuti nokuda kwaizvozvi ndinonyorawo kuti ndizive zvamuri, kana muchiteerera pazvinhu zvose.+ 10 Zvinhu zvose zvamunokanganwira nomutsa munhu wose, ini ndinoitawo saizvozvo.+ Chokwadi, kana ndiri ini, zvose zvandakakanganwira nomutsa, kana ndakakanganwira nomutsa zvinhu zvose, zvakaitirwa imi pamberi paKristu; 11 kuti tirege kunyengerwa naSatani,+ nokuti mazano ake tinoaziva.+
12 Zvino pandakasvika muTroasi+ kuti ndizivise mashoko akanaka pamusoro paKristu, uye ndazarurirwa suo munaShe,+ 13 handina kuwana zororo mumwoyo* mangu nokuti ndakanga ndisina kuwana Tito+ hama yangu, asi ndakavaoneka, ndikaenda kuMakedhoniya.+
14 Asi Mwari ngaaongwe anogara achititungamirira+ mukufora kwokukunda tiri pamwe+ naKristu achiita kuti kunhuhwirira kwokumuziva kunzwike nesu munzvimbo dzose!+ 15 Nokuti kuna Mwari tiri kunhuhwirira kwakanaka+ kwaKristu kune vaya vari kuponeswa uye kune vaya vari kuparara;+ 16 kune vapedzisira kutaurwa kunhuhwirira kunobva kurufu kuchienda kurufu,+ kune vatanga kutaurwa kunhuhwirira kunobva kuupenyu kuchienda kuupenyu. Zvino ndiani anonyatsokwanisa nokuda kwezvinhu izvi?+ 17 Tisu; nokuti hatisi vatengesi veshoko raMwari+ sezvakaita vanhu vazhinji,+ asi tiri kutaura nomwoyo wose, chokwadi, sevanhu vakatumwa kubva kuna Mwari, tichionekwa naMwari, tiri pamwe chete naKristu.+