2 VaKorinde
4 Saka, zvatiine ushumiri+ uhwu maererano nengoni dzatakaratidzwa,+ hatineti; 2 asi takaramba zvinhu zvakavanzika zvatinonyara nazvo,+ tisingafambi nemanomano, kana kushatisa shoko raMwari,+ asi tinoita kuti chokwadi chive pachena uye tinoratidza pachena kuti tiri muenzaniso wakanaka kuhana yomunhu wose pamberi paMwari.+ 3 Zvino, chokwadi kana mashoko akanaka atinozivisa akafukidzwa, akafukidzwa kune vaya vanoparara,+ 4 kune vasingatendi,+ vaya vakapofumadzwa pfungwa namwari wemamiriro ezvinhu epanguva ino,+ kuti varege kupenyerwa+ nokuvhenekera+ kwemashoko akanaka anokudzwa+ ane chokuita naKristu, uyo ari mufananidzo+ waMwari. 5 Nokuti isu hatisi kuparidza pamusoro pedu, asi tiri kuparidza Kristu Jesu kuti ndiye Ishe,+ uye kuti isu tiri varanda+ venyu nokuda kwaJesu. 6 Nokuti Mwari ndiye akati: “Chiedza ngachipenye murima,”+ uye akapenyera pamwoyo yedu kuti aivhenekere+ nezivo inobwinya+ pamusoro paMwari nechiso chaKristu.+
7 Zvisinei, tine pfuma+ iyi mumidziyo+ yevhu,+ kuti simba+ rinopfuura renguva dzose rive raMwari,+ kwete rinobva matiri.+ 8 Tinomanikidzwa munzira dzose,+ asi hatimanikidziki zvokusagona kufamba; tinovhiringidzika, asi kwete zvokushaya pokubuda napo zvachose;+ 9 tinotambudzwa, asi hatisiyiwi tisina rubatsiro;+ tinopunzirwa pasi,+ asi hatiparadzwi.+ 10 Kwose kwose kwatinoenda tinogara tichitsungirira mumuviri wedu zvinhu zvinouraya zvakaitirwa Jesu,+ kuti upenyu hwaJesu huratidzwewo pachena mumuviri wedu.+ 11 Nokuti isu vapenyu tinogara tichitarisana norufu+ nokuda kwaJesu, kuti upenyu hwaJesu huratidzwe pachena munyama yedu inofa.+ 12 Naizvozvo rufu runoshanda matiri, asi upenyu mamuri imi.+
13 Zvino nokuti tine mudzimu wakafanana wokutenda souya wakanyorwa nezvawo kuti: “Ndakatenda, saka ndakataura,”+ isuwo tinotenda saka tinotaura, 14 tichiziva kuti iye akamutsa Jesu achatimutsawo pamwe chete naJesu uye achatiisa pamwe chete nemi pamberi pake.+ 15 Nokuti zvinhu zvose zvinoitirwa imi,+ kuti mutsa usina kukodzera kuwanwa wakawanziridzwa uwande nokuda kwokuonga kwevamwe vazhinji kuti Mwari akudzwe.+
16 Naizvozvo hatineti, asi kunyange munhu watiri nechokunze ari kupera, chokwadi munhu watiri nechomukati+ ari kuitwa mutsva zuva nezuva. 17 Nokuti kunyange zvazvo kutambudzika kwacho kuri kwenguva duku+ uye kwakareruka, kunoita kuti tiwane kubwinya kwakatokura kwazvo uye kusingaperi;+ 18 zvatisingarambi takatarira zvinhu zvinooneka, asi zvinhu zvisingaoneki.+ Nokuti zvinhu zvinooneka ndezvenguva duku,+ asi zvinhu zvisingaoneki ndezvokusingaperi.+