2 VaKorinde
5 Nokuti tinoziva kuti kana imba yedu yepanyika,+ iro tende rino,+ ikaparara,+ tichava nechivako chinobva kuna Mwari, imba isina kuvakwa nemaoko,+ isingaperi,+ iri kumatenga. 2 Nokuti chokwadi tinogomera+ tiri muimba ino yokugara, tichida nomwoyo wose kupfeka yedu inobva kudenga,+ 3 kuti, kana taipfeka, hatizowanikwi tisina kupfeka.+ 4 Chokwadi, isu tiri mutende rino tinogomera, tichiremerwa; nokuti hatidi kuripfekenura, asi kupfeka rimwe racho,+ kuti chinofa chimedzwe noupenyu.+ 5 Zvino iye akatigadzirira chinhu ichochi ndiMwari,+ uyo akatipa chokumbofanobata+ chechinhu chichauya, iwo mudzimu.+
6 Naizvozvo tinogara tichishinga kwazvo, tichiziva kuti, patinenge takagara mumuviri, hatisi kunaShe,+ 7 nokuti tinofamba nokutenda, kwete nokuona.+ 8 Asi panzvimbo paizvozvo tinoshinga kwazvo uye tinofara kwazvo kuti tirege kuva mumuviri uyu kuti tigare naShe.+ 9 Naizvozvo tiri kuvavarirawo kuti tive vanogamuchirika kwaari,+ tingava tichigara naye kana kuti tisiri kwaari.+ 10 Nokuti tose tinofanira kuratidzwa pachena zvatiri pamberi pechigaro chokutonga chaKristu,+ kuti mumwe nomumwe awane mubayiro wake nokuda kwezvinhu zvakaitwa nomuviri, maererano nezvinhu zvaakaita, zvingava zvakanaka kana zvakaipa.+
11 Naizvozvo, zvatinoziva kutya+ Ishe, tinoramba tichinyengetedza+ vanhu, asi takaratidzwa pachena zvatiri kuna Mwari. Zvisinei, ndinovimba takaratidzwawo pachena zvatiri kuhana dzenyu.+ 12 Hatisi kuzvirumbidzazve+ kwamuri, asi tiri kukupai chikonzero chokuzvirumbidza pamusoro pedu,+ kuti muve nemhinduro nokuda kwevaya vanozvirumbidza pamusoro pokuoneka kwokunze+ asi kwete pamusoro pomwoyo.+ 13 Nokuti kana taiva mapenzi,+ zvainge zvakadaro nokuda kwaMwari; kana tiine pfungwa dzakanaka,+ zvakadaro nokuda kwenyu. 14 Nokuti rudo runa Kristu runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe chete akafira vose;+ naizvozvo, vose vakanga vafa; 15 zvino akafira vose kuti vanorarama varege kuzviraramirazve,+ asi vararamire iye+ akavafira, akamutswa.+
16 Naizvozvo kubvira zvino hatizivi munhu panyama.+ Kunyange kana takaziva Kristu panyama,+ chokwadi iye zvino hatichamuzivi saizvozvo.+ 17 Naizvozvo kana paine munhu ari pamwe naKristu, iye chisikwa chitsva;+ zvinhu zvekare zvakapfuura,+ tarirai! zvinhu zvitsva zvavapo.+ 18 Asi zvinhu zvose zvinobva kuna Mwari, uyo akazviyananisa+ nesu achishandisa Kristu, akatipa ushumiri+ hwokuyananisa, 19 hwokuti Mwari akanga achizviyananisa nenyika+ achishandisa Kristu,+ asingavaverengeri kudarika kwavo,+ uye akatironzesa shoko+ rokuyananisa.+
20 Naizvozvo tiri+ nhume+ dzinomiririra Kristu,+ sokunge kuti Mwari akanga achiteterera achishandisa isu.+ Sevamiririri vaKristu tinokumbira kuti:+ “Yananiswai naMwari.” 21 Iye akaita kuti iye asina kuziva chivi+ ave chivi+ nokuda kwedu, kuti isu tive kururama kwaMwari+ pachishandiswa iye.